|
| 1 |
|
| Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinoMurevereri kunaBaba, iye Jesu Kristu wakarurama; |
|
| 2 |
|
| ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose vo. |
|
| 3 |
|
| Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake. |
|
| 4 |
|
| Uyo, unoti, ndinomuziva, asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, chokwadi hachizi maari; |
|
| 5 |
|
| asi uyo, unochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari; |
|
| 6 |
|
| uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba vo sezvaakafamba iye. |
|
| 7 |
|
| Hama dzangu, handikunyoreriyi murairo mutsva, asi murairo wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa. |
|
| 8 |
|
| Pamwe zve ndinokunyorerai murairo mutsva, chiri chinhu chachokwadi maari nomamuri; nokuti rima ropfuvura, chiedza chachokwadi chotovhenekera. |
|
| 9 |
|
| Uyo, unoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, uchiri murima kusvikira zvino. |
|
| 10 |
|
| Unoda hama yake, unogara muchiedza, hapane chigumbuso maari. |
|
| 11 |
|
| Asi unovenga hama yake, uri murima, unofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake. |
|
| 12 |
|
| Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makakangamwirwa zvivi nokuda kwezita rake. |
|
| 13 |
|
| Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba. |
|
| 14 |
|
| Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye wakanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa. |
|
| 15 |
|
| Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. |
|
| 16 |
|
| Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kovupenyu, hazvibvi kunaBaba, asi panyika. |
|
| 17 |
|
| Nyika inopfuvura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi. |
|
| 18 |
|
| Vana vaduku, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira. |
|
| 19 |
|
| Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaive vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vavonekwe kuti vose havazi vedu. |
|
| 20 |
|
| imwi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutsvene, munoziva zvose. |
|
| 21 |
|
| Handina kukunyorerai ndichiti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munoiziva, uye nokuti hakunenhema dzingabva pachokwadi. |
|
| 22 |
|
| Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Baba noMwanakomana. |
|
| 23 |
|
| Aninani unoramba Mwanakomana, naiye haana Babavo. |
|
| 24 |
|
| Kana muri imwi, izvo zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri, nemivo muchagara muMwanakomana, nomunaBaba. |
|
| 25 |
|
| Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndibwo vupenyu bwusingaperi. |
|
| 26 |
|
| Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai. |
|
| 27 |
|
| Kana muri imwi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodzwa kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, dzisati dziri nhema, se zvakwakakudzidzisai, garai maari. |
|
| 28 |
|
| Zvino, vana vaduku, garai maari,kuti, kana achizovoneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswa vo pamberi pake pakuvuya kwake. |
|
| 29 |
|
| Kana muchiziva kuti iye wakarurama zivaivo kuti mumwe nomumwe unoita zvakarurama wakaberekwa naye. |
|
|
|
|