|
| 1 |
|
| Vadikamwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya, kuti muvone kana yakabva kunaMwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika. |
|
| 2 |
|
| Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari: Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu wakavuya munyama, ndowaMwari. |
|
| 3 |
|
| Mweya mumwe nomumwe usingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unovuya' nazvino watova panyika. |
|
| 4 |
|
| Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika. |
|
| 5 |
|
| Ivo ndovenyika, naizvozvo vanotaura savenyika, nenyika inovanzwa. |
|
| 6 |
|
| Isu tiri vaMwari; unoziva Mwari, unotinzwa; usi waMwari, haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wechokwadi, nomweya wokutsauka. |
|
| 7 |
|
| Vadikamwa, ngatidane; nokuti rudo runobva kunaMwari, mumwe nomumwe, unoda, wakaberekwa naMwari, unoziva Mwari. |
|
| 8 |
|
| Usingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. |
|
| 9 |
|
| Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa ari mumwe chete, munyika, kuti tive novupenyu naye. |
|
| 10 |
|
| Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu. |
|
| 11 |
|
| Vadikamwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuvo tinofanira kudana. |
|
| 12 |
|
| Hakuna munhu wakambovona Mwari; kana tichidana, Mwari unogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri. |
|
| 13 |
|
| Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti wakatipa zvoMweya wake. |
|
| 14 |
|
| Isu takavona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika. |
|
| 15 |
|
| Aninani unopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari unogara maari, naiye munaMwari. |
|
| 16 |
|
| Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu, Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; unogara murudo, unogara munaMwari, naMwari maari. |
|
| 17 |
|
| Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitavo panyika ino. |
|
| 18 |
|
| Hakunokutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorobwa; munhu, unotya, haana kukwaniswa parudo. |
|
| 19 |
|
| Isu tinoda, nokuti iye wakatanga kutida. |
|
| 20 |
|
| Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakavona, ungada seiko Mwari, waasina kuvona? |
|
| 21 |
|
| Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoda Mwari, ngaade vo hama yake. |
|
|
|
|