|
| 1 |
|
| Vadikanwi, musatenda mweya yose, asi muedze mweya, kuti muone kana yakabva kuna Mwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika. |
|
| 2 |
|
| Ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari; Mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama, ndowaMwari. |
|
| 3 |
|
| Mweya mumwe nomumwe usingapupuri Jesu, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti anouya; nazvino atova panyika. |
|
| 4 |
|
| Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, ari mamuri, mukuru kuna iye, uri munyika. |
|
| 5 |
|
| Ivo ndovenyika, naizvozvo vanotaura savenyika, nenyika inovanzwa. |
|
| 6 |
|
| Isu tiri vaMwari; anoziva Mwari, anotinzwa; asiri waMwari, haatinzwi. Ndizvo zvatinoziva nazvo Mweya wechokwadi, nomweya wokutsauka. |
|
| 7 |
|
| Vadikanwi, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari; mumwe nomumwe, anoda, akaberekwa naMwari, anoziva Mwari. |
|
| 8 |
|
| Asingadi, haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo. |
|
| 9 |
|
| Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa ari mumwechete, munyika, kuti tive noupenyu naye. |
|
| 10 |
|
| Rudo ruri pachinhu ichi, kuti hatizisu takada Mwari, asi kuti ndiye wakatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu. |
|
| 11 |
|
| Vadikanwi, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuo tinofanira kudana. |
|
| 12 |
|
| Hakuna munhu akamboona Mwari; kana tichidana, Mwari anogara matiri, norudo rwake runokwaniswa matiri. |
|
| 13 |
|
| Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinogara maari, naiye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake. |
|
| 14 |
|
| Isu takaona, uye tinopupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana, kuti ave Muponesi wenyika. |
|
| 15 |
|
| Ani naani anopupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiye muna Mwari. |
|
| 16 |
|
| Nesu takaziva, tikatenda rudo urwu Mwari rwaanarwo kwatiri. Mwari rudo; anogara murudo, anogara muna Mwari, naMwari maari. |
|
| 17 |
|
| Rudo rwakakwaniswa matiri pachinhu ichi, kuti tirege kutya nezuva rokutongwa; nokuti sezvaakaita iye, ndizvo zvatakaitawo panyika ino. |
|
| 18 |
|
| Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya, nokuti kutya kunorohwa; munhu, anotya, haana kukwaniswa parudo. |
|
| 19 |
|
| Isu tinoda, nokuti iye akatanga kutida. |
|
| 20 |
|
| Kana munhu achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti asingadi hama yake yaakaona, angada seiko Mwari, waasina kumuona? |
|
| 21 |
|
| Iwoyu murayiro wakabva kwaari, tinawo, wokuti anoda Mwari, ngaadewo hama yake. |
|
|
|
|