|
| 1 |
|
| Ini mukuru wesangano, ndinokunyorera iwe Gayusi wandinoda wapamwoyo pangu zvechokwadi. |
|
| 2 |
|
| Mudikanwi, ndinonamata kuti dai waro zvinhu zvose zvangokufambira zvakanaka uye kuti uve noutano hwakanaka. Ndine chokwadi chokuti pane zvomweya wako, muchete. |
|
| 3 |
|
| Ndakafara zvikuru vamwe vedu pavakasvika vachipupurawo nezvechokwadi chiri mauri sokutevedzawo kwaunoita idi zviri pachokwadi. |
|
| 4 |
|
| Hapana chingandifadze kupfuura izvi zvokunzwa kuti vana vangu vari kutevedza chokwadi. |
|
| 5 |
|
| Mudikanwi, chinhu chakatendeka chaunoita chokubatsira kwaunoita vamwe vedu, zvikuru kuvaenzi. |
|
| 6 |
|
| Ivowo vakapupura nezvorudo rwako kusangano. Chingave chinhu chakanaka kuvabatsira kuenderera mberi nerwendo rwavo nomutowo unofadza Mwari. |
|
| 7 |
|
| Chakaita kuti vapinde munzira, izita iroro uye hapana chavakatambira kubva kuna vasiri vanamati. |
|
| 8 |
|
| Naizvozvo isu tinofanira kutsigira vanhu vakadai tive vashandipamwe muchokwadi. |
|
| 9 |
|
| Pane zvandakanyora kusangano asi Dhiotirefesi uyo anoda kuzviita mutungamiri, haandioni somutungamiri. |
|
| 10 |
|
| Naizvozvo kana ndauya ikoko ndichavhundunyura zvaari kuita, zvokufambisa makuhwa nezvangu. Pamusoro paizvozvo anoramba kugamuchira vamwe vedu achirambidzawo vamwe kuvagamuchira achitovadzinga musangano. |
|
| 11 |
|
| Mudikanwi, usatevedzere uipi asi tevedzera zvinhu zvakanaka. Munhu anoita zvakanaka munhu waMwari. Anoita zvakaipa haana kuona Mwari. |
|
| 12 |
|
| Dhemetiriusi munhu anoyemurika kuvanhu vose uye achipupurirwa nechokwadi pachacho. Neniwo ndinomupupurira. Iwe unoziva kuti kupupura kwangu ndekwechokwadi. |
|
| 13 |
|
| Ndanga ndine zvizhinji zvokukunyorera asi handingadi zvangu kukunyorera nepeni neingi. |
|
| 14 |
|
| Ndinovimba kuti ndichakuona nokukurumidza. Ipapo tichazotaurirana takatarisana uso nouso. |
|
| 15 |
|
| Rugare ngaruve newe. Muri kukwaziswa neshamwari. Undikwazisirewo shamwari dzose uchidzidoma namazita. |
|
|
|
|