|
| 1 |
|
| Judhasi, muranda waJesu Kristu, munun'una waJakobho, kuna vakadanwa, vakadikanwa muna Mwari Baba, vakachengetererwa Jesu Kristu: |
|
| 2 |
|
| Ngoni, norugare, norudo ngazviwanzwe kwamuri. |
|
| 3 |
|
| Vadikanwi, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. |
|
| 4 |
|
| Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwechete, Ishe wedu Jesu Kristu. |
|
| 5 |
|
| Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyangwe maizviziva henyu kamwe kare zvose, kuti Ishe, akati amborwira vanhu munyika yeIjipiti, akazoparadza avo vakanga vasingatendi. |
|
| 6 |
|
| Navatumwa, vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru; |
|
| 7 |
|
| seSodhoma neGomora, namaguta akapoteredza, akazvipa kwazvo saizvo kuupombwe nokutevera imwe nyama, akaitwa chiratidzo, akarohwa nomoto usingaperi. |
|
| 8 |
|
| Kunyangwe zvakadaro, vanhu ava pakurota kwavo vanosvibisa nyama yavo saizvozvo, vachiramba ukuru, nokutuka avo vanokubwinya. |
|
| 9 |
|
| Asi Mikaeri, mutumwa mukuru, nguva yaakarwa naDhiabhori, akaita nharo naye pamusoro pomuviri waMosesi, akatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi akati, “Ishe ngaakurayire.” |
|
| 10 |
|
| Asi vanhu ava vanotuka zvavasingazivi; napazvinhu izvo, zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingazivi, vanoparadzwa pazviri. |
|
| 11 |
|
| Vane nhamo, nokuti vakafamba nenzira yaKaini, vakapengera kutsauka kwaBharamu nokuda kwomubairo, vakaparadzwa nokukakavara kwaKora. |
|
| 12 |
|
| Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo, kana vodya nemi vasingatyi, vafudzi vanongozvifudza ivo; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi; |
|
| 13 |
|
| mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyenyedzi dzinofamba–famba, vakachengetererwa kusviba kwerima nokusingaperi. |
|
| 14 |
|
| Inoki, wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofitira ivava, achiti, “Tarira, Ishe akawuya navatsvene vake vane zviuru zvamazana, |
|
| 15 |
|
| kuti atonge vose, nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari.” |
|
| 16 |
|
| Ivo vanyunyuti vasingatendi nezvavanazvo, vanofamba nokuchiva kwavo; (miromo yavo inotaura mashoko okuzvikudza), vachikudza vanhu nokuda kwokufumiswa. |
|
| 17 |
|
| Asi imi vadikanwi, rangarirai mashoko akambotaurwa navapostori vaIshe wedu, Jesu Kristu; |
|
| 18 |
|
| kuti vakakuudzai kuti, “Nenguva yokupedzisira vaseki vachavako, vanofamba nokuchiva kwavo vasingadi Mwari.” |
|
| 19 |
|
| Ndivo vanoparadzanisa, ndovenyama, vasina Mweya. |
|
| 20 |
|
| Asi imi vadikanwi, muzvivake mukutenda kwenyu kutsvene–tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene, |
|
| 21 |
|
| muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaIshe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi. |
|
| 22 |
|
| Ivai nengoni navamwe vane nyunyuto, |
|
| 23 |
|
| muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muve nengoni navo nokutya, muchivenga kunyangwe nenguo yakasvibiswa nenyama. |
|
| 24 |
|
| Zvino kuna iye anogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamungapomerwa, muchifara kwazvo, |
|
| 25 |
|
| kuna Mwari iye mumwe, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, noumambo, nesimba, noushe, nguva isati yavapo, nazvino nokusingaperi. Ameni. |
|
|
|
|