×

Shona Bible 2009?

Zvakazarurwa 10

1
Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
2
Wakanga akabata bhuku duku yakazaruka muruvoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboswe pamusoro penyika;
3
akadanidzira nenzwi guru seshumba inorira; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.
4
Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.
5
Ipapo mutumwa uya wandakavona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika, wakasimudzira ruvoko rwake rworudyi kudenga,
6
akapika naiye uri mupenyu nokusingaperi-peri, wakasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo, kuti nguva haingazovipo.
7
Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.
8
Ipapo inzwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataura zve kwandiri, richiti: Enda utore bhuku yakazaruka iri muruvoko rwomutumwa, umire pamusoro pegungwa napamusoro penyika.
9
Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari: Ndipei bhuku duku. Iye akati kwandiri: Tora, uidye; ichavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako ichanaka sovuchi.
10
Ipapo ndakatora bhuku duku muruvoko rwomutumwa, ndikaidya; ikanaka mumuromo mangu sovuchi; asi ndakati ndaidya, mudumbu mangu makavaviswa.
11
Vakati kwandiri: Unofanira kuporofita zve pamusoro pavanhu vazhinji, nendudzi, nendimi, namadzimambo.
Shona Bible 2009?
No Data
:
Sevha Zvinyorwa