|
| 1 |
|
| Zvino kudenga kwakavonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, wakanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri; |
|
| 2 |
|
| iye wakanga anemimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara. |
|
| 3 |
|
| Ipapo kudenga kwakavonekwa chimwe chiratidzo ichi: Tarira, shato huru tsvuku inemisoro minomwe, nenyanga dzinegumi, napamisoro yayo korona nomwe. |
|
| 4 |
|
| Rumhinda rwayo rwakakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara. |
|
| 5 |
|
| Akazvara mwana womukomana, unozofudza marudzi ose netsimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kunaMwari, nokuchigaro chake chovushe. |
|
| 6 |
|
| Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu. |
|
| 7 |
|
| Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo; |
|
| 8 |
|
| vakasakunda, nenzvimbo yavo hainakuzowanikwa kudenga. |
|
| 9 |
|
| Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo. |
|
| 10 |
|
| Ndikanzwa inzwi guru kudenga, richiti: Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, novushe bwaMwari wedu, novumambo bwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari we du masikati novusiku. |
|
| 11 |
|
| ivo vakamukunda neropa regwayana, uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda vupenyu bwavo kusvikira parufu. |
|
| 12 |
|
| Saka farai kudenga nemwi munogara'ko. Vurombo kwamuri imwi nyika navanogara panyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchinenguva duku. |
|
| 13 |
|
| Shato yakati yavona kuti yakandirwa pasi panyika, ikatambudza mukadzi wakazvara mwana womukomana. |
|
| 14 |
|
| Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingavonekwi nenyoka. |
|
| 15 |
|
| Ipapo nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure komukadzi kuti akukurwe norwizi. |
|
| 16 |
|
| Ipapo nyika yakabatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakabudiswa neshato mumuromo mayo. |
|
| 17 |
|
| Zvino shato yakatsamwira mukadzi. Ikaenda kundorwa navamwe vana vake, vanochengeta mirairo yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu Kristu. |
|
| 18 |
|
| Ikamira pajecha regungwa. |
|
|
|
|