|
| 1 |
|
| zvino ndakavona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chinenyanga dzinegumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga panekorona dzinegumi, napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari. |
|
| 2 |
|
| Chikara ichi chandakavona, chakanga chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebere, nomuromo wacho somuromo weshumba; shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chovushe, namasimba makuru. |
|
| 3 |
|
| Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga, raifanira kuvuraya, rakanga rapora; nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara. |
|
| 4 |
|
| Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti: Ndianiko wakafanana nechikara? Ndianiko unogona kurwa nacho? |
|
| 5 |
|
| Ipapo chakapiwa muromo unotaura mashoko makuru nezvokumhura; chakapiwa simba kuti chizviite mwedzi inamakumi mana nemiviri. |
|
| 6 |
|
| Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nokumhura zita rake netabernakeri yake naivo vanogara kudenga. |
|
| 7 |
|
| Chikapiwa masimba vo kuti chirwe navatsvene, nokuvakunda; chikapiwa masimba vo pamusoro pamarudzi ose, navanhu vose, nendimi dzose, nendudzi dzose. |
|
| 8 |
|
| Vose vanogara panyika vachachinamata, ivo vasinakunyorwa mazita avo mubhuku yegwayana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika. |
|
| 9 |
|
| Unenzeve, ngaanzwe. |
|
| 10 |
|
| Kana munhu achitapa, uchatapwa, kana munhu achivuraya nomunondo unofanira kuvurawa nomunondo. Ndipo pano kutsungirira nokutenda kwavatsvene. |
|
| 11 |
|
| Zvino ndakavona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chinenyanga mbiri segwayana,, chikataura seshato. |
|
| 12 |
|
| Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chinevanga raifanira kuchivuraya. |
|
| 13 |
|
| Chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinoburusira moto unobva kudenga panyika pamberi pavanhu; |
|
| 14 |
|
| chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kunavanogara panyika kuti vaitire chikara mufananaidzo, chiya chakanga chinevanga romunondo chakararama. |
|
| 15 |
|
| Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe. |
|
| 16 |
|
| Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruvoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo; |
|
| 17 |
|
| kuti munhu arege kuvapo unogona kutenga nokutengesa, asi iye unechiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho. |
|
| 18 |
|
| Ndipo panokuchenjera. Unoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu. |
|
|
|
|