|
| 1 |
|
| Zvino ndakatarira, ndikavona gwayana rimire pagomo reZiyoni, rinavamwe vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo. |
|
| 2 |
|
| Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, uye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa ranga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza vudimbwa bwavo. |
|
| 3 |
|
| Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro chovushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika. |
|
| 4 |
|
| Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera gwayana kose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kunaMwari nokugwayana. |
|
| 5 |
|
| Mumuromo mavo hamuna kuvonekwa nhema, havana chavangapomerwa pamberi pechigaro chaMwari. |
|
| 6 |
|
| Zvino ndakavona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, aneevhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose. |
|
| 7 |
|
| Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura. |
|
| 8 |
|
| ipapo mumwe mutumwa wakatevera, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakamwisa marudzi ose waini yokutsamwa kovupombwe bwaro. |
|
| 9 |
|
| ipapo mumwe mutumwa wechitatu wakatevera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruvoko rwake. |
|
| 10 |
|
| naiye uchamwa vo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; uchatambudzwa mumoto nesarufa pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi pegwayana. |
|
| 11 |
|
| Vutsi bwokutambudzika kwavo bwunokwira nokusingaperi-peri; havanezororo masikati novusiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho nounogamuchira chiratidzo chezita racho. |
|
| 12 |
|
| Ndipo panokutsungirira kwavatsvene, ndivo vanochengeta mirairo yaMwari nokutenda kwaJesu. |
|
| 13 |
|
| Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: kwandiri Nyora, uti: Vakafa, vanofira munaShe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongo, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera. |
|
| 14 |
|
| Ipapo ndakatarira, ndikavona gore jena, nomumwe wakaita soMwanakomana womunhu agere pamusoro paro, anekorona yendarama pamusoro wake naparuvoko rwake anejeko rinopinza. |
|
| 15 |
|
| Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga agere pamusoro pegore, achiti: Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokukohwa yenyu yasvika, nokuti kukohwa kwenyika kwaibva. |
|
| 16 |
|
| Ipapo wakanga agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ikachekwa. |
|
| 17 |
|
| Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, naiye vo anejeko rinopinza. |
|
| 18 |
|
| Nomumwe mutumwa wakanga anesimba pamusoro pomoto, akabuda paaritari, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga anejeko rinopinza, achiti: Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa ayo aibva. |
|
| 19 |
|
| Ipapo mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akacheka muzambiringa wenyika, akazvikandira muchisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari. |
|
| 20 |
|
| Chisvinuro chakatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisvinuro rikasvika pamatomu amabhiza, rikaenda mastadia anechuru chinamazana matanhatu.* |
|
|
|
|