Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino ndakavona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru chinoshamisa, ichi: Vatumwa vanomwe vanamatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti kutsamwa kwaMwari kwakapera nawo. |
| 2 |
| Ndikavona chakaita segungwa rinovonekera rakavhenganiswa nomoto, naivo vakavuya vakunda chikara nomufananidzo wacho, nechiratidzo chacho nechiverengo chezita racho, vamire pamusoro pegungwa rinovonekera, vanovudimbwa bwaMwari. |
| 3 |
| Vakaimba rwiyo rwaMozisi, muranda waMwari, norwiyo rwegwayana, vachiti: Ishe, Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzechokwadi, Imwi Ishe wavatsvene. |
| 4 |
| Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imwi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achavuya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa. |
| 5 |
| Shure kwaizvozvo ndakatarira ndikavona tembere yetabernakeri yovuchapupu yokudenga yakazarurwa; |
| 6 |
| mutembere mukabuda vatumwa vanomwe vanamatambudziko manomwe, vakafuka mucheka wakachena unopenyu, vakasungwa pazvifuva zvavo namabhanire endarama. |
| 7 |
| Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa vatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama, dzizere nokutsamwa kwaMwari, iye mupenyu nokusingaperiperi. |
| 8 |
| Tembere ikazara novutsi bwunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake; kukasava nomunhu wakagona kupinda patembere, kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/revelation/015.mp3
22
15