|
| 1 |
|
| Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva mutembere, richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, mundodurura panyika ndiro nomwe dzokutsamwa dzaMwari. |
|
| 2 |
|
| Wokutanga akaenda, akadurura ndiro yake panyika; ronda rakaipa rinorwadza rikavapo pavanhu vakanga vanechiratidzo chechikara, vakanamata mufananidzo wacho. |
|
| 3 |
|
| Wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa; rikashanduka ropa seromunhu wakafa; nezvipenyu zvose zvakanga zviri mugungwa zvikafa. |
|
| 4 |
|
| Wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, ikashanduka ropa. |
|
| 5 |
|
| Ndikanzwa mutumwa wemvura achiti: makarurama imwi Ishe, muripo makanga muripo nouchazovapo nokuti makatonga saizvozvo. |
|
| 6 |
|
| Nokuti vakadurura ropa ravatsvene neravaporofita, mukavapa ropa, kuti vamwe; vakafanirwa naizvozvo. |
|
| 7 |
|
| Ndikanzwa mumwe ari muaritari achiti: Hongo, Ishe, Mwari wamasimba ose, kutonga kwenyu ndokwazvokwadi kwakarurama. |
|
| 8 |
|
| Zvino wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, rikapiwa simba kuti ripise vanhu nomoto. |
|
| 9 |
|
| Vanhu vakapiswa nokupisa kukuru, vakamhura zita raMwari, unesimba pamusoro pamambudziko awa; havana kutendevuka, kuti vamukudze. |
|
| 10 |
|
| Wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro chovushe chechikara; vushe bwacho bwukasvibiswa, vakatsenga marimi avo nokurwadzwa; |
|
| 11 |
|
| vakamhura Mwari wokudenga pamusoro pokurwadzwa kwavo namaronda avo; asi havana kutendevuka pamabasa avo. |
|
| 12 |
|
| Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro porwizi rukuru, runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe. |
|
| 13 |
|
| Ipapo ndakavona mweya yetsvina mitatu yakaita samatafi ichibva mumuromo weshato nomumuromo wechikara, nomumuromo womuporofita wenhema; |
|
| 14 |
|
| Nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose. |
|
| 15 |
|
| Tarira ndinovuya sembavha. Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguvo dzake kuti arege kufamba asina kupfeka, vavone nyadzi dzake. |
|
| 16 |
|
| Akavavunganidzira panzvimbo inonzi Hamagedhoni nechiHebheru. |
|
| 17 |
|
| Zvino wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, inzwi guru rikabuda mutembere yokudenga muchigaro chovushe, richiti: Zvapera! |
|
| 18 |
|
| Ipapo mheni yakavapo, namanzwi nokutinhira; nokudengenyika kwenyika kukuru kwakavapo; kudengenyika kwenyika kwakakura kura kukadai hakuna kumbovapo kubva pakusikwa kwevanhu panyika. |
|
| 19 |
|
| Guta guru rikakamurwa rikaita zvikamu zvitatu, maguta amarudzi akaputsika; Bhabhironi guta guru rikarangarirwa pamberi paMwari, kuti ripiwe mukombe wewaini yokutsamwa kwehasha dzake. |
|
| 20 |
|
| Zviwi zvose zvikatiza, namakomo haana kuwanikwa. |
|
| 21 |
|
| Chimvuramabwe chikuru, chinobva kudenga, chikawira pamusoro pavanhu, kurema kwebwe rimwe nerimwe kukaita setarenda**; vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedamabudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo. |
|
|
|
|