|
| 1 |
|
| Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vanendiro nomwe, akavuya akataura neni, achiti: Vuya pano ndichakuratidza kutongwa kwemhombwe huru, inogara pamusoro pemvura zhinji; |
|
| 2 |
|
| madzimambo enyika akaita vupomwe nayo, navanogara panyika vakabatwa newaini yovupobwe bwayo. |
|
| 3 |
|
| Ipapo wakandiisa kurenje mumweya, ndikavona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere namazita okumhura Mwari, chinemisoro minomwe nenyanga gumi. |
|
| 4 |
|
| Mukadzi wakanga akapfeka nguvo tsvuku neshava, akashonga ndarama namabwe anokosha, namaparera, nomuruvoko rwake makanga munomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina yovupombwe bwake. |
|
| 5 |
|
| Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA. |
|
| 6 |
|
| Ipapo ndakavona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, uye neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuvona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru. |
|
| 7 |
|
| Ipapo mutumwa akati kwandiri: Washamiswa neiko? Ndichakuvudza zvakavanzika zvomukadzi, nezvechikara chinomutakura chinemisoro minomwe nenyanga dzinegumi. |
|
| 8 |
|
| Chikara chawavona, chaivapo, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzikadzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku yovupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, uye chichazovapo. |
|
| 9 |
|
| Ndipo panokufunga kunenjere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi. |
|
| 10 |
|
| Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika; kana achisvika, unofanira kugara chinguva chiduku. |
|
| 11 |
|
| Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa. |
|
| 12 |
|
| Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe. |
|
| 13 |
|
| Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo. |
|
| 14 |
|
| Ava vacharwa negwayana, gwayana richavakunda; nokuti iro ndiro Ishe wamadziShe, namambo wamadzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadamwa vatsvene vakatendeka. |
|
| 15 |
|
| Zvino akati kwandiri: mvura yawavona inogarwa nemhobwe,ndivo vanhu, navazhinji namarudzi, nendimi. |
|
| 16 |
|
| Nyanga dzinegumi dzawavona nechikara ndivo vachavenga mhobwe, vachaiparadza nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto. |
|
| 17 |
|
| Nokuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake, vave nokurangarira kumwe, vape chikara vushe bwavo, kusvikira mashoko aMwari aitika. |
|
| 18 |
|
| Mukadzi wawavona ndiro guta guru, rinobata vushe bwamadzimambo enyika. |
|
|
|
|