|
| 1 |
|
| Shure kwaizvozvi ndakavona mumwe mutumwa achiburuka kudenga, anesimba guru; nyika ikavhenekerwa nokubwinya kwake. |
|
| 2 |
|
| Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guru, yava nzvimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nhare yeshiri dzose dzinetsvina dzinovengwa. |
|
| 3 |
|
| Nokuti marudzi ose akamwa waini yokutsamwa kovupombwe bwaro, namadzimambo enyika akaita vupombwe naro, navatengesi venyika vakafuma nokuwanda kwefuma yaro. |
|
| 4 |
|
| Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa matambudziko aro. |
|
| 5 |
|
| Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro. |
|
| 6 |
|
| Muritsivei parakakutsivai napo, muchiriitira kaviri parakabata napo; mumudziyo iwoyo marakadira iro, muridire kaviri. |
|
| 7 |
|
| Parakazvikudza nokuzvifadza napo, murirwadzise nokurichemedza; nokuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara pachigaro chovushe ndiri vahosi, handizi chirikadzi, handingatongovoni kuchema. |
|
| 8 |
|
| Saka matambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomoto, nokuti Ishe Mwari unoritonga, unesimba. |
|
| 9 |
|
| Madzimambo enyika, akaita vupombwe nokuzvifadza naro, acharira nokuchema pamusoro paro, kana achivona vutsi bwokupiswa kwaro; |
|
| 10 |
|
| ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe. |
|
| 11 |
|
| Vatengesi venyika vacharira nokuchema pamusoro paro, nokuti hakuchinomunhu unotenga nhumbi dzavo; |
|
| 12 |
|
| nhumbi dzendarama, nesirvheri, nedzamabwe anokosha, nedzamaparera nedzomucheka wakanaka, nedzemicheka mitsvuku, nedzesiriki, nedzemicheka mishava, namarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, namarudzi ose emidziyo yamatanda anokosha, nedzesafuri, nedzedare, nedzamabwe machena; |
|
| 13 |
|
| nekinamoni, nomuamumoni, nezvinonhuhwira, namafuta okuzora, namafuta omuribanoni, newaini, namafuta omuorivhi, novupfu bwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nenhumbi dzamabiza, nedzengoro, nedzavatapwa, nedzemweya yavanhu. |
|
| 14 |
|
| Michero yaidikamwa nomoyo wako, yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvakanaka nezvinopenya, zvakabva kwauri, vanhu havangatongozviwani zve. |
|
| 15 |
|
| Vatengesi vezvinhu izvi, vakanga vafumiswa naro, vachamira kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachirira nokuchema, |
|
| 16 |
|
| vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru rakanga rakapfeka mucheka wakanaka, mutsvuku nomushava, rakanga rakashonga ndarama, namabwe anokosha, namaparera! |
|
| 17 |
|
| Nokuti nenguva imwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Zvino vafambisi vose vezvikepe, navose vanofamba nezvikepe papi napapi, navafambi navabati pagungwa, vakamira kure, |
|
| 18 |
|
| vakadanidzira va chivona vutsi bwokutsva kwaro, vachiti: Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko? |
|
| 19 |
|
| Ipapo vakakandira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nokuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa; nokuti rakaparadzwa nenguva imwe. |
|
| 20 |
|
| Farai pamusoro paro iwe denga, nemwi vatsvene navapositora, navaporofita, nokuti Mwari wakaritongera kutonga kwenyu. |
|
| 21 |
|
| Zvino mumwe mutumwa unesimba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikwazve. |
|
| 22 |
|
| Nenzwi ravanoridza vudimbwa, neravanoimba, neravanoridza nyere, neravanoridza hwamanda, harichatongonzwiki mauri, nemhizha yebasa ripi neripi haichatongowanikwi mauri, nenzwi reguyo harichatongonzwiki mauri; |
|
| 23 |
|
| chiedza chomwenje hachichatongovhenekeri mauri, nenzwi rechikomba kana romwenga harichatongonzwiki mauri; nokuti vatengesi vako vaiva vakuru venyika; nokuti novuroyi bwako marudzi ose akanyengerwa. |
|
| 24 |
|
| Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakavurawa panyika. |
|
|
|
|