|
| 1 |
|
| Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana |
|
| 2 |
|
| pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi. |
|
| 3 |
|
| Hakuchazovizve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira. |
|
| 4 |
|
| Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo. |
|
| 5 |
|
| Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri. |
|
| 6 |
|
| Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.” |
|
| 7 |
|
| “Tarirai, ndinokurumidza kuuya! Akaropafadzwa uyo anochengeta mashoko ouprofita huri mubhuku iri.” |
|
| 8 |
|
| Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi. |
|
| 9 |
|
| Asi akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako vaprofita navose vanochengeta mashoko ebhuku iri. Namata Mwari!” |
|
| 10 |
|
| Ipapo akati kwandiri, “Usanamira mashoko ouprofita hwebhuku iri, nokuti nguva yaswedera. |
|
| 11 |
|
| Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.” |
|
| 12 |
|
| “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita. |
|
| 13 |
|
| Ndini Arifa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, kutanga nokuguma. |
|
| 14 |
|
| “Vakaropafadzwa avo vanosuka nguo dzavo, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu uye vagopinda muguta napasuo. |
|
| 15 |
|
| Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita. |
|
| 16 |
|
| “Ini Jesu, ndatuma mutumwa wangu kuti akupe uchapupu uhu hwekereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, Nyamatsatse inopenya.” |
|
| 17 |
|
| Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi. |
|
| 18 |
|
| Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri. |
|
| 19 |
|
| Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri. |
|
| 20 |
|
| Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.” Ameni. Uyai, Ishe Jesu. |
|
| 21 |
|
| Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni. |
|
|
|
|