|
| 1 |
|
| Zvino mutumwa akazondiratidza rwizi rwemvura youpenyu yakachena sezvimedu zvedombo romusarasara rwuchierera ruchibva pachigaro choumambo chaMwari necheHwayana |
|
| 2 |
|
| napakati pomugwagwa weguta. Kumativi ose erwizi, kwaiva nomuti woupenyu unobereka muchero gumi nakaviri uchibereka muchero mwedzi woga woga; mashizha awo anorapa ndudzi dzavanhu. |
|
| 3 |
|
| Hapachazovapo nokurengererwa rushambwa asi chigaro chaMwari choumambo necheHwayana zvichava muguta iroro; varanda vake vachamugwadamira vachimunamata. |
|
| 4 |
|
| Vachaona uso hwake uye zita rake richava pahuma dzavo. |
|
| 5 |
|
| Hapachazovazve nousiku, havazoda kuvhenekerwa nomwenje kana nezuva; nokuti Tenzi Mwari ndiye achava chiedza chavo uye vachatonga narini narini wose. |
|
| 6 |
|
| Mutumwa akati kwandiri, “Mazwi aya mazwi anovimbika uye ndeechokwadi Tenzi Mwari wemweya yavaporofita akatuma mutumwa wake kuti azoratidza varanda vake zvichaitika zvino uno.” |
|
| 7 |
|
| “Chinzwa ndiri kuuya nokukurumidza. Akakomborerwa zvake anochengeta mazwi okuporofita ebhuku rino. |
|
| 8 |
|
| Ini Johani ndini iye ndakanzwa ndikaona zvinhu izvi.” Pandakazvinzwa nokuzviona, ndakati pasi gwadagwa kupfugamira patsoka dzomutumwa akandiratidza zvinhu izvi. |
|
| 9 |
|
| Asi iye akanditi, “Usadaro, ini ndiri mushandipamwe newe uye pamwe navaporofita, hama dzako navanochengeta mazwi ebhuku rino iri. Mwari ndiye waunofanira kugwadamira uchinamata.” |
|
| 10 |
|
| Akatizve kwandiri, “Usavige mazwi okuporofita aya, nokuti nguva yavakutosvika. |
|
| 11 |
|
| Muiti wezvakaipa angangoita zvake zvakaipa wetsvina angangorambawo zvake achiita zvetsvina izvozvo; woururami achiitawo zvake zvakarurama nomutsvene achiitawo zvoutsvene. |
|
| 12 |
|
| “Asi ndiri kuuya nokukurumidza ndakatakura mubayiro wangu kuti ndizopa munhu wose zvakaenzanirana nezvaakaita. |
|
| 13 |
|
| Ndini Arifa naOmega ndini wokutanga nowokupedzisira ndini mavambo namagumo ezvinhu. |
|
| 14 |
|
| “Vakakomborerwa vanogeza magemenzi avo kuti vave nemvumo yokudya muti woupenyu uye kuti vave nemvumo yokupinda napamisuo mikuru yeguta. |
|
| 15 |
|
| Kunze uku kunenge kuine imbwa dzavanhu navaroyi nemhombwe nemhondi navanamati vezvinhu zvisiri Mwari navanofarira uye vanoita zvamanyepo. |
|
| 16 |
|
| Ini Jesu ndini ndatumira mutumwa wangu kwamuri nouchapupu uhu kumasangano. Ndini dzinde nebukira raDhavhidhi ndini hweva yamangwanani.” |
|
| 17 |
|
| Mweya nemwenga vanoti, “Uya.” Anenge azvinzwa ngaati, “Uya.” Anenge ane nyota ngaauye; anoda ngaatore zvake mvura youpenyu pasina muripo. |
|
| 18 |
|
| Ndinoyambira munhu wose anonzwa mazwi okuporofita omubhuku rino. Munhu anoawedzera, Mwari achamuwedzerawo pfumvu dzakatsanangurwa mubhuku rino. |
|
| 19 |
|
| Munhu anobvisawo mamwe mazwi okuporofita uku Mwari achabvisa mugove wake uri mumuti woupenyu nomugove wake muguta dzvene zvinotsanangurwa mubhuku rino iri. |
|
| 20 |
|
| Iye ari kutaura zvinhu izvi anoti, “Chokwadi ndiri kuuya zvino uno.” Ameni uyai Tenzi Jesu. |
|
| 21 |
|
| Chikomborero chokuitirwa nyasha naTenzi wedu Jesu ngachive navanhu vose. Ameni. |
|
|
|
|