|
| 1 |
|
| “Nyorera mutumwa wesangano rokuSadhisi “Mazwi ouyo ane mweya minomwe yaMwari uye ane nyenyedzi nomwe uti: ‘Ndinoziva mabasa ako, une kambiri kokunzi uri mupenyu asi iwe wakafa. |
|
| 2 |
|
| Muka usimbaradze zvasara uye zvava pedyo nokufa. Nokuti mabasa ako handina kuaona akakwana pamberi paMwari wangu. |
|
| 3 |
|
| Naizvozvo yeuka zvawakagamuchira nezvawakanzwa. Chengeta izvozvo utendeuke. Kana usina kumuka ndichauya sembavha uye haumboziva kuti ndichauya nenguva ipi. |
|
| 4 |
|
| Zvakadaro zvazvo uchine mazita mashoma muSadhisi avanhu vasina kusvibisa hanzu dzavo, vachafamba pamwechete neni vakapfeka zvichena nokuti vakakodzera. |
|
| 5 |
|
| Uyo anokunda achapfeka saizvozvo hanzu chena uye zita rake mubhuku roupenyu handizoripfudzi. Pamberi pababa vangu napamberi pavatumwa vake, ndichapupurira zita rake kuti ndowedu. |
|
| 6 |
|
| Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano.’ |
|
| 7 |
|
| “Nyorera mutumwa wesangano rokuFiradhefia. Herino shoko reanoera wechokwadi ane kii yaDhavhidhi anoti akazarura hapana anogona kuzarira wokuti akazarira hakuna anogona kuzarura. |
|
| 8 |
|
| Ndinoziva mabasa ako, tarira uone ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usina anogona kuzarira. Ndinoziva kuti unongova nesimba shomanana asi wakachengeta shoko rangu ukasaramba zita rangu. |
|
| 9 |
|
| Vesangano raSatani, vanozviti vaJudha asi ivo vasiri, vachireva nhema; ndichaita kuti vauye vachizokugwadamira patsoka dzako vadzidze kuti ndakakuda, |
|
| 10 |
|
| nokuti wakachengeta shoko rangu rokutirira, ndichakuchengeta panguva yokuedzwa iri kuuya pasi pose kuzoedza vose vagere panyika. |
|
| 11 |
|
| Ndiri kuuya nokukurumidza. Batisisai zvamuinazvo kuti parege kuva nomunhu anokubvutirai chiremba chenyu. |
|
| 12 |
|
| Anokunda ndichamuita musimboti muTemberi yaMwari wangu. Haachazobvamo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu uye zita reguta raMwari wangu, Jerusaremu itsva inobva kuna Mwari wangu kudenga, uyewo zita rangu idzva. |
|
| 13 |
|
| Ane nzeve ngaanzwe zviri kurehwa naMweya kumasangano. |
|
| 14 |
|
| “Nyorera mutumwa wesangano rokuRaodhekia uti zvanzi naAmeni, “ ‘Iye chapupu chinotendeka chechokwadi, iye mavambo ezvisikwa zvaMwari.’ |
|
| 15 |
|
| “Ndinoziva mabasa ako, hautonhori kana kupisa, dai waitotonhora zvako kana kupisa. |
|
| 16 |
|
| Asi nokuda kokuti uno rudziirakure usingatonhori kana kupisa ndichakusvipa mukanwa mangu. |
|
| 17 |
|
| Nokutika unoti ndiri mupfumi, ndakapfuma, handina chandinoda iwe usingazivi kuti uri rombe rinotonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka. |
|
| 18 |
|
| Saizvozvo ndinokubaira zanhi rokuti utenge kwandiri ndarama yakanatswa nomoto kuti uve mupfumi nehanzu chena dzokuti upfeke kuti urege kuonererwa ubunun'unu hwako namafuta okuzora maziso ako kuti uone. |
|
| 19 |
|
| Vandinoda ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo ita shungu utendeuke. |
|
| 20 |
|
| Tarisa uone ndimire pamusuo ndichigogodza, kana munhu akanzwa izwi rangu akazarura musuo ndichapinda maari ndigodya naye iye achidya neni. |
|
| 21 |
|
| Anokunda ndichamuti agare neni pachigaro changu choumambo sokukundawo kwandakaita ini pachangu ndikagarawo naBaba vangu pachigaro chavo choumambo. |
|
| 22 |
|
| Ane nzeve ngaanzwe zvinorehwa naMweya kumasangano.” |
|
|
|
|