|
| 1 |
|
| Mushure maizvozvi ndakatarisa onei mudenga mune musuo wakazaruka. Izwi rokutanga riya randakanga ndanzwa richitaura kwandiri sebhosvo rakati, “Kwira kuno ndikuratidze zvichaitika mushure mezvizvi.” |
|
| 2 |
|
| Pakarepo ndakanga ndazadzwa naMweya onei chigaro choumambo chakati dzi kumira mudenga nomumwe akanga akagara pachiri. |
|
| 3 |
|
| Iye akanga akagara ipapo akanga achipenya sedombo rinokosha rejasipa uye seresadhiso, uye chigaro chacho chakanga, chakatenderedzwa nomuraraungu waiita sedombo reemaradhi. |
|
| 4 |
|
| Chigaro choumambo chiya chakanga chakatenderedzwa nezvigaro zvoumambo makumi maviri ane zvina. Pazvigaro izvozvo pakanga pagere, vakuru vakuru makumi maviri ana vana uye vakapfeka hanzu chena nendaza dzendarama pamisoro yavo. |
|
| 5 |
|
| Pachigaro choumambo chiya paipenya mheni nokudhiriridza namabhanan'ana. Pamberi pechigaro choumambo paibvira mwenje minomwe yomoto. Iyoyo ndiyo mweya minomwe yaMwari. |
|
| 6 |
|
| Pamberi pechigaro ichocho choumambo pakanga paine rinenge gungwa regirazi rakaita sezvimedu zvedombo romusarasara. Kumativi kwose kutenderedza chigaro choumambo ichocho, kwakanga kuine zvisikwa zvina zvizere maziso mberi neshure. |
|
| 7 |
|
| Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakaita seshumba; chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakaita semombe; chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chiine uso hwemunhu chisikwa chipenyu chechina chakanga chakaita segondo rinobhururuka. |
|
| 8 |
|
| Zvisikwa zvipenyu zvina zviya, chimwe nechimwe chazvo chaiva namapapiro matanhatu zvizere maziso kumativi ose mukati nokunze. Siku nesikati hazvaimbomira kuimba zvichiti: “Munoera, munoera, munoera, imi Tenzi Mwari Samasimbaose, makanga muripo, muripo, uyewo muchazovapo.” |
|
| 9 |
|
| Zvisikwa zviya zvipenyu pazvaipa mbiri norukudzo nokutenda kuna akanga agare pachigaro choumambo, iye anoramba aripo narini narini, |
|
| 10 |
|
| vakuru vakuru makumi maviri ana vana vaya vaiti pasi wareware pamberi paiye akanga agere pachigaro choumambo vachimunamata iye anoramba aripo narini narini. Vaiwarika zviremba zvavo pamberi pechigaro choumambo vachiimba vachiti, |
|
| 11 |
|
| “Munokodzera imi Tenzi naMwari wedu kupiwa mbiri norukudzo nesimba nokuti ndimi makasika zvinhu zvose. Kuda kwenyu kuti zvivepo uye kuti zvisikwe.” |
|
|
|
|