|
| 1 |
|
| Zvino mutumwa wechishanu akaridza, ndikaona nyenyedzi, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika–dzika. |
|
| 2 |
|
| Ikazarura gomba rakadzika–dzika, hutsi hukakwira huchibva mugomba, sohutsi hwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa nohutsi hwegomba. |
|
| 3 |
|
| Muhutsi makabuda mhashu dzikauya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika. |
|
| 4 |
|
| Dzikaudzwa kuti dzirege kutadzira uswa hwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhu bedzi vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo. |
|
| 5 |
|
| Hadzina kupiwa basa rokuvauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo kwakanga kwakaita sokurwadzisa kwechinyavada, kana chichiruma munhu. |
|
| 6 |
|
| Namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangatongoruwani, vachavinga kufa, asi rufu ruchavatiza. |
|
| 7 |
|
| Pakuonekwa kwadzo mhashu dzakanga dzakaita samabhiza akagadzirirwa kurwa; pamisoro yadzo pakanga panezvimwe zvakaita sekorona dzakafanana nendarama; zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu. |
|
| 8 |
|
| Dzakanga dzine vhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi, nameso adzo akanga akaita seeshumba. |
|
| 9 |
|
| Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvamatare; nokutinhira kwamapapiro adzo kwakaita sokutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira kurwa. |
|
| 10 |
|
| Dzakanga dzine miswe, yakaita seyezvinyavada, noumborera; pamiswe yadzo pakanga pane simba rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu. |
|
| 11 |
|
| Dzakanga dzina mambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika–dzika, zita rake neChiHebheru ndiAbhadhoni, neChiGiriki zita rake ndiAporioni. |
|
| 12 |
|
| Nhamo imwe yapfuura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi. |
|
| 13 |
|
| Zvino mutumwa wechitanhatu akaridza, ndikanzwa izwi richibva panyanga ina dzeatari yendarama yakanga iri pamberi paMwari, |
|
| 14 |
|
| richiti kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufuretesi.” |
|
| 15 |
|
| Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vauraye chetatu chavanhu. |
|
| 16 |
|
| Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zviuru zvezviuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo. |
|
| 17 |
|
| Saizvozvowo ndakaona mabhiza pakuratidzwa kwangu, navakanga vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvomoto, nezvehiasindo, nezvesuriferi; nemisoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba; nomumiromo yawo makabuda moto, nohutsi nesuriferi. |
|
| 18 |
|
| Chetatu chavanhu chakaurayiwa namatambudziko awa matatu, anoti, moto nohutsi nesuriferi, zvakabuda mumiromo yawo. |
|
| 19 |
|
| Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo, nomumiswe yavo; nokuti miswe yawo yakaita senyoka, ine misoro; anokuvadza nayo. |
|
| 20 |
|
| Vamwe vanhu vasina kuurayiwa namatambudziko awa, havana kutendeuka pamabasa amaoko avo, kuti varege kunamata mweya yakaipa, nezvifananidzo zvendarama, nezvisirivha, nezvendarira, nezvamabwe, nezvemiti, zvisingagoni kuona, kana kunzwa, kana kufamba; |
|
| 21 |
|
| havana kutendeukawo pakuuraya kwavo, kana pakurowa kwavo, kana paupombwe hwavo, kana pakuba kwavo. |
|
|
|
|