|
| 1 |
|
| VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Tenzi akavaisa mumaoko avaFirisitia kwamakore makumi mana. |
|
| 2 |
|
| Kwaiva nomumwewo murume ainzi Manoa wedzinza rokwaDhani aigara muguta reZora. Aiva momudzimai akanga asina mbereko, asina mwana. |
|
| 3 |
|
| Mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akati, “Chinzwa, iwe hauna mbereko, hauna mwana, asi uchazova napamuviri, ugobereka mwana mukomana. |
|
| 4 |
|
| Naizvozvo uchenjerere kuti usanwe waini kana doro, uregewo kudya chinhu chakan'ora, |
|
| 5 |
|
| nokuti uchava napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Haafaniri kumbofa akaveurwa vhudzi rake, nokuti achava muNaziri waMwari kubvira pakuberekwa kwake. Achatanga kununura vaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.” |
|
| 6 |
|
| Mudzimai uyu akaenda akandotaurira murume wake achiti, “Munhu waMwari auya kwandiri. Uso hwake hwakafana nouso hwomutumwa waMwari, hunotyisa kwazvo. Handina kumubvunza kuti anobvepi naiyewo haana kundiudza zita rake. |
|
| 7 |
|
| Asi anditi, ‘Chinzwa, uchava napamuviri ugobereka mwana mukomana. Naizvozvo usanwe waini kana kunwa doro, uregewo kudya chinhu chakan'ora nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubvira pakuberekwa kwake kusvikira musi waanofa.’ ” |
|
| 8 |
|
| Manoa akanamata kuna Tenzi achiti, “Tenzi wangu, ndinokumbira kuti munhu waMwari uya wamatuma auyezve kwatiri, atidzidzise marerero atinofanira kuita mukomana iyeyo achaberekwa.” |
|
| 9 |
|
| Mwari akanzwa chichemo chaManoa. Mutumwa waMwari akasvikazve kumukadzi uyu agere zvake mumunda. Asi murume wake Manoa akanga asipo. |
|
| 10 |
|
| Mudzimai uyu akamhanyira kundoudza murume wake achiti, “Imi we-e, munhu uya wokuuya kwandiri musi uya wazviratidzazve kwandiri.” |
|
| 11 |
|
| Manoa akasimuka akatevera mudzimai wake. Paakasvika kumurume iyeyo akati, “Ndimi makambotaura nomudzimai uyu here?” Iye akati, “Ndini.” |
|
| 12 |
|
| Manoa akati, “Zvino kana zvamakareva zvazoitika, mhiko yaanofanira kuchengeta nezvaanofanira kuita ndezvipiko?” |
|
| 13 |
|
| Mutumwa waTenzi akati kuna Manoa, “Mudzimai iyeyu ngaangwarire kuita zvose zvandakamuudza. |
|
| 14 |
|
| Ngaarege kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuti womuvhaini. Ngaarege kunwa waini kana doro, kana kudya chinhu chakan'ora. Mudzimai iyeyu, ngaaite zvose zvandakamuudza.” |
|
| 15 |
|
| Manoa akati kumutumwa waTenzi, “Dai mamboti mirei zvishoma ndikubayirei kambudzana.” |
|
| 16 |
|
| Mutumwa waTenzi akati kuna Manoa, “Kana mukandimisa zvenyu, zvokudya zvenyu handisikuzodya. Asi kana zviri zvomupiro wokupisa, upirei kuna Tenzi.” (Manoa haana kunge aziva kuti mutumwa waTenzi.) |
|
| 17 |
|
| Manoa akabvunza mutumwa waTenzi achiti, “Ko zita renyu ndiani, kuti tigozokukudzai kana zvamakataura zvazoitika?” |
|
| 18 |
|
| Mutumwa waTenzi akati kwaari, “Chaunobvunzira zita rangu chii, ko zvariri zitazve rinoshamisa zvisingatauriki?” |
|
| 19 |
|
| Manoa akatora mbudzana nomupiro wembesanwa akazvipira paruware kuna Tenzi anoita zvishamiso. Manoa nomudzimai wake vachingunotarisa kudaro, |
|
| 20 |
|
| murazvo womoto wepaatari wakakwira kudenga, mutumwa waTenzi ndokubva akwirawo nomurazvo womoto iwoyo. Vakabva vati pasi zvambarara. |
|
| 21 |
|
| Mutumwa waTenzi haana kuzozviratidzazve kuna Manoa nomudzimai wake. Ndipo pakabva paziva Manoa kuti mutumwa waTenzi. |
|
| 22 |
|
| Manoa akati kumudzimai wake, “Uku ndiko kufa chaiko kwatavakuita uku, pamusana pokuti taona Mwari.” |
|
| 23 |
|
| Asi mudzimai wake akati kwaari, “Dai Tenzi anga achida kutiuraya, angadai asina kugamuchira mupiro wedu wokupisa newembesanwa wabva mumaoko edu, kana kutizivisa zvinhu zvose izvi zvaakatiudza.” |
|
| 24 |
|
| Mudzimai wake akabereka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Samusoni. Mukomana uyu akakura, Tenzi akamukomborera. |
|
| 25 |
|
| Mweya waTenzi wakatangisa kushanda maari, iye ari kuMahanedhani pakati peZora neShitaori. |
|
|
|
|