|
| 1 |
|
| Zvino mumwe murume ainzi Mika aibva kunyika yezvikomo yaEfuremu |
|
| 2 |
|
| akati kuna mai vake, “Mashekeri aya esirivha chiuru nezana rimwe chetea akatorwa kwamuri andakanzwa muchituka munhu wacho akatora, sirivha yacho ndini ndinayo; ndini ndakaitora.” Ipapo mai vake vakati, “Jehovha ngaakuropafadze, mwanakomana wangu!” |
|
| 3 |
|
| Akati adzorera mashekeri esirivha chiuru nezana rimwe chete, kuna mai vake, ivo vakati, “Ndinotsaurira Jehovha sirivha yangu nomwoyo wose kuti mwanakomana wangu aite chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wakaumbwa wesimbi. Ndichazoidzosera kwauri.” |
|
| 4 |
|
| Saka akadzosera sirivha kuna mai vake, uye mai vake vakatora mazana maviri amashekerib esirivha vakaapa kumupfuri wesirivha, akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa. Uye zvakaiswa mumba maMika. |
|
| 5 |
|
| Zvino murume uyu Mika, akanga ane imba yavamwari, uye akaita efodhi nezvimwe zvifananidzo uye akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave muprista wake. |
|
| 6 |
|
| Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo; mumwe nomumwe akaita zvaaiona zvakamunakira. |
|
| 7 |
|
| Zvino kwakanga kune jaya muRevhi aibva kuBheterehema muJudha, aigara mukati morudzi rwaJudha, |
|
| 8 |
|
| akabva muguta iroro achindotsvaka imwe nzvimbo yokugara. Ari munzira yake akasvika napaimba yaMika munyika yezvikomo yeEfuremu. |
|
| 9 |
|
| Mika akamubvunza akati, “Unobvepiko?” Iye akati, “Ndiri muRevhi anobva kuBheterehema muJudha, uye ndiri kutsvaka nzvimbo yokugara.” |
|
| 10 |
|
| Ipapo Mika akati kwaari, “Gara hako neni ugova baba vangu nomuprista wangu, uye ndichakupa mashekeri esirivha gumic pagore, nguo dzako dzokupfeka uye nezvokudya zvako.” |
|
| 11 |
|
| Saka muRevhi akabvuma kugara naye, uye jaya iri rakanga rakaita somumwe wavanakomana vake. |
|
| 12 |
|
| Ipapo Mika akagadza muRevhi, jaya rikava muprista wake akagara mumba make. |
|
| 13 |
|
| Uye Mika akati, “Zvino ndinoziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, sezvo muRevhi uyu ava muprista wangu.” |
|
|
|
|