|
| 1 |
|
| Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, "Ndakakubudisa muIjipiti, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, `Handingatongoputsi sungano yangu nemwi nokusingaperi; |
|
| 2 |
|
| nemwi hamufaniri kuita sungano navanhu vagere panyika ino; munofanira kuputsa atari dzavo. Asi hamuna kuteerera inzwi rangu; makaitireiko izvozvo?' |
|
| 3 |
|
| Saka ini ndakatiwo, `Handingavadzingi pamberi penyu; asi vachava semhinzwa kunhivi dzenyu, navamwari vavo vachava zvisungo kwamuri.' " |
|
| 4 |
|
| Zvino mutumwa waJehovha wakati ataura namashoko iwayo kuvana vaIsiraeri vose, vanhu vose vakachema kwazvo. |
|
| 5 |
|
| Ipapo vakatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bhokimi, vakabayirapo Jehovha. |
|
| 6 |
|
| Zvino Joshua wakati aendisa vanhu, vana vaIsiraeri vakaenda mumwe nomumwe kunhaka yake, kuti vagare panyika yavo. |
|
| 7 |
|
| Vanhu vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vaona mabasa makuru akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha. |
|
| 8 |
|
| Zvino Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha akafa, ava namakore ane zana negumi. |
|
| 9 |
|
| Vakamuviga panyika yenhaka yake paTiminati-heresi, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi. |
|
| 10 |
|
| Zvino vorudzi urwo rwose vakasanganiswa namadzibaba avo, rumwe rudzi rukamuka shure kwavo rwakanga rusingazivi Jehovha, kana basa raakaitira vaIsiraeri. |
|
| 11 |
|
| Vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira Bhaari; |
|
| 12 |
|
| vakarasha Jehovha Mwari wamadzibaba avo, wakanga avabudisa munyika vakatevera vamwe vamwari vavanhu vakanga vakavapoteredza, vakavapfugamira, vakatsamwisa Jehovha. |
|
| 13 |
|
| Vakarasha Jehovha, vakashumira Bhaari neAshitaroti. |
|
| 14 |
|
| Kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri, akavaisa mumaoko avaparadzi vakavaparadza, akavatengesa mumaoko avavengi vavo vakanga vakavapoteredza; naizvozvo vakanga vasingagoni kumira pamberi pavavengi vavo. |
|
| 15 |
|
| Pose-pose pavaienda, ruoko rwaJehovha rwairwa navo nokuvaitira zvakaipa, sezvakanga zvataurwa naJehovha, uye sezvavakanga vapikirwa naJehovha; vakatambudzika kwazvo. |
|
| 16 |
|
| Zvino Jehovha akamutsa vatongi, vaivarwira mumaoko avaivaparadza. |
|
| 17 |
|
| Kunyange zvakadaro havana kuteerera vatongi vavo, nokuti vakapata vachitevera vamwe vamwari, vakavapfugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madzibaba avo, vaiteerera mirairo yaJehovha; asi ivo havana kuita saizvozvo. |
|
| 18 |
|
| Zvino Jehovha waiti kana achinge achivamutsira mutongi, Jehovha waiva nomutongi uyo, ndokuvarwira pamaoko avavengi vavo mazuva ose omutongi uyo; nokuti Jehovha wakazvidemba pamusoro pokugomba kwavo nokuda kwavaivamanikidza nokuvanetsa. |
|
| 19 |
|
| Asi kana mutongi afa, vakadzokazve, vakaita zvakaipa kupfuura madzibaba avo, pakutevera vamwe vamwari, nokuvashumira, nokuvapfugamira; havana kurega mabasa avo kana mufambiro wemoyo yavo mikukutu. |
|
| 20 |
|
| Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akati, "Rudzi urwu zvarwakadarika sungano yangu, yandakaita namadzibaba avo, vakasateerera inzwi rangu, |
|
| 21 |
|
| neniwo handichazodzingi pamberi pavo rudzi rumwe rwendudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake; |
|
| 22 |
|
| kuti ndiidze vaIsiraeri nadzo, kana vachida kuchengeta nzira yaJehovha, kana vachida kufambamo, sezvayaichengetwa namadzibaba avo, kana vasingadi." |
|
| 23 |
|
| Naizvozvo Jehovha akasiya ndudzi idzo, akasakurumidza kudzidzinga; uye haana kudziisa muruoko rwaJoshua. |
|
|
|
|