|
| 1 |
|
| Ɀino mutumŋa waJehova wakabva Girgari, akaenda Bokimi, akati: Ndakakuɓuɗisai muEgipita, ndikakuȿitsai panyika yandakapikira madziɓaɓa enyu, ndikati: Handiŋgatoŋgoputsi suŋgano yaŋgu nemi nokusiŋgaperi; |
|
| 2 |
|
| nemi hamufaniri kuita suŋgano naʋanhu ʋagere panyika ino; munofanira kuputsa artari dzaʋo. Asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu; makaitireiko iɀoɀo? |
|
| 3 |
|
| Saka ini ndakati ʋo: Handiŋgaʋadziŋgi pamberi penyu; asi ʋacaʋa seminzwa kunhiʋi dzenyu, naʋamŋari ʋaʋo ʋacaʋa ɀisuŋgo kwamuri. |
|
| 4 |
|
| Ɀino mutumŋa waJehova wakati ataura mashoko iwayo kuʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋanhu ʋose ʋakacema kwaɀo. |
|
| 5 |
|
| Ipapo ʋakatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Bokimi, ʋakaɓayira’po Jehova. |
|
| 6 |
|
| Ɀino Joshua wakati aendisa ʋanhu, ʋana ʋaIsraeri ʋakaenda mumŋe nomumŋe kunhaka yake, kuti ʋagare panyika yaʋo. |
|
| 7 |
|
| Ʋanhu ʋakashumira Jehova mazuʋa ose aJoshua, namazuʋa ose aʋakuru ʋakaŋga ʋaciri ʋapenyu Joshua atofa, iʋo ʋakaŋga ʋaʋona maɓasa makuru akaŋga aitirwa ʋaIsraeri naJehova. |
|
| 8 |
|
| Ɀino Joshua mŋanakomana waNuni, muranda waJehova akafa, aʋa namakore anezana negumi. |
|
| 9 |
|
| Ʋakamuʋiga panyika yenhaka yake paTimnati‐heresi, panyika yamakomo yaEfraimi, necokumsoro kwegomo reGaashi. |
|
| 10 |
|
| Ɀino ʋorudzi urwo rwose ʋakasoŋganiswa namadziɓaɓa aʋo, rumŋe rudzi rukamuka shure kwaʋo rwakaŋga rusiŋgaziʋi Jehova, kana ɓasa raakaitira ʋaIsraeri. |
|
| 11 |
|
| Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakashumira ʋaBaari; |
|
| 12 |
|
| ʋakarasha Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaŋga aʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza, ʋakaʋafugamira, ʋakatsamŋisa Jehova. |
|
| 13 |
|
| Ʋakarasha Jehova, ʋakashumira Baari neAshtaroti. |
|
| 14 |
|
| Kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋaIsraeri, akaʋaisa mumaʋoko aʋaparadzi ʋakaʋaparadza, akaʋateŋgesa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza; naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo. |
|
| 15 |
|
| Pose‐pose paʋaienda, ruʋoko rwaJehova rwairwa naʋo nokuʋaitira ɀakaipa, seɀakaŋga ɀataurwa naJehova, ʋuye seɀaʋakaŋga ʋapikirwa naJehova; ʋakatambudzika kwaɀo. |
|
| 16 |
|
| Ɀino Jehova akamutsa ʋatoŋgi, ʋaiʋarwira mumaʋoko aʋaiʋaparadza. |
|
| 17 |
|
| Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kuterera ʋatoŋgi ʋaʋo, nokuti ʋakapata ʋaciteʋera ʋamŋe ʋamŋari, ʋakaʋafugamira; ʋakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madziɓaɓa aʋo, ʋaiterera mirairo yaJehova; asi iʋo haʋana‐kuita saiɀoɀo. |
|
| 18 |
|
| Ɀino Jehova waiti kana aciŋge aciʋamutsira mutoŋgi, Jehova waiʋa nomutoŋgi uyo, ndokuʋarwira pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo mazuʋa ose omutoŋgi uyo; nokuti Jehova wakaɀiɗemba pamsoro pokugomba kwaʋo nokuɗa kwaʋaiʋamanikidza nokuʋanetsa. |
|
| 19 |
|
| Asi kana mutoŋgi afa, ʋakadzoka ɀe, ʋakaita ɀakaipa kupfuʋura madziɓaɓa aʋo, pakuteʋera ʋamŋe ʋamŋari, nokuʋashumira, nokuʋafugamira; haʋana‐kurega maɓasa aʋo kana mufambire wemŋoyo yaʋo mikukutu. |
|
| 20 |
|
| Ipapo kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋaIsraeri, akati: Rudzi urwu ɀarwakaɗarika suŋgano yaŋgu, yandakaita namadziɓaɓa aʋo, ʋakasaterera inzwi raŋgu, |
|
| 21 |
|
| neni ʋo handicazodziŋgi pamberi paʋo rudzi rumŋe rwendudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake; |
|
| 22 |
|
| kuti ndiidze ʋaIsraeri nadzo, kana ʋaciɗa kuceŋgeta nzira yaJehova, kana ʋaciɗa kufamba’mo, seɀayaiceŋgetwa namadziɓaɓa aʋo, kana ʋasiŋgaɗi. |
|
| 23 |
|
| Naiɀoɀo Jehova akasiya ndudzi idzo, akasakurumidza kudzidziŋga; ʋuye haana‐kudziisa muruʋoko rwaJoshua. |
|
|
|
|