Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehovha, kuti aidze vaIsiraeri nadzo, ivo vaIsiraeri vose vakanga vasina kuziva hondo dzose dzapaKenani; |
| 2 |
| nemhaka iyochetekuti marudzi avana vaIsiraeri azive, kuti avadzidzise kurwa, ivo vasina kumboziva izvozvo pakutanga, |
| 3 |
| vaiti: Madzishe mashanu avaFirisitia, navaKenani vose, navaZidhoni, navaHivhi, vakanga vagere mugomo reRebhanoni, kubva pagomo reBhaariherimoni, kusvikira pavanopinda paHamati. |
| 4 |
| Ivo vakasiyiwapo, kuti vaIsiraeri vaidzwe navo, kuti kuzikamwe kana vachida kuteerera mirairo yaJehovha yaakanga araira madzibaba avo naMozisi. |
| 5 |
| Vana vaIsiraeri vakagara pakati pavaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerizi, navaHivhi, navaJebhusi. |
| 6 |
| ivo vakawana vakunda vavo, kuti vave vakadzi vavo, vakapa vanakomana vavo vakunda vavo, vakashumira vamwari vavo. |
| 7 |
| Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakakangamwa Jehovha Mwari wavo, vakashumira vaBhaari namatanda okunamata nawo. |
| 8 |
| Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa muruoko rwaKushani-rishataimu, mambo weMesopotamia; vana vaIsiraeri vakashumira Kushani-rishataimi makore masere. |
| 9 |
| Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akamutsira vana vaIsiraeri muponesi, wakavaponesa, iye Otinieri, mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu. |
| 10 |
| Mweya waJehovha akauya pamusoro pake, akatonga vaIsiraeri, akandorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimi, mambo weMesopotamia, muruoko rwake; ruoko rwake rukakunda Kushani-rishataimi. |
| 11 |
| Ipapo nyika yakazorora makore ana makumi mana. Otinieri, mwanakomana waKenazi, akafa. |
| 12 |
| Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akasimbisa Egironi, mambo waMoabhu, kuti arwe navaIsiraeri, nokuti vakanga vaita zvakaipa pamberi paJehovha. |
| 13 |
| Akaunganidza kwaari vana vaAmoni navaAmareki, akandokunda valsiraeri, vakavatorera guta remichindwe. |
| 14 |
| Vana vaIsiraeri vakashumira Egironi, mambo waMoabhu, makore ane gumi namasere. |
| 15 |
| Asi vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akavamutsira muponesi, iye Ehudhi, mwanakomana waGera, muBhenjamini, munhu waiva neziboshwe; vana valsiraeri vakatumira Egironi, mambo waMoabhu, chipo naye. |
| 16 |
| Zvino Ehudhi wakazviitira munondo wakanga wakarodzwa kunhivi dzose, wakanga wakasvika kubhiti rimwe pakureba kwavo; akausungira pasi penguvo dzake pachidya chorudyi. |
| 17 |
| Ipapo akandopa Egironi, mambo waMoabhu, chipo; Egironi wakanga ari munhu wakakora kwazvo. |
| 18 |
| Zvino wakati apedza kumupa chipo, akaendisa vanhu vakanga vakatakura chipo. |
| 19 |
| Asi iye amene wakadzoka pamifananidzo yakavezwa yamabwe paGirigari, akati, "Ndine shoko rakavanzika nemwi mambo." Iye akati, "Nyararai." Ipapo vose vakanga vamire naye vakabva kwaari. |
| 20 |
| Zvino Ehudhi akaswedera kwaari; iye wakanga agere ari oga muimba yake inotonhorera; Ehudhi akati, "Ndine shoko kwamuri rinobva kuna Mwari." Iye ndokusimuka pachigaro chake. |
| 21 |
| Ipapo Ehudhi akatambanudza ruoko rwake rworuboshwe, akavhomora munondo pachidya chake chorudyi, akamubaya nawo nomudumbu rake; |
| 22 |
| chibato chikapindawo chichitevera chese, mafuta akadzivira pamusoro pechese, nokuti haana kuvhomora munondo mudumbu rake, mafuta akabuda. |
| 23 |
| Zvino Ehudhi akabuda pabiravira, akapfiga mikova yeimba yokumusoro shure kwake, akaikiya. |
| 24 |
| Wakati abuda, varanda vake vakasvika, vakawana mikova yeimba yokumusoro yakapfigwa; vakati, "Zvimwe unofukidza makumbo ake paimba yake inotonhorera." |
| 25 |
| Zvino vakamira kusvikira vapera mano, asi haana kuzarura mikova yeimba yokumusoro; ipapo vakatora kiyi, vakazarura mukova, vakawana ishe wavo akawira pasi, afa. |
| 26 |
| Asi ivo vachanonoka, Ehudhi akapukunyuka, akapfuura mifananidzo yakavezwa yamabwe, akapukunyukira Seira. |
| 27 |
| Wakati asvikapo, akaridza hwamanda panyika yamakomo yaEfuremu, vana vaIsiraeri vakaburuka naye panyika yamakomo, iye akavatungamirira. |
| 28 |
| Akati kwavari, "Nditeverei, nokuti Jehovha wakaisa vaMoabhu, vavengi venyu, mumaoko enyu." Vakaburuka vachimutevera, vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaMoabhu, vakasatendera munhu mumwe kuyambuka. |
| 29 |
| Nenguva iyo vakauraya varume vaMoabhu vanenge zviuru zvine gumi, vose vari varume vane simba novoumhare, hakuna munhu mumwe wakapukunyuka. |
| 30 |
| Naizvozvo vaMoabhu vakakundwa musi iwoyo noruoko rwavaIsiraeri, nyika ikazorora makore ana makumi masere. |
| 31 |
| Shure kwake kwakanga kuna Shamugari, mwanakomana waAnati, wakauraya kuvaFirisitia vana mazana matanhatu norutanda rwokubaya mombe narwo; iye akaponesawo vaIsiraeri. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/judges/003.mp3
21
3