Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino Jerubhaari, ndiye Gidheoni, wakamuka mangwanani, iye navanhu vose vaiva naye, vakandodzika matende avo patsime reHarodhi; misasa yaMidhiani yakanga iri nechokumusoro kwavo, pachikomo cheMore pamupata. |
| 2 |
| Jehovha akati kuna Gidheoni, "Vanhu vaunavo vakawandisa, kuti ndiise vaMidhiani mumaoko avo; kuti vaIsiraeri varege kuzvikudza pamberi pangu, vachiti, `Maoko edu ndiwo akatiponesa.' |
| 3 |
| Naizvozvo zvino, enda undoparidza vanhu vazvinzwe, uti, `Ani naani unotya, unodedera, ngaadzoke hake, abve pagomo reGiriyadhi.' " Vanhu vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri vakadzoka, vakasara vane zviuru zvine gumi. |
| 4 |
| Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, "Nazvino vanhu vachiri vazhinji, enda navo kumvura ndivaidzepo; zvino kana ndikati kwauri, `Uyu anofanira kuenda newe, ndiye uchaenda newe;' asi kana ndikati kwauri, `Uyu haafaniri kuenda newe,' iye haangaendi." |
| 5 |
| Ipapo akaenda navanhu kumvura; Jehovha akati kuna Gidheoni, "Mumwe nomumwe unokapa mvura norurimi sezvinokapa imbwa, unofanira kumuisa kurutivi ari oga; saizvozvowo mumwe nomumwe unopfugama pamabvi ake pakumwa." |
| 6 |
| Zvino vanhu vakanga vakapa, vachiisa maoko avo kumiromo, vakasvika varume vana mazana matatu; asi vamwe vose vakapfugama pamabvi avo pakumwa mvura. |
| 7 |
| Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, "Ndichakuponesai navarume ava vana mazana matatu vakakapa mvura, nokuisa vaMidhiani muruoko rwako; vanhu vose ngavaende havo, mumwe nomumwe kutende rake." |
| 8 |
| Naizvozvo vanhu vakatora mbuva yavo mumaoko avo, nehwamanda dzavo; akaendisa vamwe varume vose vaIsiraeri, mumwe nomumwe kutende rake, asi wakasara navana mazana matatu; misasa yaMidhiani yakanga iri pasi pake mumupata. |
| 9 |
| Zvino nousiku uhwo Jehovha akati kwaari, "Simuka, uburukire kumisasa, nokuti ndakavaisa muruoko rwako. |
| 10 |
| Asi kana uchitya kuburuka, uburuke kumisasa una Pura muranda wako; |
| 11 |
| ugondonzwa zvavanotaura; shure kwaizvozvo maoko ako achasimbiswa kuburukira kumisasa." Ipapo akaburuka ana Pura muranda wake, kusvikira kumudzivo wavarwi, vakanga vari pamisasa. |
| 12 |
| Zvino vaMidhiani navaAmareki navana vose vamabvazuva vakanga vari mumupata, vakawanda semhashu; namakamera avo akanga asingagoni kuverengwa, akanga akawanda sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa. |
| 13 |
| Zvino Gidheoni wakati asvika, akanzwa munhu wakanga achirondedzera kurota kwake kushamwari yake, akati, "Tarira, ndarota hope, ndikaona chingwa chakabikwa chebhari chichikungurukira kumisasa yaMidhiani, chikasvika patende, ndokurirova rikawa; chikaritsindikira, tende rikavata pasi." |
| 14 |
| Shamwari yake ikapindura, ikati, "Hachizi chimwe chinhu, asi ndiwo munondo waGidheoni, mwanakomana waJoashi, murume waIsiraeri, Mwari wakaisa Midhiani nehondo yose muruoko rwake." |
| 15 |
| Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, "Simukai, nokuti Jehovha wakaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu." |
| 16 |
| Zvino akakamura varume avo vana mazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumwe nomumwe hwamanda muruoko rwake, nezvirongo zvisine chiro, nezhenje mukati mezvirongo. |
| 17 |
| Akati kwavari, "Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndichisvika kumudzivo wemisasa, sezvandinoita ini, nemiwo muite saizvozvo. |
| 18 |
| Kana ndoridza hwamanda ini navose vandinavo, nemiwo muridze hwamanda kunhivi dzose dzemisasa, muchiti, `Munondo waJehovha nowaGidheoni!' " |
| 19 |
| Naizvozvo Gidheoni navarume vane zana vaakanga anavo, vakasvika kumudzivo wemisasa pakutanga kwenguva yapakati yousiku, vachangoisa varindi, vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo zvakanga zviri mumaoko avo. |
| 20 |
| Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakabata zhenje mumaoko avo oruboshwe, nehwamanda dzokuridza mumaoko avo orudyi, vakadanidzira vachiti, "munondo waJehovha nowaGidheoni!" |
| 21 |
| Vakamira mumwe nomumwe panzvimbo yake, vakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, vakaridza mhere, vakatiza. |
| 22 |
| Vakaridza hwamanda dzina mazana matatu, Jehovha akarwisa munondo womumwe nomumwe neshamwari yake, uye nehondo yose; hondo ikatiza kusvikira paBhetishita kurutivi rweZerera, kusvikira kumuganhu weAbherimehora, paTabhati. |
| 23 |
| Zvino varume vaIsiraeri vakaungana, vachibva kwaNafutari, nokwaAsheri, nokwaManase, vakatevera Midhiani. |
| 24 |
| Gidheoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfuremu, akati, "Burukai mundorwa naMidhiani, muvatangire kugarira nzizi dzemvura kusvikira paBheti-bhara neJorodhaniwo." |
| 25 |
| Vakabata machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, vakauraya Orebhi padombo raOrebhi, naZeebhi, vakamuuraya pachisviniro chewaini chaZeebhi, vakatevera vaMidhiani; vakauya nemisoro ya Orebhi naZeebhi kuna Gidheoni mhiri kwaJorodhani. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/judges/007.mp3
21
7