Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Ɀino Jerubaari, ndiye Gideoni, wakamuka maŋgwanani, iye naʋanhu ʋose ʋaiʋa naye, ʋakandodzika matente aʋo patsime reHarodi; misasa yaMidiani yakaŋga iri necokumsoro kwaʋo, pacikomo ceMore pamupata. |
| 2 |
| Jehova akati kunaGideoni: Ʋanhu ʋaunaʋo ʋakawandisa, kuti ndiise ʋaMidiani mumaʋoko aʋo; kuti ʋaIsraeri ʋarege kuɀikudza pamberi paŋgu, ʋaciti: Maʋoko eɗu ndiwo akatiponesa. |
| 3 |
| Naiɀoɀo ɀino, enda undoparidza ʋanhu ʋaɀinzwe, uti: Aninani unotya, unoɗeɗera, ŋgaadzoke hake, abve pagomo reGireadi. Ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri ʋakadzoka, ʋakasara ʋaneɀuru ɀinegumi. |
| 4 |
| Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Naɀino ʋanhu ʋaciri ʋazhinji; enda naʋo kumvura ndiʋaidze’po; ɀino kana ndikati kwauri: Uyu unofanira kuenda newe, ndiye ucaenda newe; asi kana ndikati kwauri: Uyu haafaniri kuenda newe, iye haaŋgaendi. |
| 5 |
| Ipapo akaenda naʋanhu kumvura; Jehova akati kunaGideoni: Mumŋe nomumŋe unokapa mvura norurimi seɀinokapa imbga, unofanira kumuisa kurutiʋi ari oga; saiɀoɀo ʋo mumŋe nomumŋe unofugama pamabvi ake pakunwa. |
| 6 |
| Ɀino ʋanhu ʋakaŋga ʋakapa, ʋaciisa maʋoko aʋo kumiromo, ʋakaȿika ʋarume ʋanamazana matatu; asi ʋamŋe ʋose ʋakafugama pamabvi aʋo pakunwa mvura. |
| 7 |
| Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Ndicakuponesai naʋarume aʋa ʋanamazana matatu ʋakakapa mvura, nokuisa ʋaMidiani muruʋoko rwako; ʋanhu ʋose ŋgaʋaende haʋo, mumŋe nomumŋe kutente rake. |
| 8 |
| Naiɀoɀo ʋanhu ʋakatora mbuʋa yaʋo mumaʋoko aʋo, nehwamanda dzaʋo; akaendisa ʋamŋe ʋarume ʋose ʋaIsraeri, mumŋe nomumŋe kutente rake, asi wakasara naʋanamazana matatu; misasa yaMidiani yakaŋga iri pasi pake mumupata. |
| 9 |
| Ɀino noʋusiku ubgo Jehova akati kwaari: Simuka, uɓurukire kumisasa, nokuti ndakaʋaisa muruʋoko rwako. |
| 10 |
| Asi kana ucitya kuɓuruka, uɓuruke kumisasa unaPura muranda wako; |
| 11 |
| ugondonzwa ɀaʋanotaura; shure kwaiɀoɀo maʋoko ako acasimbiswa kuɓurukira kumisasa. Ipapo akaɓuruka anaPura muranda wake, kuȿikira kumudziʋo waʋarwi, ʋakaŋga ʋari pamisasa. |
| 12 |
| Ɀino ʋaMidiani naʋaAmareki naʋana ʋose ʋamabvazuʋa ʋakaŋga ʋari mumupata, ʋakawanda semhashu; namakamera aʋo akaŋga asiŋgagoni kuʋereŋgwa, akaŋga akawanda sejeca riri pamhenderekedzo dzeguŋgwa. |
| 13 |
| Ɀino Gideoni wakati aȿika, akanzwa munhu wakaŋga acirondedzera kurota kwake kushamŋari yake, akati: Tarira, ndarota hope, ndikaʋona ciŋgwa cakaɓikwa cebari cicikuŋgurukira kumisasa yaMidiani, cikaȿika patente, ndokuriroʋa rikawa; cikaritsindikira, tente rikaʋata pasi. |
| 14 |
| Shamŋari yake ikapindura, ikati: Hacizi cimŋe cinhu, asi ndiwo munondo waGideoni, mŋanakomana waJoashi, murume waIsraeri; Mŋari wakaisa Midiani nehondo yose muruʋoko rwake. |
| 15 |
| Ɀino Gideoni wakati acinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokuɗudzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati: Simukai, nokuti Jehova wakaisa misasa yaMidiani mumaʋoko enyu. |
| 16 |
| Ɀino akakamura ʋarume aʋo ʋanamazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumŋe nomumŋe hwamanda muruʋoko rwake, neɀiroŋgo ɀisineciro, nezhenje mukati meɀiroŋgo. |
| 17 |
| Akati kwaʋari: Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndiciȿika kumudziʋo wemisasa, seɀandinoita ini, nemi ʋo muite saiɀoɀo. |
| 18 |
| Kana ndoridza hwamanda ini naʋose ʋandinaʋo, nemi ʋo muridze hwamanda kunhiʋi dzose dzemisasa, muciti: Munondo waJehova nowaGideoni! |
| 19 |
| Naiɀoɀo Gideoni naʋarume ʋanezana ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaȿika kumudziʋo wemisasa pakutaŋga kweŋguʋa yapakati yoʋusiku, ʋacaŋgoisa ʋarindi; ʋakaridza hwamanda, ʋakaputsa ɀiroŋgo ɀakaŋga ɀiri mumaʋoko aʋo. |
| 20 |
| Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, ʋakaputsa ɀiroŋgo, ʋakaɓata zhenje mumaʋoko aʋo oruɓoshwe, nehwamanda dzokuridza mumaʋoko aʋo orudyi, ʋakaɗanidzira ʋaciti: Munondo waJehova nowaGideoni! |
| 21 |
| Ʋakamira mumŋe nomumŋe panɀimbo yake, ʋakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, ʋakaridza mhere, ʋakatiza. |
| 22 |
| Ʋakaridza hwamanda dzinamazana matatu, Jehova akarwisa munondo womumŋe nomumŋe neshamŋari yake, ʋuye nehondo yose; hondo ikatiza kuȿikira paBeti‐shita kurutiʋi rweZerera, kuȿikira kumuganho weAberimehora, paTabati. |
| 23 |
| Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana, ʋacibva kwaNaftari, nokwaAsheri, nokwaManase, ʋakateʋera Midiani. |
| 24 |
| Gideoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfraimi, akati: Ƃurukai mundorwa naMidiani, muʋataŋgire kugarira nzizi dzemvura kuȿikira paBeti‐bara neJoridani ʋo. |
| 25 |
| Ʋakaɓata macinda maʋiri aMidiani, Orebi naZeebi, ʋakaʋuraya Orebi paɗombo raOrebi, naZeebi ʋakamuʋuraya paciȿiniro cewaini caZeebi, ʋakateʋera ʋaMidiani; ʋakaʋuya nemisoro yaOrebi naZeebi kunaGideoni mhiri kwaJoridani. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/judges/007.mp3
21
7