|
| 1 |
|
| Zvino vaEfuremu vakabvunza Gidheoni vakati, “Makatibatireiko zvakadai? Makaregerei kutidana pamakaenda kundorwa navaMidhiani?” Uye vakamutsoropodza zvikuru. |
|
| 2 |
|
| Asi akavapindura akati, “Ko, chii chandaita kuti ndizvienzanise nemi? Handiti zvakanongwa zvamazambiringa aEfuremu zviri nani kupfuura mukohwo uzere wamazambiringa aAbhiezeri. |
|
| 3 |
|
| Mwari akaisa Orebhi naZeebhi, vatungamiri vavaMidhiani mumaoko enyu. Ko, ini ndaizokwanisa kuitei kuti ndienzaniswe nemi?” Ipapo, kutsamwa kwavo pamusoro pake kwakaserera. |
|
| 4 |
|
| Gidheoni navanhu vake mazana matatu, vakaramba vachingotevera, vakasvika kurwizi Jorodhani uye vakaruyambuka havo, asi vakanga vaneta kwazvo. |
|
| 5 |
|
| Akati kuvarume veSukoti, “Ipai henyu mauto angu chingwa; vaneta, uye ndichiri kutevera Zebha naZarumuna, madzimambo eMidhiani.” |
|
| 6 |
|
| Asi machinda eSukoti akati, “Matova namaoko aZebha naZarumuna mumaoko enyu here? Ko, tingapirei chingwa kumauto enyu?” |
|
| 7 |
|
| Ipapo Gidheoni akapindura akati, “Nokuda kwaizvozvo, Jehovha paanongoisa Zebha naZarumuna muruoko rwangu, ini ndichabvambura nyama yenyu neminzwa yomurenje uye norukato.” |
|
| 8 |
|
| Kubva ipapo akaenda kuPenieri vakaita chikumbiro chimwe chetecho, asi naivowo vakapindura sezvakaita varume veSukoti. |
|
| 9 |
|
| Saka iye akati kuvarume vePenieri, “Pandinodzoka ndakunda, ndichakoromora shongwe iyi.” |
|
| 10 |
|
| Zvino Zebha naZarumuna vakanga vari muKarikori vaine hondo yavarume zviuru gumi nezvishanu, vose vakanga vasara pahondo yavanhu vokumabvazuva; varume vomunondo zviuru makumi maviri vakanga vafa. |
|
| 11 |
|
| Gidheoni akakwira nenzira yavaigara mumatende kumabvazuva kweNobha neJogibheha vakandokunda hondo yakanga isina chayakatarisira. |
|
| 12 |
|
| Zebha naZarumuna, madzimambo maviri eMidhiani, vakatiza, asi akavatevera akavabata, akakunda hondo yavo yose. |
|
| 13 |
|
| Gidheoni mwanakomana waJoashi akadzoka kubva kuhondo napaMupata weHeresi. |
|
| 14 |
|
| Akabata jaya rokuSukoti uye akaribvunza, uye jaya rikanyora pasi mazita amachinda makumi manomwe navanomwe vokuSukoti, vakuru veguta. |
|
| 15 |
|
| Ipapo Gidheoni akasvika akati kuvarume veSukoti, “Havano vanaZebha naZarumuna, vaya vamakandiseka muchiti, ‘Ko, watova namaoko aZebha naZarumuna kare here? Tinopireiko chingwa kuvanhu vako vaneta ava?’ ” |
|
| 16 |
|
| Akatora vakuru veguta akadzidzisa varume veSukoti chidzidzo nenzira yokuvaranga neminzwa yomurenje uye norukato. |
|
| 17 |
|
| Akakoromorawo shongwe yePenieri uye akauraya varume vomuguta. |
|
| 18 |
|
| Ipapo akabvunza Zebha naZarumuna akati, “Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko?” Vakapindura vakati, “Varume vakaita semi, mumwe nomumwe aitaridzika somwanakomana wamambo.” |
|
| 19 |
|
| Gidheoni akati, “Ivavo vakanga vari vanun'una vangu vanakomana vamai vangu chaivo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, dai makanga mavaponesa, ini handaizokuurayai.” |
|
| 20 |
|
| Akatendeukira kuna Jeta mwanakomana wake mukuru, akati, “Vauraye!” Asi Jeta haana kuvhomora munondo wake, nokuti akanga achiri mukomana uye aitya. |
|
| 21 |
|
| Zebha naZarumuna vakati, “Uyai muzviite imi. ‘Munhu sezvaari ndizvo zvakaita simba rake.’ ” Saka Gidheoni akaswedera akavauraya, uye akatora zvishongo kubva mumitsipa yengamera dzavo. |
|
| 22 |
|
| VaIsraeri vakati kuna Gidheoni “Titonge iwe, mwanakomana wako nomuzukuru wako nokuti wakatiponesa kubva muruoko rwavaMidhiani.” |
|
| 23 |
|
| Asi Gidheoni akati kwavari, “Ini handingakutongei, uye mwanakomana wangu haangakutongei. Jehovha ndiye achakutongai.” |
|
| 24 |
|
| Uye akati, “Ndine chikumbiro chimwe chete, chokuti mumwe nomumwe wenyu andipe mhete yomunzeve kubva pamugove wezvamakapamba.” (Yakanga iri tsika yavaIshumaeri yokushonga mhete dzegoridhe dzomunzeve.) |
|
| 25 |
|
| Vakapindura vakati, “Tichafara kudzipa kwamuri.” Saka vakawaridza nguo pasi, uye murume mumwe nomumwe akakanda mhete yezvaakapamba pamusoro payo. |
|
| 26 |
|
| Uremu hwemhete dzegoridhe dzaakakumbira hwakasvika mashekeri chiuru chimwe namazana manomwea, pasingaverengwi zvishongo, uketani, nguo dzepepuru dzaipfekwa namadzimambo eMidhiani kana uketani hwakanga huri pamitsipa yengamera dzavo. |
|
| 27 |
|
| Gidheoni akaita nazvo efodhi yegoridhe iyo yaakaisa muOfira, guta rake. VaIsraeri vose vakaita ufeve nokuinamata ipapo, uye yakava musungo kuna Gidheoni nokumhuri yake. |
|
| 28 |
|
| Naizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavaIsraeri uye havana kuzosimudzazve musoro wavo. Pamazuva okurarama kwaGidheoni, nyika yakava norugare kwamakore makumi mana. |
|
| 29 |
|
| Jerubhi-Bhaari mwanakomana waJoashi akadzokerazve kundogara kumusha kwake. |
|
| 30 |
|
| Akanga ana vanakomana vake chaivo makumi manomwe, nokuti akanga ana vakadzi vazhinji. |
|
| 31 |
|
| Murongo wake, aigara muShekemu, akamuberekerawo mwanakomana, akamutumidza kuti Abhimereki. |
|
| 32 |
|
| Gidheoni mwanakomana waJoashi akafa akwegura zvikuru uye akavigwa muguva rababa vake Joashi muOfira ravaAbhiezeri. |
|
| 33 |
|
| Gidheoni akati achangofa, vaIsraeri vakafevazve vakatevera vaBhaari. Vakamisa Bhaari Bheriti samwari wavo uye |
|
| 34 |
|
| havana kurangarira Jehovha Mwari wavo, akanga avanunura kubva mumaoko avavengi vavo kumativi ose. |
|
| 35 |
|
| Vakatadza kuitira mhuri yaJerubhi-Bhaari (iye Gidheoni) zvakanaka pazvinhu zvose zvakanaka zvaakanga avaitira. |
|
|
|
|