|
| 1 |
|
| Zvino Naomi wakanga ane hama yomurume wake, murume wakanga ane simba nepfuma, weimba yaErimereki, wainzi Bhoazi. |
|
| 2 |
|
| Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Nditenderei ndiende kumunda, ndindounganidza hura dzezviyo shure kwaiye unondinzwira nyasha.” Akati kwaari, “Enda hako, mwana wangu.” |
|
| 3 |
|
| Iye akaenda, akandounganidza pamunda achitevera vacheki; akava neropa rakanaka kuti wakasvika pamunda waBhoazi weimba yaErimereki. |
|
| 4 |
|
| Zvino wonei, Bhoazi wakabva Bheterehemu, akati kuvacheki, “Jehovha ave nemi.” Ivo vakapindura, vakati kwaari, “Jehovha akuropafadzeiwo.” |
|
| 5 |
|
| Bhoazi akati kumuranda wake wakanga ari mutariri wavacheki, “Musikana uyu ndowaaniko?” |
|
| 6 |
|
| Muranda, wakanga ari mutariri wavacheki, akapindura akati, “Ndiye musikana muMoabhu, wakadzoka naNaomi vachibva kunyika yaMoabhu, |
|
| 7 |
|
| iye akati, ‘Nditendereiwo ndiunganidze, ndinonge shure kwavacheki pakati pezvisote,’ naizvozvo akauya, akaswerapo kubva mangwanani kusvikira zvino, asi wakagara mumba nguva duku.” |
|
| 8 |
|
| Ipapo Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa hako, mwanasikana wangu. Usandounganidza kunomumwe munda, uye usabva pano, asi urambire pano kuvasikana vangu. |
|
| 9 |
|
| Meso ako ngaarambe achitarira munda wavanocheka, newe uvatevere; ndakaraira majaya angu kuti varege kukutambudza. Kana ukanzwa nyota, enda hako kumidziyo, unwe mvura yakatekwa namajaya.” |
|
| 10 |
|
| Ipapo akawira pasi nechiso chake, akakotamira pasi, akati kwaari, “Ndanzwirwa nyasha nemi neiko, kuti muve nehanya neni, zvandiri mutorwa hangu?” |
|
| 11 |
|
| Bhoazi akapindura akati kwaari, “Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare. |
|
| 12 |
|
| Jehovha ngaakuripire sezvawakabata, upiwe mubayiro wakakwana naJehovha Mwari waIsiraeri, wawakauya kuzovanda pasi pamapapiro ake.” |
|
| 13 |
|
| Iye akati, “Ndinzwirwe hangu nyasha nemi, ishe wangu, nokuti makandinyaradza, mukataura zvakanaka nomurandakadzi wenyu, kunyange ndisina kufanana nomumwe wavarandakadzi venyu.” |
|
| 14 |
|
| Nenguva yokudya Bhoazi akati kwaari, “Uya pano, udye chingwa, usevere musuva wako muvhiniga.” Iye akagara navacheki, ivo vakamugamuchidza zviyo zvakakangwa, akadya, akaguta, akasiya zvimwe. |
|
| 15 |
|
| Zvino wakati asimuka kuzounganidza zviyo, Bhoazi akaraira majaya ake, akati, “Ngaaunganidze hake kunyange napakati pezvisote, musamudzivisa. |
|
| 16 |
|
| Mumuvhomorerewo dzimwe hura patsama, mudzisiye, aunganidze hake, musamutuka.” |
|
| 17 |
|
| Naizvozvo akaunganidza pamunda kusvikira madekwana; akandopura zvaakaunganidza, zvikavavarira kusvika efa imwe yebhari. |
|
| 18 |
|
| Akazvisimudza, ndokupinda muguta; vamwene vake vakaona zvaakanga aunganidza; akabudisawo zvakanga zvasara aguta hake, akavapawo. |
|
| 19 |
|
| Ipapo vamwene vake vakati kwaari, “Wandounganidzepiko nhasi? Wandobata basa kupiko? Iye wakava nehanya newe ngaaropafadzwe.” Akaudza vamwene vake kuti wakandobata basa kunaani, akati, “Zita romurume wandakandobata kwaari nhasi ndiBhoazi.” |
|
| 20 |
|
| Naomi akati kumukadzi womwana wake, “Ngaaropafadzwe naJehovha, iye usina kubvisa ngoni dzake kuvapenyu navakafa.” Naomi akati kwaari, “Murume uyu ihama yedu yomumba, mumwe wavadzikinuri vedu.” |
|
| 21 |
|
| Rute muMoabhu akati, “Hongu, wakati kwandiri, ‘Unofanira kurambira kumajaya angu, kusvikira vapedza kucheka zvose zvangu.’ ” |
|
| 22 |
|
| Naomi akati kuna Rute, mukadzi womwana wake, “Zvakanaka mwana wangu, kuti uende navasikana vake, urege kuonekwa kune mumwe munda.” |
|
| 23 |
|
| Naizvozvo akarambira kuvasikana vaBhoazi, akaunganidza kusvikira pakupera kwokuchekwa kwebhari nokuchekwa kwezviyo; akagara navamwene vake. |
|
|
|
|