|
| 1 |
|
| Rimwe zuva Naomi, vamwene vake vakati kwaari, “Mwanasikana wangu, handingaedzi kukuwanira musha here, paungawana zvinokuriritira zvakakwana? |
|
| 2 |
|
| Ko, Bhoazi ane vasikana vawanga uchishanda navo haasi hama yedu yapedyo here? Achange ari paburiro achirudza bhari nhasi manheru. |
|
| 3 |
|
| Shamba ugozora mafuta anonhuwira, ugopfeka nguo dzako dzakaisvonaka. Ipapo ugodzika kuburiro, asi usaite kuti azive kuti iwe uripo kusvikira apedza kudya nokunwa. |
|
| 4 |
|
| Kana orara, ucherechedze nzvimbo yaanorara. Ipapo ugoenda ufukure tsoka dzake ugorara pasi. Iye achakuudza zvaunofanira kuita.” |
|
| 5 |
|
| Rute akapindura akati, “Ndichaita zvose zvamareva.” |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo akadzika kuburiro akaita zvose zvaakataurirwa navamwene vake. |
|
| 7 |
|
| Bhoazi akati apedza kudya nokunwa uye mwoyo wake wafara, akaenda akandorara kumuchetocheto kwomurwi wezviyo. Rute akaswedera kwaari chinyararire, akafukura tsoka dzake akarara pasi. |
|
| 8 |
|
| Pakati pousiku chimwe chinhu chakavhundutsa murume, akashanduka akaona mukadzi akarara kumakumbo kwake. |
|
| 9 |
|
| Akamubvunza akati, “Ndiwe aniko?” Iye akati, “Ndini murandakadzi wenyu Rute. Tambanudzai nguo yenyu muise pamusoro pangu, sezvo muri hama yapedyo nomudzikinuri.” |
|
| 10 |
|
| Akapindura akati kwaari, “Jehovha akuropafadze, mwanasikana wangu. Tsitsi idzi dzakakura kupinda zvawakaratidza pakutanga. Hauna kumhanyira majaya, hazvinei kuti varombo kana vapfumi. |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo zvino, mwanasikana wangu, usatya. Ndichakuitira zvose zvawakakumbira. Varume vose vagere neni muguta vanoziva kuti uri mukadzi akatsiga. |
|
| 12 |
|
| Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti ndiri hama yapedyo, pane imwe hama yapedyo ari pedyo kupfuura ini. |
|
| 13 |
|
| Chigara hako usiku huno, uye mangwanani kana achida kudzikinura, zvakanaka, ngaadzikinure hake. Asi kana asingadi, naJehovha mupenyu ini ndichazviita. Chivata pano kusvikira mangwanani.” |
|
| 14 |
|
| Naizvozvo akarara kumakumbo ake kusvikira mangwanani, asi akamuka mambakwedza pasina aigona kuzivikanwa kuti ndiani; uye Bhoazi akati, “Usaita kuti zvizivikanwe kuti pane mukadzi akauya paburiro.” |
|
| 15 |
|
| Iye akati kwaarizve, “Ndipe kuno mucheka wawakamonera ugouutambanudza.” Akati aita izvozvo, Bhoazi akadururira zviyero zvebhari zvitanhatu mauri akamutakudza pamusoro. Ipapo akadzokera kuguta. |
|
| 16 |
|
| Zvino Rute akati asvika kuna vamwene vake, Naomi akamubvunza akati, “Zvaita mafambiroi mwanasikana wangu?” Ipapo iye akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naBhoazi, |
|
| 17 |
|
| uye akatizve, “Andipa zviyero zvitanhatu izvi zvebhari, akati, ‘Usadzokera kuna vamwene vako usina chinhu.’ ” |
|
| 18 |
|
| Ipapo Naomi akati, “Chimira, mwanasikana wangu, kusvikira waona zvinoitika. Nokuti murume uyu haangazorori kusvikira agadzirisa nyaya iyi nhasi.” |
|
|
|
|