Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Sauro akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga Israeri kwamakore makumi mana namaviri. |
| 2 |
| Sauro akasarudza varume vaIsraeri zviuru zvitatu; zviuru zviviri zvavo zvaiva naye paMikimashi nomunyika yamakomo yeBheteri, uye chiuru chimwe chete chaiva naJonatani paGibhea muBhenjamini. Vamwe vose akavadzosa kumisha yavo. |
| 3 |
| Jonatani akarwisa boka ravarwi vavaFiristia vakanga vari paGebha, vaFiristia vakazvinzwa. Uye Sauro akaridza hwamanda munyika yose akati, “VaHebheru, inzwai!” |
| 4 |
| Uye Israeri yose yakanzwa nhau idzi dzokuti, “Sauro arwisa boka ravaFiristia, Israeri yava chinhu chinonyangadza pamberi pavaFiristia.” Zvino vanhu vakadanwa kuti vandobatana pamwe chete naSauro paGirigari. |
| 5 |
| VaFiristia vakaungana kuti varwise Israeri, vane zviuru zvitatu zvengoro, nezviuru zvitatu zvavachairi vengoro, navarwi vakawanda sejecha remhenderekedzo dzegungwa. Vakaenda vakandodzika misasa paMikimashi, kumabvazuva kweBhetiavheni. |
| 6 |
| Varume veIsraeri vakati vaona kuti zvinhu zvaipa uye kuti hondo yavo yakanga yamanikidzwa zvikuru, vakavanda mumapako nomumatenhere, pakati pamatombo, nomumakomba nomumigodhi yemvura. |
| 7 |
| Vamwe vaHebheru vakatoyambuka Jorodhani vakaenda kunyika yeGadhi neGireadhi. Sauro akasara paGireadhi uye varwi vose vaaiva navo vakadedera nokutya. |
| 8 |
| Akamira kwamazuva manomwe, nguva yakanga yatarwa naSamueri; asi Samueri haana kuuya kuGirigari, uye varwi vaSauro vakatanga kupararira. |
| 9 |
| Saka akati, “Ndiunzirei chipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Ipapo Sauro akapa chipiriso chinopiswa. |
| 10 |
| Achingopedza kupa chipiriso, Samueri akasvika, uye Sauro akaenda kundomukwazisa. |
| 11 |
| Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akapindura achiti, “Pandaona kuti hamuna kusvika nenguva yakataurwa, uye kuti vaFiristia vava kuungana paMikimashi, |
| 12 |
| ndafunga kuti, ‘Zvino vaFiristia vachauya kuzondirwisa paGirigari, uye handisati ndatsvaka nyasha dzaJehovha.’ Naizvozvo ndazvimanikidza kuti ndipe chipiriso chinopiswa.” |
| 13 |
| Samueri akati, “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako; dai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pamusoro peIsraeri kwenguva yose. |
| 14 |
| Asi iye zvino umambo hwako hahuchagari; Jehovha azvitsvakira munhu anofadza mwoyo wake, akamugadza kuti ave mutungamiri wavanhu vake, nokuti hauna kuchengeta murayiro waJehovha.” |
| 15 |
| Uye Samueri akabva paGirigari akakwidza akaenda kuGibhea muBhenjamini, uye Sauro akaverenga varume vaakanga anavo. Vaikarosvika mazana matanhatu. |
| 16 |
| Sauro nomwanakomana wake Jonatani navarume vaakanga anavo, vaigara muGibhea muBhenjamini, asi vaFiristia vakanga vakadzika misasa paMikimashi. |
| 17 |
| Vapambi vakabuda mumisasa yavaFiristia vari mumapoka matatu. Rimwe boka rakananga kuOfira munharaunda yeShuari, |
| 18 |
| rimwe boka rakananga kuBhetihoroni, uye rechitatu rakananga kumuganhu wakatarisana noMupata weZebhoimi kurutivi rwerenje. |
| 19 |
| Zvino kwakanga kusina mupfuri munyika yeIsraeri nokuti vaFiristia vakanga vati, “Zvichida vaHebheru vangagadzira minondo kana mapfumo!” |
| 20 |
| Naizvozvo vaIsraeri vose vakadzika kuvaFiristia kuti vandorodzerwa miromo yamagejo, mapiki, matemo namajeko. |
| 21 |
| Muripo wokurodzesa miromo yamagejo, namapiki, waiva zvikamu zviviri kubva muzvitatu zveshekeria, uye muripo wokurodzesa forogo namatemo, nezvibayiso zvemombe waiva chetatu cheshekerib. |
| 22 |
| Saka pazuva rokurwa hapana murwi waSauro naJonatani aiva nomunondo kana pfumo muruoko rwake; Sauro chete nomwanakomana wake Jonatani ndivo vaiva nazvo. |
| 23 |
| Zvino boka ravarwi ravaFiristia rakanga rabuda richienda kumupata weMikimashi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/1samuel/013.mp3
31
13