|
| 1 |
|
| Jehovha akati kuna Samueri, “Uchasvika riniko uchichema Sauro, sezvo ini ndakamuramba kuti asava mambo wavaIsraeri? Zadza gonamombe rako namafuta ugopinda munzira yako; ndiri kukutuma kuna Jese wokuBheterehema. Ndasarudza mumwe wavanakomana vake kuti ave mambo.” |
|
| 2 |
|
| Asi Samueri akati, “Ndingaenda seiko? Sauro achanzwa nezvazvo akandiuraya.” Jehovha akati, “Tora tsiru uende naro ugondoti, ‘Ndauya kuzobayira kuna Jehovha.’ |
|
| 3 |
|
| Ukoke Jese kuti auye kuchibayiro, uye ini ndichakuratidza zvokuita. Unofanira kundizodzera uyo wandichakuratidza.” |
|
| 4 |
|
| Samueri akaita zvakataurwa naJehovha. Akati asvika kuBheterehema, vakuru vomusha vakadedera pavakasangana naye. Vakamubvunza vakati, “Mauya norugare here?” |
|
| 5 |
|
| Samueri akati, “Hongu, ndauya norugare; ndauya kuzobayira kuna Jehovha. Zvinatsei mugoenda neni kuchibayiro.” Ipapo akanatsa Jese navanakomana vake akavakoka kuti vauye kuchibayiro. |
|
| 6 |
|
| Vakati vasvika, Samueri akaona Eriabhi akafunga kuti, “Zvirokwazvo muzodziwa waJehovha ndiye amire pano pamberi paJehovha.” |
|
| 7 |
|
| Asi Jehovha akati kuna Samueri, “Rega kutarira chiso chake kana mumhu wake, nokuti ndamuramba. Jehovha haatarisi zvinhu zvinoonekwa navanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo.” |
|
| 8 |
|
| Ipapo Jese akadana Abhinadhabhi akaita kuti apfuure napamberi paSamueri. Asi Samueri akati, “Jehovha haana kusarudza uyuwo.” |
|
| 9 |
|
| Jese akaita kuti Shama apfuure napo, asi Samueri akati, “Nouyu haana kusarudzwa naJehovha.” |
|
| 10 |
|
| Jese akaita kuti vanakomana vake vanomwe vapfuure napamberi paSamueri, asi Samueri akati kwaari, “Jehovha haana kusarudza ava.” |
|
| 11 |
|
| Saka akabvunza Jese akati, “Ava ndivo vose vanakomana vaunavo here?” Jese akapindura akati, “Kuchino mumwe muduku kuna vose, asi ari kufudza makwai.” Samueri akati, “Tuma munhu kwaari; hatingagari pasi kusvikira asvika pano.” |
|
| 12 |
|
| Saka akatuma munhu kuti andouya naye. Akanga ari mutsvuku, ane chiso chakaisvonaka nechimiro chakanaka. Ipapo Jehovha akati, “Simuka umuzodze, nokuti ndiyeyu.” |
|
| 13 |
|
| Saka Samueri akatora gonamombe ramafuta akamuzodza pamberi pamadzikoma ake, uye kubva pazuva iroro Mweya waJehovha wakauya pamusoro paDhavhidhi nesimba. Ipapo Samueri akaenda kuRama. |
|
| 14 |
|
| Zvino Mweya waJehovha wakanga wabva pana Sauro, uye mweya wakaipa wakabva kuna Jehovha ukamutambudza. |
|
| 15 |
|
| Varanda vaSauro vakati kwaari, “Tarirai mweya wakaipa unobva kuna Mwari unokutambudzai. |
|
| 16 |
|
| Ishe ngaarayire varanda vake vari pano kuti vatsvake mumwe munhu anogona kuridza mbira. Acharidza kana mweya wakaipa unobva kuna Mwari wauya pamusoro penyu, uye imi muchanzwa zviri nani.” |
|
| 17 |
|
| Saka Sauro akati kuvaranda vake, “Tsvakai munhu anogona kuridza zvakanaka muuye naye kwandiri.” |
|
| 18 |
|
| Mumwe wavaranda akapindura akati, “Ndaona mwanakomana waJese wokuBheterehema anoziva kuridza mbira. Murume asingatyi uye murwi. Anogona kutaura zvakanaka uye munhu akaisvonaka. Uye Jehovha anaye.” |
|
| 19 |
|
| Ipapo Sauro akatuma nhume kuna Jese akati, “Nditumirewo mwanakomana wako Dhavidhi, uyo ari kumakwai.” |
|
| 20 |
|
| Saka Jese akatora mbongoro akaitakudza chingwa, guchu rewaini nembudzana akazvitumira kuna Sauro naDhavhidhi mwanakomana wake. |
|
| 21 |
|
| Dhavhidhi akasvika kuna Sauro akapinda kundomushandira. Sauro akamuda kwazvo, uye Dhavhidhi akava mumwe wavatakuri venhumbi dzake dzokurwa. |
|
| 22 |
|
| Ipapo Sauro akatuma shoko kuna Jese, achiti, “Tendera Dhavhidhi kuti andishandire, nokuti ndinofadzwa naye.” |
|
| 23 |
|
| Mweya waibva kuna Mwari waiti wasvika pamusoro paSauro, Dhavhidhi aibva atora mbira dzake oridza. Ipapo Sauro aibva anzwa kusununguka; onzwa zviri nani uye mweya wakaipa wobva wamusiya. |
|
|
|
|