|
| 1 |
|
| Zvino Sauro akataura naJonatani mwanakomana wake, navaranda vake vose, kuti vauraye Dhavhidhi. |
|
| 2 |
|
| Asi Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga achifarira Dhavhidhi kwazvo. Naizvozvo Jonatani akaudza Dhavhidhi, akati, “Sauro, baba vangu, vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjera kwazvo mangwana, ugare pakavanda, uvande; |
|
| 3 |
|
| ini ndichabuda, ndichandomira kuna baba vangu mumunda, mauri, nditaurirane nababa vangu pamusoro pako; kana ndichinge ndikaona chinhu, ndichakuudza.” |
|
| 4 |
|
| Ipapo Jonatani akareverera Dhavhidhi zvakanaka kuna Sauro baba vake, akati kwavari, “Mambo ngaarege kutadzira Dhavhidhi muranda wake, nokuti iye haana kukutadzirai imi, asi wakakuitirai zvakanaka kwazvo; |
|
| 5 |
|
| nokuti wakabata upenyu hwake mumaoko ake, akauraya muFirisitia; Jehovha akakundisa VaIsiraeri nokukunda kukuru; imi makazviona, mukafara; naizvozvo muchatadzireiko ropa risine mhosva, mukauraya Dhavhidhi asine mhaka hake?” |
|
| 6 |
|
| Sauro akateerera izwi raJonatani, Sauro akapika akati, “NaJehovha mupenyu, haangaurawi!” |
|
| 7 |
|
| Zvino Jonatani akadana Dhavhidhi, Jonatani akamuzivisa zvinhu izvo zvose. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, akagara pamberi pake sapakutanga. |
|
| 8 |
|
| Zvino kurwa kukavapozve, Dhavhidhi akabuda kundorwa navaFirisitia, akavauraya nokuuraya kukuru, vakatiza pamberi pake. |
|
| 9 |
|
| Mweya wakaipa, wakanga watumwa naJehovha, ukauya pamusoro paSauro, agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake. |
|
| 10 |
|
| Sauro akaidza kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo; Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka usiku uhwo. |
|
| 11 |
|
| Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, “Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurayiwa mangwana.” |
|
| 12 |
|
| Naizvozvo Mikari akaburutsa Dhavhidhi pasi napawindo; akaenda, akatiza, akapukunyuka. |
|
| 13 |
|
| Mikari akatora terafimi, akairadzika panhoo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira. |
|
| 14 |
|
| Zvino Sauro wakati achituma nhume kuzobata Dhavhidhi, iye akati, “Unorwara.” |
|
| 15 |
|
| Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Dhavhidhi akati, “Uyai naye kwandiri ari panhoo, ndimuuraye.” |
|
| 16 |
|
| Zvino nhume dzakati dzichipinda, dzikaona terafimi iri panhoo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo. |
|
| 17 |
|
| Sauro akati kuna Mikari, “Wandinyengereiko kudai, ukarega muvengi wangu achienda, akapukunyuka?” Mikari akapindura Sauro achiti, Iye wakati kwandiri, “Ndirege, ndiende; ndichakuurayireiko?” |
|
| 18 |
|
| Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka, akasvika kuna Samueri paRama, akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naSauro. Iye naSamueri vakandogara Naioti. |
|
| 19 |
|
| Zvino Sauro wakaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, Dhavhidhi uri Naioti paRama.” |
|
| 20 |
|
| Sauro akatuma nhume kundobata Dhavhidhi; asi idzo dzakati dzichiona boka ravaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri wavo, Mweya waMwari akauya pamusoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaporofitawo. |
|
| 21 |
|
| Zvino Sauro wakati achiudzwa izvozvo, akatumazve dzimwe nhume, naidzo dzikaporofitawo. Ipapo Sauro akatumazve nhume rwechitatu, naidzo dzikaporofitawo. |
|
| 22 |
|
| Zvino naiye akaendawo Rama, akasvika patsime guru riri paSeku, akabvunza akati, “VanaSamueri naDhavhidhi varipiko?” Mumwe akati, “Tarirai, vari Naioti paRama.” |
|
| 23 |
|
| Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari akauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama. |
|
| 24 |
|
| Akabvisawo nguo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, “Sauro uri pakati pavaporofitawo here?” |
|
|
|
|