|
| 1 |
|
| Zvino Dhavhidhi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kuna Jonatani, "Ndadiniko? Kutadza kwangu ndokwei? Chivi changu pamberi pababa vako ndechipi, zvavanotsvaka kundiuraya?" |
|
| 2 |
|
| Iye akati kwaari, "Haisva, usadaro, haungafi; tarira baba vangu havangaiti chinhu chikuru kana chiduku, vasingandizivisi icho; zvino baba vangu vangandivanzirireiko chinhu ichi? Hazvizi izvo." |
|
| 3 |
|
| Ipapo Dhavhidhi akapikazve akati, "Baba vako vanoziva kwazvo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naizvozvo vakati, `Jonatani ngaarege kuzviziva, zvimwe ungazvidya moyo;' asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, nomweya wako mupenyu, kune nhambwe imwechete pakati pangu norufu." |
|
| 4 |
|
| Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, "Zvose zvinodikamwa nomoyo wako, ndichakuitira izvozvo." |
|
| 5 |
|
| Dhavhidhi akati kuna Jonatani, "Tarira, mangwana mwedzi wogara, ndichafanira kundogara pakudya namambo; asi nditendere, ndiende kundovanda mumunda kusvikira madekwana ezuva rechitatu. |
|
| 6 |
|
| Kana baba vako vakandishaiwa, uti kwavari, `Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri, kuti amhanyire Bheterehemu, kuguta rake; nokuti ikoko kunoitwa chibayiro chegore rimwe nerimwe chavose veimba yake.' |
|
| 7 |
|
| "Kana vakati, `Zvakanaka hazvo!' Muranda wako uchava norugare; asi kana vakatsamwa, uzive kuti vagara vandifungira zvakaipa. |
|
| 8 |
|
| Naizvozvo chiitira hako muranda wako zvakanaka; nokuti wakaita sungano nomuranda wako pamberi paJehovha, asi kana zvakaipa zviriko kwandiri, undiuraye iwe, nokuti uchandiisireiko kuna baba vako?" |
|
| 9 |
|
| Jonatani akati, "Usadaro, nokuti dai ndaiziva kuti baba vangu vagara vafunga kukuitira zvakaipa, handizaikuudza here?" |
|
| 10 |
|
| Dhavhidhi akati kuna Jonatani, "Ndianiko uchandiudza kana baba vako vachinge vakupindura nehasha?" |
|
| 11 |
|
| Jonatani akati kuna Dhavhidhi, "Hendei kusango." Ivo vakaenda vari vaviri kusango. |
|
| 12 |
|
| Zvino Jonatani akati kuna Dhavhidhi, "Jehovha Mwari waIsiraeri ngaave chapupu; kana ndabvunzisisa baba vangu nenguva ino mangwana, kana kuswera mangwana, kana ndikaona kuti vanomoyo wakanaka kuna Dhavhidhi, handingakutumiri shoko, ndikakuzivisa here? |
|
| 13 |
|
| "Jehovha ngaarove Jonatani, arambe achidaro, kana baba vangu vachinge vachida kukuitira zvakaipa, ini ndikasakuzivisa izvozvo, ndikakuendisa norugare, Jehovha ngaave newe, sezvaaiva nababa vangu. |
|
| 14 |
|
| Newewo undiitire tsitsi dzaJehovha ndichiri mupenyu, ndirege kufa, |
|
| 15 |
|
| uye usabvisa tsitsi dzako kuna veimba yangu nokusingaperi, kunyange kana Jehovha abvisa vavengi vaDhavhidhi, mumwe nomumwe panyika yose." |
|
| 16 |
|
| Naizvozvo Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, akati, "Jehovha ngaazvitsvake kumaoko avavengi vaDhavhidhi |
|
| 17 |
|
| Naizvozvo akapikisa Dhavhidhizve norudo rwake kwaari, nokuti wakanga achimuda sezvaakada moyo wake. |
|
| 18 |
|
| Zvino Jonatani akati kwaari, "Mangwana mwedzi wogara; iwe uchashaikwa, nokuti chigaro chako chichashaiwa munhu. |
|
| 19 |
|
| Kana wagara mazuva matatu, unofanira kukurumidza kuburukira kunzvimbo iya pawakavanda musi watakataurirana pamusoro peshoko riya, ugogara pabwe rinonzi Ezeri. |
|
| 20 |
|
| Zvino ini ndichaposha miseve mitatu kurutivi rwaro, ndichiita sendinoposhera chinhu chakatimikwa. |
|
| 21 |
|
| Ipapo, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti, `Enda undotsvaka miseve.' Kana ndikati kumukomana, `Tarira miseve iri nechokuno kwako, uya nayo,' ipapo ungauya hako, nokuti kunorugare kwauri, hakuna mhosva, naJehovha mupenyu. |
|
| 22 |
|
| Asi kana ndikati kumukomana, `Tarira, miseve iri mberi kwako,' ipapo uende hako, nokuti Jehovha wakuendisa. |
|
| 23 |
|
| Kana riri shoko ratakataurirana pamusoro paro iwe neni, tarira Jehovha uri pakati pako neni nokusingaperi. " |
|
| 24 |
|
| Naizvozvo Dhavhidhi akandovanda musango; zvino mwedzi wakati wagara, mambo akagara pakudya kuti adye. |
|
| 25 |
|
| Mambo akagara pachigaro chake, sapanguva dzose, pachigaro chaiva pamadziro, Jonatani akasimuka, Abhineri akagara parutivi rwaSauro; asi chigaro chaDhavhidhi chakashaiwa munhu. |
|
| 26 |
|
| Asi Sauro haana kutaura chinhu musi iwoyo; nokuti wakati, zvimwe wawirwa nechinhu, zvimwe haana kunaka, zvirokwazvo haana kunaka. |
|
| 27 |
|
| Zvino pazuva rakatevera kugara komwedzi, pazuva rechipiri, chigaro chaDhavhidhi chakashaiwazve munhu; ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, "Mwanakomana waJese wakaregereiko kuuya kuzodya zuro kana nhasi?" |
|
| 28 |
|
| Jonatani akapindura Sauro akati, "Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri kuti aende Bheterehemu, |
|
| 29 |
|
| akati, `Nditenderewo ndiende, nokuti veimba yedu vanobayira muguta; mukuru wangu wakandiraira kuti ndivepo; zvino kana uchifara nazvo, nditendere hako ndiende kundoshanyira hama dzangu.' Naizvozvo haana kuuya patafura yamambo." |
|
| 30 |
|
| Ipapo Sauro akatsamwira Jonatani, akati kwaari, "Iwe mwanakomana womukadzi usinganzwi, wakapanduka, handizivi kanhi kuti wakatsaura mwanakomana waJese unyadzwe iwe, namai vako vanyadzwewo? |
|
| 31 |
|
| "Nokuti iwe haungasimbiswi noushe hwako, kana mwanakomana waJese achiri mupenyu panyika. Naizvozvo zvino chituma munhu auye naye kwandiri, nokuti zvirokwazvo unofanira kufa." |
|
| 32 |
|
| Jonatani akapindura Sauro baba vake, akati kwavari, "Ko unofanira kuurayirwei? Waiteiko?" |
|
| 33 |
|
| Ipapo Sauro akaposha pfumo.rake kwaari, achida kumubaya. Naizvozvo Jonatani wakaziva kuti baba vake vakagara vafunga kuuraya Dhavhidhi. |
|
| 34 |
|
| Naizvozvo Jonatani akasimuka patafura, atsamwa kwazvo, akasadya zvokudya nomusi wechipiri womwedzi; nokuti wakanga ane shungu pamoyo pamusoro paDhavhidhi, nokuti wakanga anyadzwa nababa vake. |
|
| 35 |
|
| Zvino fume mangwana Jonatani akaenda kusango nenguva yakanga yatarwa naDhavhidhi, anomukomana muduku. |
|
| 36 |
|
| Akati kumukomana wake, "Mhanya utsvake miseve yandinoposha." Ipapo mukomana wakati achimhanya, iye akaposha museve mberi kwake. |
|
| 37 |
|
| Zvino mukomana wakati achisvika pakanga paposhwa museve naJonatani. Jonatani akadanidzira kumukomana, akati, "Ko museve hauzi mberi kwako here?" |
|
| 38 |
|
| Jonatani akadanidzirazve kumukomana akati, "Kasira, kurumidza, usamira." Mukomana waJonatani akanonga miseve, akauya nayo kuna tenzi wake. |
|
| 39 |
|
| Asi mukomana haana kuziva chinhu; asi Jonatani naDhavhidhi voga ndivo vakaziva shoko iro. |
|
| 40 |
|
| Zvino Jonatani akapa mukomana nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwaari, "Enda nadzo undodziisa kuguta." |
|
| 41 |
|
| Mukomana wakati aenda, Dhavhidhi akasimuka kurutivi rwezasi, akawira pasi nechiso chake, akakotama katatu, vakatsvodana, vakachema vose, kusvikira Dhavhidhi anyanya kwazvo. |
|
| 42 |
|
| Jonatani akati kuna Dhavhidhi, "Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehovha tichiti, `Jehovha uchava pakati pangu newe, napakati pavana vangu navako nokusingaperi.' " Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta. |
|
|
|
|