|
| 1 |
|
| Zvino Dhavhidhi akasvika Nobhi kuna Ahimereki muprista; Ahimereki akasangana naDhavhidhi achidedera; akati kwaari, "Uri woga neiko, usino mumwe newe?" |
|
| 2 |
|
| Dhavhidhi akati kuna Ahimereki muprista, "Mambo wakandiraira basa, akati kwandiri, `Ngakurege kuva nomunhu unoziva chinhu chebasa randinokutuma naro, nerandinokuraira.' Majaya ndakaaraira kusangana neni pane imwe nzvimbo. |
|
| 3 |
|
| Naizvozvo zvino, muneiko pano? Ndipei zvingwa zvishanu muruoko rwangu, kunyange zvipi nezvipi zviripo." |
|
| 4 |
|
| muprista akapindura Dhavhidhi, akati, "Hapana chingwa chinosidyiwa muruoko rwangu, asi chingwa chitsvene ndicho chiripo; koga kana majaya akazvidzora kuvakadzi." |
|
| 5 |
|
| Dhavhidhi akapindura muprista, akati kwaari, "Zvirokwazvo, vakadzi vakadziviswa kwatiri sapanguva dzose kana ndichifamba rwendo; nhumbi dzamajaya dzakanga dziri tsvene, kunyange rwaiva rwendo rwamazuva ose harwo, ndoda nhasi nhumbi dzavo dzichava tsvene." |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo muprista akamupa chingwa chitsvene, nokuti kwakanga kusina chingwapo, asi chingwa chokuratidza, chakanga chabviswa pamberi paJehovha, kuti chingwa chinopisa chiiswepo pazuva rokubviswa kwacho. |
|
| 7 |
|
| Zvino mumwe muranda waSauro wakanga aripo nomusi iwoyo, anonoswa pamberi paJehovha, wainzi Dhoegi, muEdhomu, mutariri wavafudzi vaSauro. |
|
| 8 |
|
| Dhavhidhi akati kuna Ahimereki, "Hapana pfumo kana munondo kwamuri here? Nokuti handina kuuya nomunondo wangu, kana nhumbi dzangu dzokurwa nadzo, nokuti basa ramambo raifanira kukurumidzirwa." |
|
| 9 |
|
| muprista akati, "Munondo waGoriati muFirisitia, wawakauraya pamupata weEra, uri pano, wakaputirwa mumucheka mberi kweefodhi; kana uchida kuutora, chitora hako, nokuti hakuna mumwe asi iwoyo." Dhavhidhi akati, "Hakuna nomumwe wakafanana nawo, ndipe hoyo." |
|
| 10 |
|
| Dhavhidhi akasimuka akatiza musi iwoyo nokutya Sauro, akaenda kuna Akishi, mambo weGati. |
|
| 11 |
|
| Zvino varanda vaAkishi vakati kwaari, "Ko uyu haazi Dhavhidhi mambo wenyika here? Haazi iye wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti,`Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, |
|
| 12 |
|
| Dhavhidhi akarangarira mashoko iwayo mumoyo make, akatya kwazvo Akishi mambo weGati. |
|
| 13 |
|
| Akashandura mugarire wake pamberi pavo, akazviita sebenzi pakati pavo, akakwara-kwara pamagonhi esuo, akarega mate ake achisiririka pandebvu dzake. |
|
| 14 |
|
| Zvino Akishi akati kuvaranda vake, "Tarirai, munhu uyu ibenzi; mauyireiko naye kuno kwandiri? |
|
| 15 |
|
| Ini ndinoshaiwa mapenzi kanhi, zvamauya nomunhu uyu kuzoratidza upenzi hwake pamberi pangu? Munhu wakadai ungapinda mumba mangu here?" |
|
|
|
|