|
| 1 |
|
| Zvino Dhavhidhi akati mumwoyo make, “Mumwe musi ndichaparadzwa hangu noruoko rwaSauro; zviri nani kwazvo kwandiri kuti nditizire kunyika yavaFirisitia; Sauro uchazoora mwoyo pamusoro pangu, akarega kunditsvaka panyika yose yaIsiraeri; saizvozvo ndichapukunyuka paruoko rwake.” |
|
| 2 |
|
| Dhavhidhi akasimuka, akayambuka, iye navarume vana mazana matanhatu vaakanga anavo, akaenda kuna Akishi, mwanakomana waMaoki, mambo weGati. |
|
| 3 |
|
| Dhavhidhi akagara naAkishi paGati, iye navanhu vake, munhu mumwe nomumwe ane mhuri yake, iye Dhavhidhi ana vakadzi vake vaviri, Ahinoamu muJezereeri, naAbhigairi muKameri, waiva mukadzi waNabhari. |
|
| 4 |
|
| Sauro akaudzwa kuti Dhavhidhi watizira Gati, akasazomutsvakazve. |
|
| 5 |
|
| Zvino Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Zvino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ngandipiwe hangu pokugara pane rimwe guta renyika ino, ndigarepo, nokuti muranda uchagarireiko pamuzinda pamwechete nemi?” |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo Akishi akamupa Zikiragi nomusi iwoyo; naizvozvo Zikiragi nderamadzimambo aJudha kusvikira nhasi. |
|
| 7 |
|
| Zvino mazuva akagara Dhavhidhi panyika yavaFirisitia akasvika gore rose nemwedzi mina. |
|
| 8 |
|
| Dhavhidhi navanhu vake vakakwira vakandopambara vaGeshuri navaGirizi, navaAmareki; nokuti marudzi iwayo ndiwo akanga agere panyika iyo kare, kana munhu achienda Shuru kusvikira panyika yeIjipiti. |
|
| 9 |
|
| Dhavhidhi akakunda nyika iyo, haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, akatapa makwai, nemombe, nembongoro, namakamera, nenguo; akadzoka, akasvika kuna Akishi. |
|
| 10 |
|
| Akishi akati, “Mandopambara kupiko nhasi?” Dhavhidhi akati, “Kurutivi rwezasi rwavaJudha, nokurutivi rwezasi rwavaJerameeri, nokurutivi rwezasi rwavaKeni.” |
|
| 11 |
|
| Dhavhidhi haana kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti auye navo paGati, achiti, “Ngavarege kutiudzisira, vachiti, ‘Dhavhidhi wakaita zvokuti nezvokuti, ndiyo tsika yake nguva yose achigere munyika yavaFirisitia.’ ” |
|
| 12 |
|
| Akishi akatenda Dhavhidhi achiti, “Wazvivengesa kwazvo navanhu vake Isiraeri; naizvozvo uchava muranda wangu nokusingaperi.” |
|
|
|
|