Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino mwana Samueri waibatsira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakanga asingazviratidzi pachena. |
| 2 |
| Zvino nenguva iyo Eri wakati avata pasi panzvimbo yake, (Meso ake zvino akanga oonera madzerere, asingagoni kuona kwazvo,) |
| 3 |
| mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri akanga avata pasi patemberi yaJehovha, pakanga pane areka yaMwari; |
| 4 |
| Jehovha akadana Samueri. Iye akati, “Ndiripano hangu.” |
| 5 |
| Akamhanyira kuna Eri, akati, “Ndiripano hangu, nokuti mandidana.” Eri akati, “Handina kukudana, chivata hakozve.” Iye akandovatazve. |
| 6 |
| Ipapo Jehovha akapamhazve kudana, akati, “Samueri!” Samueri akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiripano hangu, nokuti mandidana.” Akapindura akati, “Handina kukudana, mwana wangu; chivata hakozve.” |
| 7 |
| Asi Samueri wakanga achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa. |
| 8 |
| Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiri pano hangu, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana. |
| 9 |
| Saka Eri akati kuna Samueri, “Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.’ ” Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake. |
| 10 |
| Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, “Samueri, Samueri!” Samueri akati, “Taurai henyu, nokuti muranda wenyu unonzwa.” |
| 11 |
| Jehovha akati kuna Samueri, “Tarira, ndichaita chinhu pakati paIsiraeri, nzeve dzomumwe nomumwe unochinzwa dzichawunga. |
| 12 |
| Nomusi uyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro paimba yake, kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira. |
| 13 |
| Nokuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nokuti vanakomana vake vakanga vachizvigadzirira kutukwa, asi iye haana kuvadzivisa. |
| 14 |
| “Saka ndakapika pamusoro peimba yaEri, kuti zvakaipa zveimba yaEri hazvingayananiswi nezvibayiro kana nezvipiriso nokusingaperi.” |
| 15 |
| Zvino Samueri akavata kusvikira mangwana, akazarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri zvaakanga aratidzwa. |
| 16 |
| Zvino Eri akadana Samueri, akati “Samueri, mwana wangu.” Iye akati, “Ndiripano hangu.” |
| 17 |
| Akati, “Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza.” |
| 18 |
| Ipapo Samueri akamurondedzera zvose‐zvose, haana kumuvanzira chinhu chimwe. Eri akati, “NdiJehovha, ngaaite hake sezvaanoda.” |
| 19 |
| Samueri akakura; Jehovha akava naye, haana kutendera kuti rimwe ramashoko ake riwire pasi. |
| 20 |
| VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakanga asimbiswa kuva muporofita waJehovha. |
| 21 |
| Zvino Jehovha akazviratidzazve paShiro, nokuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/1samuel/003.mp3
31
3