|
| 1 |
|
| Mushure mokunge vaFiristia vapamba areka yaMwari, vakaitora kubva kuEbhenezeri vakaenda nayo kuAshidhodhi. |
|
| 2 |
|
| Ipapo vakatakura areka vakapinda nayo mutemberi yaDhagoni vakaiisa parutivi rwaDhagoni. |
|
| 3 |
|
| Vanhu veAshidhodhi pavakamuka mangwananingwanani zuva raitevera, wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Vakatora Dhagoni vakamudzosera panzvimbo yake. |
|
| 4 |
|
| Asi mangwanani aitevera pavakamuka wanei hoyo Dhagoni akawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha! Musoro wake namaoko zvakanga zvadimbuka zvisisipo uye zviri pasi pachikumbaridzo chomukova, muviri wake bedzi ndiwo wakanga wangosara. |
|
| 5 |
|
| Ndokusaka kusvika nanhasi kusina vaprista vaDhagoni kana vamwewo zvavo vanopinda mutemberi yaDhagoni paAshidhodhi vanotsika pachikumbaridzo chomukova. |
|
| 6 |
|
| Ruoko rwaMwari rwakatambudza zvikuru vanhu veAshidhodhi nenzvimbo dzakaikomberedza; akauyisa kuparadzwa pamusoro pavo uye akavarova namamota. |
|
| 7 |
|
| Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, “Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu.” |
|
| 8 |
|
| Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakavabvunza vachiti, “Toitei neareka yaMwari weIsraeri?” Vakapindura vachiti, “Itai kuti areka yaMwari weIsraeri iendeswe kuGati.” Saka vakabvisa areka yaMwari weIsraeri. |
|
| 9 |
|
| Asi mushure mokunge vaibvisa, ruoko rwaMwari rwakarwisana neguta iroro, uye akarivhundutsa nokuvhundutsa kukuru. Akarova vanhu veguta iroro, vakuru navadiki, namamota. |
|
| 10 |
|
| Saka vakaendesa areka yaMwari kuEkironi. Areka yaMwari payakanga yava kupinda muEkironi, vanhu veEkironi vakadanidzira, vachiti, “Vauyisa areka yaMwari weIsraeri kuti vatiuraye isu navanhu vedu.” |
|
| 11 |
|
| Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakati, “Dzoserai areka yaMwari weIsraeri kwakare, regai idzokere kunzvimbo kwayo, nokuti ichatiuraya isu navanhu vedu.” Nokuti rufu rwakanga rwazadza guta nokuvhunduka; ruoko rwaMwari rwakanga rwaritambudza zvikuru. |
|
| 12 |
|
| Avo vasina kufa vakarohwa namamota uye kuchema kweguta kwakakwira kudenga. |
|
|
|
|