|
| 1 |
|
| Zvino vaFirisitia vakatora areka yaMwari, vakabva nayo Ebheniezeri, vakaiisa Ashidhodhi, |
|
| 2 |
|
| VaFirisitia vakatora areka yaMwari vakaiisa mumba maDhagoni, vakaigadzika kurutivi rwaDhagoni. |
|
| 3 |
|
| Zvino veAshidhodhi vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha. Vakatora Dhagoni, vakamugadzikazve panzvimbo yake. |
|
| 4 |
|
| Zvino vakati vachimuka mangwanani, onei Dhagoni wawira pasi nechiso pamberi peareka yaJehovha; nomusoro waDhagoni nezvanza zvamaoko ake ose maviri zvakanga zvavhunika, zviri pachikumbaridzo chomukova; Dhagoni wakanga asarirwa nomuviri woga. |
|
| 5 |
|
| Saka vapristi vaDhagoni, navose vanopinda mumba maDhagoni, havatsiki pachikumbaridzo chaDhagoni paAshidhodhi kusvikira nhasi. |
|
| 6 |
|
| Asi ruoko rwaJehovha rwakatambudza veAshidhodhi, akavaparadza nokuvarova namamota, ivo veAshidhodhi nenyika yavo. |
|
| 7 |
|
| Zvino varume veAshidhodhi vakati vachiona kuti ndizvo zvavanoitirwa, vakati, “Areka yaMwari waIsiraeri ngairege kugara pakati pedu; nokuti ruoko rwake runotitambudza isu namwari wedu Dhagoni.” |
|
| 8 |
|
| Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza kwavari madzishe ose avaFirisitia, vakati, “Tichaita seiko neareka yaMwari waIsiraeri?” Vakapindura, vakati, “Areka yaMwari waIsiraeri ngaiiswe Gati.” Vakaisa areka yaMwari ikoko. |
|
| 9 |
|
| Vakati vaiisako, ruoko rwaJehovha rukavhundusa guta nokuvhundusa kukuru; akarova varume veguta, vaduku navakuru, vakapomerwa mamota. |
|
| 10 |
|
| Naizvozvo ivo vakatumira areka yaMwari Ekironi. Zvino areka yaMwari yakati yasvika Ekironi, veEkironi vakachema kwazvo, vakati, “Vauya neareka yaMwari waIsiraeri kwatiri, kuzotiuraya, isu navanhu vedu.” |
|
| 11 |
|
| Naizvozvo vakatuma nhume kundounganidza madzishe ose avaFirisitia, vakati, “Tumai areka yaMwari waIsiraeri, ibve, idzoserwe kunzvimbo yayo, kuti irege kutiuraya, isu navanhu vedu;” nokuti guta rose rakanga ravhunduswa nokuvhunduswa kworufu; ruoko rwaJehovha rwakavatambudza zvikuru ipapo. |
|
| 12 |
|
| Varume, vasina kufa, vakarohwa namamota, kuchema kweguta kukakwira kudenga. |
|
|
|
|