|
| 1 |
|
| Zvino areka yaJehovha yakagara munyika yavaFirisitia mwedzi minomwe. |
|
| 2 |
|
| VaFirisitia vakadana vapristi navavuki, vakati, “Tichaita seiko neareka yaJehovha? Tizivisei mutowo watingaidzosera nawo kunzvimbo yayo.” |
|
| 3 |
|
| Vakati, “Kana muchidzosera areka yaMwari waIsiraeri, musaituma isine chinhu; asi munofanira kumutumira chipiriso chemhosva; ipapo muchapora, mugoziva kuti ruoko rwake runoregereiko kubviswa kwamuri.” |
|
| 4 |
|
| Zvino vakati, “Chipiriso chemhosva chatinofanira kumuripira nacho ndecheiko?” Vakati, “Mamota mashanu endarama, namakonzo mashanu endarama, zvakaenzana namadzishe avaFirisitia; nokuti makanga marohwa nedambudziko rimwe, imi mose namadzishe enyu. |
|
| 5 |
|
| Naizvozvo munofanira kuita mufananidzo wamamota enyu, nomufananidzo wamakonzo enyu anotadzira nyika, mukudze Mwari waIsiraeri; zvimwe ucharerutsa ruoko rwake pamusoro penyu, napamusoro pavamwari venyu, napamusoro penyika yenyu. |
|
| 6 |
|
| Muchawomesereiko mwoyo sezvakaita VaIjipiti naFarao vakawomesa mwoyo yavo? Nguva yaakaita zvishamiso pakati pavo, havana kurega vanhu here, vakaenda? |
|
| 7 |
|
| Naizvozvo zvino torai mugadzire ngoro itsva, nemhou mbiri dzinomwisa dzisina kumboiswa joko, musunge mhou pangoro, asi muraurire mhuru dzadzo kumusha; |
|
| 8 |
|
| zvino mutore areka yaJehovha, mugoiisa pangoro; nezvishongo zvendarama, zvamunomuripira nazvo kuti chive chipiriso chemhosva, mudziise mubhokisi parutivi rwayo, mugoituma iende. |
|
| 9 |
|
| “Zvino tarirai, kana ikakwira nenzira yenyika yayo kuBheti-shemeshi, ndiye wakatiitira njodzi huru iyi; asi kana isingadaro, tichaziva kuti haruzi ruoko rwake rwakatirova, chinhu hacho chatiwira.” |
|
| 10 |
|
| Zvino varume vakaita saizvozvo; vakatora mhou mbiri dzakanga dzichimwisa, vakadzisunga pangoro, vakapfigira mhuru dzadzo kumusha; |
|
| 11 |
|
| vakaisa areka yaJehovha pamusoro pengoro, nebhokisi rakanga rina makonzo endarama, nemifananidzo yamamota avo. |
|
| 12 |
|
| Zvino mhou dzikarurama nenzira inoenda Bheti-shemeshi, dzikafamba nenzira huru, dzikaenda dzichingokuma; hadzina kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe; madzishe avaFirisitia akadzitevera kusvikira kumuganho weBheti-shemeshi. |
|
| 13 |
|
| Zvino vanhu veBheti-shemeshi vakanga vachicheka zviyo zvavo pamupata, vakatarira, vakaona areka, vakafara vachiiona. |
|
| 14 |
|
| Ngoro ikasvika pamunda waJoshua muBheti-shemeshi, ikamira pakanga pane bwe guru; ipapo vakapamura matanda engoro, vakabayira mhou vakadziita chipiriso chinopiriswa Jehovha. |
|
| 15 |
|
| Zvino vaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, nebhokisi rakanga riri pairi, makanga mune zvishongo zvendarama, vakazviisa pabwe guru, varume veBheti-shemeshi vakauya nezvipiriso zvinopiswa vakabayira Jehovha zvibairo nomusi uyo. |
|
| 16 |
|
| Zvino madzishe mashanu avaFirisitia akati aona izvozvo, akadzokera Ekironi nomusi iwoyo. |
|
| 17 |
|
| Zvino ndiwo mamota endarama akaripwa namadzishe avaFirisitia, kuti chive chipiriso chemhosva kuna Jehovha; rimwe raiva reAshidhodhi, rimwe reGaza, rimwe reAshikeroni, rimwe reGati, rimwe reEkironi; |
|
| 18 |
|
| namakonzo endarama akanga akaenzana namaguta ose avaFirisitia, akanga ari amadzishe mashanu, aiva maguta akapoteredzwa namasvingo nemisha miduku yokuruwa. Uye ibwe guru ravakagadzika areka yaJehovha pamusoro paro, richiripo pamunda waJoshua muBheti-shemeshi kusvikira nhasi. |
|
| 19 |
|
| Zvino Jehovha akauraya vamwe vavarume veBheti-shemeshi, nokuti vakanga vatarira mukati meareka yaJehovha; akauraya varume vane zviuru zvina makumi mashanu namakumi manomwe pakati pavanhu avo; vanhu vakachema, nokuti Jehovha akanga auraya vanhu nokuuraya kukuru. |
|
| 20 |
|
| Zvino varume veBheti-shemeshi vakati, “Ndianiko unogona kumira pamberi paJehovha, Mwari uyu Mutsvene? Uchakwira kuna ani, kana achibva kwatiri?” |
|
| 21 |
|
| Ipapo vakatuma nhume kuna vakanga vagere Kiriatijearimi, vakati, “VaFirisitia vadzosa areka yaJehovha; burukai imi, muzoiisa kwenyu.” |
|
|
|
|