Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Ipapo varume veKiriatijearimi vakauya, vakatora areka yaJehovha, vakaiisa kumba kwaAbhinadhabhu pagomo; vakatsaura Ereazari mwanakomana wake, kuti achengete areka yaJehovha. |
| 2 |
| Kubva pamusi wokusvika kweareka paKiriatijearimi, yakagarapo nguva refu, nokuti akanga ari makore makumi maviri; imba yose yaIsiraeri ikachema kuna Jehovha. |
| 3 |
| Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, “Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomwoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha mwoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.” |
| 4 |
| Vana vaIsiraeri vakabvisa vaBhaari neAshitaroti, vakashumira Jehovha oga. |
| 5 |
| Zvino Samueri akati, “Unganidzai vaIsiraeri vose paMizipa, ini ndikunyengetererei kuna Jehovha.” |
| 6 |
| Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya nomusi iwoyo, vakati ipapo, “Takatadzira Jehovha.” Samueri akatonga vana vaIsiraeri paMizipa. |
| 7 |
| Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti vana vaIsiraeri vakanga vaungana paMizipa, madzishe avaFirisitia akakwira kundorwa navaIsiraeri. Vana vaIsiraeri vachinzwa vakatya vaFirisitia. |
| 8 |
| Zvino vana vaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia.” |
| 9 |
| Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwavaIsiraeri; Jehovha akamunzwa. |
| 10 |
| Samueri wakati achapisira Jehovha chipiriso chinopiswa, vaFirisitia vakaswedera kuzorwa navaIsiraeri; asi Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamusoro pavaFirisitia nomusi iwoyo, akavavhundusa, vakakundwa navaIsiraeri. |
| 11 |
| Varume vaIsiraeri vakabuda Mizipa, vakatevera vaFirisitia, vakavaparadza kusvikira panyasi peBhetikari. |
| 12 |
| Zvino Samueri akatora ibwe, akarimisa pakati peMizipa neSheni, akaritumidza zita raro Ebheniezeri, achiti, “Jehovha wakatibatsira kusvikira pano.” |
| 13 |
| VaFirisitia vakakundwa saizvozvo; havana kuzouyazve munyika yavaIsiraeri; ruoko rwaJehovha rukarwa navaFirisitia mazuva ose aSamueri. |
| 14 |
| Namaguta akanga atorerwa vaIsiraeri navaFirisitia akadzoserwazve kuvaIsiraeri, kubva paEkironi kusvikira paGati, nenyika yavo yakasunungurwa navaIsiraeri pamaoko avaFirisitia; rugare rukavapo pakati pavaIsiraeri navaAmori. |
| 15 |
| Samueri akatonga vaIsiraeri mazuva ose oupenyu hwake. |
| 16 |
| Waipota gore rimwe nerimwe napaBhetieri, neGirigari, neMizipa, akatonga vaIsiraeri panzvimbo idzo dzose. |
| 17 |
| Akasidzokera Rama, nokuti ndipo paakanga agere; akatonga vaIsiraeri ipapo, akavakira Jehovha aritari ipapo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/1samuel/007.mp3
31
7