|
| 1 |
|
| Ipapo varume veKiriatijearimi vakauya, vakatora areka yaJehovha, vakaiisa kumba kwaAbhinadhabhu pagomo; vakatsaura Ereazari mwanakomana wake, kuti achengete areka yaJehovha. |
|
| 2 |
|
| Kubva pamusi wokusvika kweareka paKiriatijearimi, yakagarapo nguva refu, nokuti akanga ari makore makumi maviri; imba yose yaIsiraeri ikachema kuna Jehovha. |
|
| 3 |
|
| Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, “Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomwoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha mwoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.” |
|
| 4 |
|
| Vana VaIsiraeri vakabvisa vaBhaari neAshitaroti, vakashumira Jehovha oga. |
|
| 5 |
|
| Zvino Samueri akati, “Unganidzai VaIsiraeri vose paMizipa, ini ndikunyengetererei kuna Jehovha.” |
|
| 6 |
|
| Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya nomusi iwoyo, vakati ipapo, “Takatadzira Jehovha.” Samueri akatonga vana VaIsiraeri paMizipa. |
|
| 7 |
|
| Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti vana VaIsiraeri vakanga vaungana paMizipa, madzishe avaFirisitia akakwira kundorwa naVaIsiraeri. Vana VaIsiraeri vachinzwa vakatya vaFirisitia. |
|
| 8 |
|
| Zvino vana VaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia.” |
|
| 9 |
|
| Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwaVaIsiraeri; Jehovha akamunzwa. |
|
| 10 |
|
| Samueri wakati achapisira Jehovha chipiriso chinopiswa, vaFirisitia vakaswedera kuzorwa naVaIsiraeri; asi Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamusoro pavaFirisitia nomusi iwoyo, akavavhundusa, vakakundwa naVaIsiraeri. |
|
| 11 |
|
| Varume VaIsiraeri vakabuda Mizipa, vakatevera vaFirisitia, vakavaparadza kusvikira panyasi peBhetikari. |
|
| 12 |
|
| Zvino Samueri akatora ibwe, akarimisa pakati peMizipa neSheni, akaritumidza zita raro Ebheniezeri, achiti, “Jehovha wakatibatsira kusvikira pano.” |
|
| 13 |
|
| VaFirisitia vakakundwa saizvozvo; havana kuzouyazve munyika yaVaIsiraeri; ruoko rwaJehovha rukarwa navaFirisitia mazuva ose aSamueri. |
|
| 14 |
|
| Namaguta akanga atorerwa VaIsiraeri navaFirisitia akadzoserwazve kuVaIsiraeri, kubva paEkironi kusvikira paGati, nenyika yavo yakasunungurwa naVaIsiraeri pamaoko avaFirisitia; rugare rukavapo pakati paVaIsiraeri navaAmori. |
|
| 15 |
|
| Samueri akatonga VaIsiraeri mazuva ose oupenyu hwake. |
|
| 16 |
|
| Waipota gore rimwe nerimwe napaBhetieri, neGirigari, neMizipa, akatonga VaIsiraeri panzvimbo idzo dzose. |
|
| 17 |
|
| Akasidzokera Rama, nokuti ndipo paakanga agere; akatonga VaIsiraeri ipapo, akavakira Jehovha atari ipapo. |
|
|
|
|