Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Samueri akati akwegura, akagadza vanakomana vake kuti vave vatongi veIsraeri. |
| 2 |
| Zita redangwe rake rainzi Joere uye zita rowechipiri rainzi Abhia, uye vaishanda vari paBheerishebha. |
| 3 |
| Asi vanakomana vake vakatsaukira kupfuma yakaipa, vakatambira fufuro, vakasaruramisira pakutonga. |
| 4 |
| Saka vakuru vose veIsraeri vakaungana pamwe chete vakauya kuna Samueri paRama. |
| 5 |
| Vakati kwaari, “Makwegura, uye vana venyu havafambi munzira dzenyu; naizvozvo gadzai mambo kuti atitungamirire, sezvakaita mamwe marudzi ose.” |
| 6 |
| Asi pavakati, “Tipei mambo kuti atitungamirire,” izvi hazvina kufadza Samueri; saka akanyengetera kuna Jehovha. |
| 7 |
| Uye Jehovha akamuudza kuti: “Teerera zvose zvinotaura vanhu kwauri; havana kuramba iwe, asi varamba ini samambo wavo. |
| 8 |
| Sezvavakaita kubva pazuva randakavabuditsa muIjipiti kusvikira nhasi, vachindisiya uye vachishumira vamwe vamwari, ndizvo zvavari kuita nokwauri. |
| 9 |
| Zvino, teerera zvavanotaura; asi uvayambire zvakasimba uye uvazivise zvichaitwa namambo achavatonga.” |
| 10 |
| Samueri akataura mashoko ose aJehovha kuvanhu vakanga vachimukumbira mambo. |
| 11 |
| Akati, “Izvi ndizvo zvichaitwa neachakutongai: Achatora vanakomana venyu agoita kuti vashande nengoro dzake dzehondo namabhiza, uye vachamhanya vari mberi kwengoro dzake. |
| 12 |
| Vamwe vavo achavaita vatungamiri vezviuru navatungamiri vamakumi mashanu, uye achaita kuti vamwe varime minda yake pamwe chete nokuikohwa, uye achaita kuti vamwe vagadzire zvombo zvehondo nemidziyo yengoro dzake. |
| 13 |
| Achatora vanasikana venyu kuti vave vagadziri vamafuta anonhuhwira navabiki vezvokudya navabiki vechingwa. |
| 14 |
| Achatora minda yenyu yakaisvonaka neminda yemizambiringa neminda yemiorivhi agozvipa kuvatariri vake. |
| 15 |
| Achatora chegumi chembeu dzenyu namazambiringa enyu agozvipa kumachinda ake nevanomushandira. |
| 16 |
| Varandarume venyu navarandakadzi venyu nemombe dzenyu dzakaisvonaka nembongoro achazvitora kuti azvishandise pamabasa ake. |
| 17 |
| Achatora chegumi chamakwai enyu, uye imi pachenyu muchava nhapwa dzake. |
| 18 |
| Zuva iroro parichasvika muchachema kwazvo nokuda kwamambo iyeye wamazvisarudzira, uye Jehovha haazokupindurai pazuva iroro.” |
| 19 |
| Asi vanhu vakaramba kuteerera Samueri. Vakati, “Kwete! Tinoda mambo kuti atitonge. |
| 20 |
| Ipapo tichava sedzimwe nyika dzose, tiina mambo anotitungamirira nokutiendera pamberi achitirwira hondo dzedu.” |
| 21 |
| Samueri akati anzwa zvose zvakanga zvataurwa navanhu, akandozvitaura zvakare pamberi paJehovha. |
| 22 |
| Jehovha akapindura achiti, “Vateerere uye uvape mambo.” Ipapo Samueri akati kuvarume veIsraeri, “Munhu wose ngaadzokere kuguta rake.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/1samuel/008.mp3
31
8