Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Kwakanga kuno murume worudzi rwaBhenjamini, ainzi Kishi mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia muBhenjamini, murume wesimba noumhare. |
| 2 |
| Aiva nomwanakomana ainzi Sauro, jaya raiyemurika rakanga risina akaenzana naro pakati pavaIsraeri, akanga akareba kupfuura vose. |
| 3 |
| Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarasika, Kishi akati kuna Sauro mwanakomana wake, “Tora mumwe wavaranda uende naye kundotsvaga mbongoro.” |
| 4 |
| Saka akapfuura nomunyika yamakomo yeEfuremu, akapfuurawo nomunzvimbo yakapoteredza Sharisha, asi havana kudziwana. Vakapfuurira mberi nomudunhu reSharimu, asi mbongoro dzakanga dzisiko. Ipapo akapfuura nomunyika yaBhenjamini, asi havana kudziwana. |
| 5 |
| Pavakasvika mudunhu reZufi, Sauro akati kumuranda waaiva naye, “Uya tidzokere, zvimwe baba vangu vangarega kufunga nezvembongoro vakatanga kufunganya pamusoro pedu.” |
| 6 |
| Asi muranda akapindura achiti, “Tarirai muguta rino mune munhu waMwari; anoremekedzwa zvikuru uye zvinhu zvose zvaanotaura zvinoitika. Handei ikoko iye zvino. Zvichida achatiudza nzira yokuenda nayo.” |
| 7 |
| Sauro akati kumuranda, “Kana tikaenda, murume uyu tingandomupei? Zvokudya zviri mumasaga edu zvapera. Hatina chipo chokundopa munhu waMwari. Chii chatinacho?” |
| 8 |
| Muranda akamupindura zvakare achiti, “Tarirai, ndine chikamu chimwe chete muzvina cheshekeria resirivha. Ndichachipa kumunhu waMwari kuti agotiudza nzira yokuenda nayo.” |
| 9 |
| Kare munyika yeIsraeri, kana munhu achienda kundobvunza Mwari, aiti, “Handei kumuoni,” nokuti muprofita wanhasi ainzi muoni. |
| 10 |
| Sauro akati kumuranda wake, “Zvakanaka, uya tiende.” Saka vakasimuka vakananga kuguta kwaiva nomunhu waMwari. |
| 11 |
| Pavaikwira gomo kuenda kuguta iri, vakasangana navasikana vaienda kundochera mvura, vakavabvunza vachiti, “Muoni aripo here?” |
| 12 |
| Vakapindura vachiti, “Aripo. Ari mberi kwenyu. Kurumidzai achangosvika iye zvino muguta redu, nokuti vanhu vane chibayiro panzvimbo yakakwirira. |
| 13 |
| Muchingopinda muguta muchamuwana asati aenda kunzvimbo yakakwirira kundodya. Vanhu havatangi kudya asati auya, nokuti anofanira kuropafadza chibayiro; mushure maizvozvo, avo vanenge vakakokwa vozodya. Endai iye zvino; munofanira kumuwana nguva idzo dzino.” |
| 14 |
| Vakakwira kuguta, uye pavakanga vava kupindamo vakaona Samueri achiuya nokwavakanga vari, ari munzira yake achikwidza kunzvimbo yakakwirira. |
| 15 |
| Nezuro wacho Sauro asati asvika, Jehovha akanga aratidza izvi kuna Samueri: |
| 16 |
| “Nenguva inenge ino mangwana ndichakutumira mumwe anobva kunyika yaBhenjamini. Muzodze kuti ave mambo pamusoro pavanhu vangu veIsraeri; achanunura vanhu vangu kubva muruoko rwavaFiristia. Ndatarira vanhu vangu, nokuti kuchema kwavo kwasvika kwandiri.” |
| 17 |
| Samueri paakangoona Sauro, Jehovha akati kwaari, “Uyu ndiye murume wandakataura newe pamusoro pake; achatonga vanhu vangu.” |
| 18 |
| Sauro akaenda kuna Samueri pasuo akamubvunza achiti, “Mungandiudzewo here kune imba yomuoni?” |
| 19 |
| Samueri akapindura akati, “Ndini muoni. Chitungamira mberi kwangu kunzvimbo yakakwirira, nokuti nhasi unofanira kudya neni, mangwanani ndichakurega uchienda uye ndichakuudza zvose zviri mumweya mako. |
| 20 |
| Kana zviri zvembongoro dzawakarasa mazuva matatu apfuura, usafunganya pamusoro padzo, dzakawanikwa. Zvino zvido zvose zveIsraeri zvatarira kuna ani kana kusiri kwauri iwe nemhuri yose yababa vako?” |
| 21 |
| Sauro akapindura achiti, “Ko, handisi muBhenjamini, worudzi rudiki pane mamwe ose aIsraeri here, uye mhuri yangu haisi diki here pamhuri dzose dzaBhenjamini? Sei muchitaura chinhu chakadaro kwandiri?” |
| 22 |
| Ipapo Samueri akatora Sauro nomuranda wake akapinda navo mumba yokudyira akavagadzika kumusoro kwaavo vakanga vakokwa, vaisvika makumi matatu. |
| 23 |
| Samueri akati kumubiki, “Uya nechidimu chenyama chandakakupa, chiya chandakuudza kuti uise parutivi.” |
| 24 |
| Naizvozvo mubiki akatora gumbo nezvaiva pariri akazvigadzika pamberi paSauro. Samueri akati, “Hezvi zvawakanga wachengeterwa. Idya, nokuti zvanga zvakachengeterwa iwe panguva ino, kubvira panguva yandakati, ‘Ndakoka vanhu.’ ” Zvino Sauro akadya naSamueri musi iwoyo. |
| 25 |
| Mushure mokunge vadzika kubva kunzvimbo yakakwirira vakaenda kuguta, Samueri akataura naSauro ari pamusoro pedenga reimba yake. |
| 26 |
| Vakamuka zuva richangobuda Samueri akadana Sauro ari padenga pemba akati, “Gadzirira ndigokurega uende hako.” Sauro akati agadzirira iye naSamueri vakabuda panze pamwe chete. |
| 27 |
| Pavakanga vachienda kumucheto weguta, Samueri akati kuna Sauro, “Taurira muranda kuti atungamire mberi kwedu,” muranda akaita saizvozvo, “Asi iwe chimbogara pano kwechinguva, kuti ndigokupa shoko rabva kuna Mwari.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/1samuel/009.mp3
31
9