× Mutauro Europe Russian Beraruzi Ukraine Polish Sebhiya Bulgarian Slovakian Czech Romanian Moldova Azabhaijani Armenian Georgian Albanian Avar Bhashkir Tatar Chechen Slovanian Croatian Estonian Latvian Ritunia Hungarian Finish Norwegian Swedish Icelandic Giriki Macedonian Jerimani Bavarian Dutch Danish Welsh Gaelic Irish French Basque Katarani Italian Galacian Romani Bosnian Kabardian North America Rungu South America Spanish Putukezi Guarani Quechuan Aymara Central America Jamaican Nahuatl Kiche Qeqchi Haitian East Asia Chinese Japanese Korean Mongoria Ugwa Hmong Tibetian Maodzanyemba Kumabvazuva kweAsia Malaysian Burmese Chin Nepali Cebuano Tagalog Cambodian Thai Indonesian Sundanese Vietnamese Javanese Lao Iban IuMien Kachin Lahu Aceh Balinese Bugis Pampanga Sasak Shan Waray Madurese Maodzanyemba eAsia Hindi Оdia Awadhi Mizo Kannada Malayalam Marati Gujarati Tamil Telugu Punjabi Kurukh Assamese Maithili Bengali Urdu Sinhala Dogri Haryanvi Meitei Konkani Santali Sindhi Koya Thado Sanskrit Devanagari Adilabad Gondi Ahirani Balo Bundeli Chhattisgarhi Garhwali Kangri Kumaoni Mewari Munda Sadri Seraiki Shekhawati Sylheti Bagri Bhilali Bodo Braj Tulu Central Asia Kiyagizi Uzbek Tajik Teki Khazakisitani Karakalpak Middle East Turkish Hebhuru Arabic Persian Kedhi Mazanderani Pashito Coptic Africa Afrikaans Xhosa Zulu Ndebele Sotho Amharic Wolaytta Nigerian Mossi Ika Dinka Kabyle Ewe Swahili Moroko Somalian Shona Madhagasika Igbo Lingala Baoule Siswati Tsonga Tswana Gambian Yoruba Kamba Kinyarwanda Hausa Chewa Luo Makua Dyula Fulfulde Kalenjin Kikuyu Kikwango Kirundi Krio Nigerian Pidgin Oromo Tshiluba Tshivenda Twi Umbundu Lugbara Luguru Pular Gussi Maasai Turkana Moba Nuer Shilluk Tamasheq Makonde Bemba Fon Hadiyya Ibibio Kimbundu Kimiiru Lango Liberian Kreyol Lomwe Mende Morisyen Ndau Nyankole Sena Sidamo Soga Songe Sukuma Tarifit Teso Tiv Zande Dagbani Edo Kituba Australia Nyika Nyuzirendi Papa Nyu Gini Mitauro Yekare Aramaiki Ratini Esiperando 1 1 1 2009 2009Common SCLB 2008Contemporary BDSC 2005Union 2002Doke 19491 1 1 2 Samueri GenesisiEkisodhoRevhitikoNumeriDheuteronomioJoshuaVatongiRute1 Samueri2 Samueri1 Madzimambo2 Madzimambo1 Makoronike2 MakoronikeEziraNehemiaEsteriJobhoMapisaremaZvirevoMuparidziRwiyo rwaSoromoniIsayaJeremiyaMariroEzekieriDhanyeriHosiyaJoeriAmosiObhadhiyaJonaMikaNahumiHabhakukiZefaniyaHagaiZekariaMaraki--- --- ---MateuMakoRukaJohnMabasaVaRoma1 VaKorinte2 VaKorinteVaGaratiyaVaEfesoVaFiripiVaKorose1 VaTesaronika2 VaTesaronika1 Timoti2 TimotiTitoFirimoniVaHebheruJames1 Petro2 Petro1 Johani2 Johani3 JohaniJudhaZvakazarurwa1 1 1 18 1234567891011121314151617181920212223241 1 1 : 1 1234567891011121314151617181920212223242526272829303132331 1 1 Shona Bible 2009 2 Samueri 18 Sevha Zvinyorwa 1Zvino Dhavhidhi akaverenga vanhu vaakanga anavo, akagadza vakuru vezviuru navakuru vamazana pamusoro pavo.2Dhavhidhi akatuma vanhu, chetatu chavo vachirairwa naJoabhu, nechetatu chavo vachirairwa naAbhishai mwanakomana waZeruya, munun'una waJoabhu, nechatatu chavozve vachirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, "Zvirokwazvo, neniwo ndimene ndichaenda nemi."3Asi vanhu vakati, "Hamungaendi, nokuti kana tikatiza isu, havangavi nehanya nesu; kunyange hafu yavanhu vedu vakaurawa havangavi nehanya nesu; asi imwi makafanana navanhu vedu vane zviuru zvine gumi; naizvozvo zviri nani kuti mugare makazvigadzira kuzotibatsira muri muguta."4Mambo akati kwavari, "Ndichaita sezvamunofunga." Mambo akandomira kurutivi rwesuo vanhu vose vakabuda vachiita mazana-mazana nezviuru-zviuru.5Zvino mambo akaraira Joabhu naAbhishai naItai, akati, "nzwirai henyu jaya nyasha, iye Abhusaromu, nokuda kwangu." Vanhu vose vakanzwa mambo achiraira vakuru vose pamusoro paAbhusaromu.6Zvino vanhu vakabudira kusango kundorwa naIsiraeri, vakarwa mudondo raEfuremu.7Vanhu vaIsiraeri vakakundwapo pamberi pavaranda vaDhavhidhi, vakauraya vanhu vazhinji-zhinji zuva iro vakasvika zviuru zvina mazana maviri.8Nokuti kurwa kwakapararira panyika yose, dondo rikaparadza vanhu vazhinji kukunda vakaparadzwa nomunondo.9Zvino Abhusaromu akasangana navaranda vaDhavhidhi. Abhusaromu wakanga akatasva hesera rake, hesera rikapinda napasi pamatavi makobvu omuoki mukuru, musoro wake ukabatwa pamuoki, iye ndokurembera pakati pedenga napasi; hesera raakanga akatasva rikaramba richifamba.10Zvino mumwe murume akazviona, akandoudza Joabhu, akati, "Tarira, ndaona Abhusaromu akarembera mumuoki.11Joabhu akati kumunhu wakamuudza, "Wakazviona, ukaregereiko kumubaya ipapo? Ndingadai ndakakupa masirivha ane gumi nebhanhire."12Murume akati kuna Joabhu, "Kunyange ndikapiwa masirivha ane chiuru muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imwi naAbhishai naItai, isu tichizvinzwa, akati, `Chenjerai kuti kusava nomunhu unogunzva jaya, iye Abhusaromu.'13"Dai ndakanga ndamuuraya pakavanda (hakune shoko rinovanzirwa mambo), imwi mungadai mandiregera."14Ipapo Joabhu akati, "Handigoni kunonoka kudai newe pano." Zvino akatora mapfumo matatu muruoko rwake, akabaya Abhusaromu nawo pamoyo, achiri mupenyu mukati momuoki.15Ipapo majaya ane gumi, aibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu, akakomba Abhusaromu, akamubaya, akamuuraya.16Zvino Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vakadzoka pakuteverera vaIsiraeri, nokuti Joabhu wakadzivisa vanhu.17Vakatora Abhusaromu, vakamukanda mugomba mudondo, vakatutira pamusoro pake murwi mukuru wamabwe; vaIsiraeri vose vakatizira murenje mumwe nomumwe kutende rake.18Zvino Abhusaromu achiri mupenyu wakanga atora shongwe akazvimutsira iyo pamupata wamambo, nokuti wakati, "Handina mwanakomana ungayeudza vanhu zita rangu;" akatumidza shongwe iyo zita rake, rikanzi shongwe yokuyeudzira Abhusaromu kusvikira nhasi.19Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, akati, "Regai ndimhanye zvino ndindoudza mambo shoko iri, kuti Jehovha wakamutsiva kuvavengi vake."20Joabhu akati kwaari, "Iwe haungaendi neshoko nhasi, asi ungaenda neshoko rimwe zuva; asi nhasi haungaendi neshoko, nokuti mwanakomana wamambo wafa."21Zvino Joabhu akati kumuKushi, "Enda iwe undoudza mambo zvawaona." MuKushi akakotamira pasi pamberi paJoabhu, akamhanya.22Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, "Kunyange zvakadaro hazvo, nditendere ndimhanye neniwo, nditevere muKushi." Joabhu akati, "Unoda kumhanyireiko, mwana wangu, nokuti haungapiwi mubayiro pamusoro peshoko?"23Iye akati, "Kunyange zvakadaro hazvo, ndichamhanya hangu." Akati kwaari, "Mhanya hako." Ipapo Ahimaazi akamhanya nenzira yomubani, akapfuura muKushi.24Zvino Dhavhidhi wakanga agere pakati pamasuo maviri, nharirire ikakwira padenga resuo parusvingo rweguta, akatarira, akaona murume achimhanya ari oga.25Nharirire ikadanidzira, ikaudza mambo. Mambo akati, "Kana ari oga, ane shoko mumuromo make" Akaramba achifamba, akaswedera.26Nharirire ikaona mumwe munhuzve achimhanya; nharirire ikadanidzira kumutariri wesuo, ikati, "Tarira, kuno mumwe munhuzve unomhanya ari oga." Mambo akati, "Naiye unouya neshoko."27Nharirire ikati, "Ndinofunga kuti kumhanya kowokutanga kwakafanana nokumhanya kwaAhimaazi mwanakomana waZadhoki." Mambo akati, "Iye munhu wakanaka, unouya neshoko rakanaka."28Ahimaazi akadanidzira akati kuna mambo, "Rugare!" Akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, akati, "Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakaisa kwamuri vanhu vakanga vatambanudzira maoko avo kunashe wangu mambo."29Mambo akati, "Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here?" Ahimaazi akapindura, akati, "Pakutumwa komuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabhu, ndakaona nyongano huru, asi ndakanga ndisingazivi kuti chinyiko."30Mambo akati, "Tsauka, umire pano." Akatsauka, akaramba amirepo.31Zvino muKushi akasvika. MuKushi akati, "Ndine shoko kunashe wangu mambo; nokuti Jehovha wakakutsivai nhasi kuna vose vakanga vakumukirai."32Mambo akati kumuKushi, "Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here?" MuKushi akapindura akati, "Vavengi vashe wangu mambo, navose vanokumukirai, ngavave sejaya iro."33Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo, akachema; akaramba achifamba, achiti, "Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu! "Shona Bible 2009 Copyrighted: No Info 2009 Shona Bible 2009 2 Samueri 18 00:00:00 00:00:00 0.5x 2.0x https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/2samuel/018.mp3 24 18