× Mutauro Europe Russian Beraruzi Ukraine Polish Sebhiya Bulgarian Slovakian Czech Romanian Moldova Azabhaijani Armenian Georgian Albanian Avar Bhashkir Tatar Chechen Slovanian Croatian Estonian Latvian Ritunia Hungarian Finish Norwegian Swedish Icelandic Giriki Macedonian Jerimani Bavarian Dutch Danish Welsh Gaelic Irish French Basque Katarani Italian Galacian Romani Bosnian North America Rungu South America Spanish Putukezi Guarani Quechuan Aymara Central America Jamaican Nahuatl Kiche Qeqchi Haitian East Asia Chinese Japanese Korean Mongoria Ugwa Hmong Maodzanyemba Kumabvazuva kweAsia Malaysian Burmese Chin Nepali Cebuano Tagalog Cambodian Thai Indonesian Vietnamese Javanese Lao Iban IuMien Kachin Lahu Aceh Balinese Bugis Pampanga Sasak Shan Waray Maodzanyemba eAsia Hindi Оdia Awadhi Mizo Kannada Malayalam Marati Gujarati Tamil Telugu Punjabi Kurukh Assamese Maithili Bengali Urdu Sinhala Dogri Haryanvi Meitei Konkani Santali Sindhi Koya Thado Sanskrit Devanagari Adilabad Gondi Ahirani Balo Bundeli Chhattisgarhi Garhwali Kangri Kumaoni Mewari Munda Sadri Seraiki Shekhawati Sylheti Central Asia Kiyagizi Uzbek Tajik Teki Khazakisitani Karakalpak Middle East Turkish Hebhuru Arabic Persian Kedhi Pashito Coptic Africa Afrikaans Xhosa Zulu Ndebele Sotho Amharic Wolaytta Nigerian Mossi Ika Dinka Kabyle Ewe Swahili Moroko Somalian Shona Madhagasika Igbo Lingala Baoule Siswati Tsonga Tswana Gambian Yoruba Kamba Kinyarwanda Hausa Chewa Luo Makua Dyula Fulfulde Kalenjin Kikuyu Kikwango Kirundi Krio Nigerian Pidgin Oromo Tshiluba Tshivenda Twi Umbundu Lugbara Luguru Pular Gussi Maasai Turkana Moba Nuer Shilluk Tamasheq Makonde Bemba Fon Hadiyya Ibibio Kimbundu Kimiiru Lango Liberian Kreyol Lomwe Mende Morisyen Ndau Nyankole Sena Sidamo Soga Songe Sukuma Tarifit Teso Tiv Zande Dagbani Australia Nyika Nyuzirendi Papa Nyu Gini Mitauro Yekare Aramaiki Ratini Esiperando 1 1 1 2009 2009Common SCLB 2008Contemporary BDSC 2005Union 2002Doke 19491 1 1 Numeri GenesisiEkisodhoRevhitikoNumeriDheuteronomioJoshuaVatongiRute1 Samueri2 Samueri1 Madzimambo2 Madzimambo1 Makoronike2 MakoronikeEziraNehemiaEsteriJobhoMapisaremaZvirevoMuparidziRwiyo rwaSoromoniIsayaJeremiyaMariroEzekieriDhanyeriHosiyaJoeriAmosiObhadhiyaJonaMikaNahumiHabhakukiZefaniyaHagaiZekariaMaraki--- --- ---MateuMakoRukaJohnMabasaVaRoma1 VaKorinte2 VaKorinteVaGaratiyaVaEfesoVaFiripiVaKorose1 VaTesaronika2 VaTesaronika1 Timoti2 TimotiTitoFirimoniVaHebheruJames1 Petro2 Petro1 Johani2 Johani3 JohaniJudhaZvakazarurwa1 1 1 1 1234567891011121314151617181920212223242526272829303132333435361 1 1 : 1 1234567891011121314151617181920212223242526272829303132333435363738394041424344454647484950515253541 1 1 Shona Bible 2009 Numeri 1 Sevha Zvinyorwa 1Zvino Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai, patende rokusangana, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri negore rechipiri rokubuda kwavo Ijipiti, akati,2"Verenga ungano yose yavana vaIsiraeri, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avarume vose, mumwe nomumwe.3Iwe naAroni muverenge mapoka avo, vana makore ana makumi maviri navanopfuura, vose pakati pavaIsiraeri vanogona kundorwa.4Munofanira kuenda nomurume worudzi rumwe norumwe, mukuru weimba yamadzibaba ake.5Ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsirai: WokwaRubheni, Erizuri, mwanakomana waShedheuri.6WokwaSimiyoni, Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai.7WokwaJudha, Nashoni, mwanakomana waAminadhabhu.8WokwaIsakari, Netaneri, mwanakomana waZuari.9WokwaZebhuruni, Eriabhu, mwanakomana waHeroni.10Vokuvana vaJosefa: WokwaEfuremu, Erishama, mwanakomana waAmihudhi; wokwaManase, Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri.11WokwaBhenjamini, Abhidhani, mwanakomana waGidheoni.12WokwaDhani, Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai.13WokwaAsheri, Pagieri, mwanakomana waOkirani.14WokwaGadhi, Eriasafi, mwanakomana waDheueri.15WokwaNafutari, Ahira, mwanakomana waEnani."16Ndivo vakadamwa paungano, ari machinda amarudzi amadzibaba avo, vakuru vedzimba dzavaIsiraeri.17Zvino Mozisi naAroni vakatora varume ava varehwa mazita avo,18vakakoka vaIsiraeri vose nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, ivo vakavarondedzera marudzi avo, mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avose vakanga vana makore ana makumi maviri navanopfuura, mumwe nomumwe.19Akavaverenga murenje reSinai, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.20Vokuvana vaRubheni, mwanakomana wedangwe waIsiraeri navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, mumwe nomumwe, varume vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,21vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaRubheni vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvitanhatu namazana mashanu.22Vokuvana vaSimiyoni, namarudzi avo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vose vakaverengwa kwavari namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,23vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaSimiyoni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvipfumbamwe namazana matatu.24Vokuvana vaGadhi, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vose vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,25vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaGadhi, vakasvika zviuru zvina makumi mana nezvishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.26Vokuvana vaJudha, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,27vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaJudha, vakasvika zviuru zvina makumi manomwe nezvina namazana matanhatu.28Vokuvana vaIsakari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,29vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaIsakari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu namazana mana.30Vokuvana vaZebhuruni, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,31vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaZebhuruni, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvinomwe namazana mashanu.32Vokuvana vaJosefa, ivo vana vaEfuremu, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri, vose vaigona kundorwa,33vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaEfuremu, vakasvika zviuru zvina makumi mana namazana mashanu.34Vokuvana vaManase, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,35vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaManase, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezviviri namazana maviri.36Vokuvana vaBhenjamini, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,37vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaBhenjamini, vakasvika zviuru zvina makumi matatu nezvishanu namazana mana.38Vokuvana vaDhani, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,39vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaDhani, vakasvika zviuru zvina makumi matanhatu namazana manomwe.40Vokuvana vaAsheri, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,41vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaAsheri, vakasvika zviuru zvina makumi mana nechiuru chimwe, namazana mashanu.42Vokuvana vaNafutari, navana vavo, vakaverengwa mhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, namazita avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa,43vakaverengwa kwavari, vorudzi rwaNafutari, vakasvika zviuru zvina makumi mashanu nezvitatu namazana mana.44Ndivo vakaverengwa, vakaverengwa naMozisi naAroni, namachinda avaIsiraeri, vaiva varume vane gumi navaviri, mumwe nomumwe panzvimbo yeimba yababa vake.45Naizvozvo vose vakaverengwa vavana vaIsiraeri nedzimba dzamadzibaba avo, vakanga vana makore makumi maviri navanopfuura, vose vaigona kundorwa pakati pavaIsiraeri,46vose vakaverengwa vakasvika zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu.47Asi vaRevhi, norudzi rwamadzibaba avo, havana kuverengwa pakati pavo.48Nokuti Jehovha akanga ataura naMozisi akati,49"Asi vorudzi rwaRevhi voga usavaverenga, usavaverengera pakati pavana vaIsiraeri,50asi vaRevhi uvagadze, vave varitariri vetabhenakeri yechipupuriro, nenhumbi dzayo dzose, nezvose zvayo; ndivo vanofanira kutakura tabhenakeri, nenhumbi dzayo dzose, nekushumirapo, nokukomba tabhenakeri nemisasa yavo.51Zvino kana tabhenakeri ichipfuura mberi, vaRevhi ndivo vanofanira kuibvisa; uye kana tabhenakeri ichidzikwazve, vaRevhi ndivo vanofanira kuivaka; munhu asina kufanira anoswederako, anofanira kuurawa.52Vana vaIsiraeri vanofanira kudzika matende avo, mumwe nomumwe pamisasa yovokwake, mumwe nomumwe pamureza wovokwake, vachiita mapoka avo.53Asi vaRevhi vanofanira kudzika matende avo vachikomba tabhenakeri yechipupuriro, kuti rudzi rwavana vaIsiraeri rurege kutsamwirwa; vaRevhi vanofanira kubata mabasa etabhenakeri yechipupuriro."54Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi sezvaakarairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.Shona Bible 2009 Copyrighted: No Info 2009 Shona Bible 2009 Numeri 1 00:00:00 00:00:00 0.5x 2.0x https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/numbers/001.mp3 36 1