× Mutauro Europe Russian Beraruzi Ukraine Polish Sebhiya Bulgarian Slovakian Czech Romanian Moldova Azabhaijani Armenian Georgian Albanian Avar Bhashkir Tatar Chechen Slovanian Croatian Estonian Latvian Ritunia Hungarian Finish Norwegian Swedish Icelandic Giriki Macedonian Jerimani Bavarian Dutch Danish Welsh Gaelic Irish French Basque Katarani Italian Galacian Romani Bosnian North America Rungu South America Spanish Putukezi Guarani Quechuan Aymara Central America Jamaican Nahuatl Kiche Qeqchi Haitian East Asia Chinese Japanese Korean Mongoria Ugwa Hmong Maodzanyemba Kumabvazuva kweAsia Malaysian Burmese Chin Nepali Cebuano Tagalog Cambodian Thai Indonesian Vietnamese Javanese Lao Iban IuMien Kachin Lahu Aceh Balinese Bugis Pampanga Sasak Shan Waray Maodzanyemba eAsia Hindi Оdia Awadhi Mizo Kannada Malayalam Marati Gujarati Tamil Telugu Punjabi Kurukh Assamese Maithili Bengali Urdu Sinhala Dogri Haryanvi Meitei Konkani Santali Sindhi Koya Thado Sanskrit Devanagari Adilabad Gondi Ahirani Balo Bundeli Chhattisgarhi Garhwali Kangri Kumaoni Mewari Munda Sadri Seraiki Shekhawati Sylheti Central Asia Kiyagizi Uzbek Tajik Teki Khazakisitani Karakalpak Middle East Turkish Hebhuru Arabic Persian Kedhi Pashito Coptic Africa Afrikaans Xhosa Zulu Ndebele Sotho Amharic Wolaytta Nigerian Mossi Ika Dinka Kabyle Ewe Swahili Moroko Somalian Shona Madhagasika Igbo Lingala Baoule Siswati Tsonga Tswana Gambian Yoruba Kamba Kinyarwanda Hausa Chewa Luo Makua Dyula Fulfulde Kalenjin Kikuyu Kikwango Kirundi Krio Nigerian Pidgin Oromo Tshiluba Tshivenda Twi Umbundu Lugbara Luguru Pular Gussi Maasai Turkana Moba Nuer Shilluk Tamasheq Makonde Bemba Fon Hadiyya Ibibio Kimbundu Kimiiru Lango Liberian Kreyol Lomwe Mende Morisyen Ndau Nyankole Sena Sidamo Soga Songe Sukuma Tarifit Teso Tiv Zande Dagbani Australia Nyika Nyuzirendi Papa Nyu Gini Mitauro Yekare Aramaiki Ratini Esiperando 1 1 1 2009 2009Common SCLB 2008Contemporary BDSC 2005Union 2002Doke 19491 1 1 John GenesisiEkisodhoRevhitikoNumeriDheuteronomioJoshuaVatongiRute1 Samueri2 Samueri1 Madzimambo2 Madzimambo1 Makoronike2 MakoronikeEziraNehemiaEsteriJobhoMapisaremaZvirevoMuparidziRwiyo rwaSoromoniIsayaJeremiyaMariroEzekieriDhanyeriHosiyaJoeriAmosiObhadhiyaJonaMikaNahumiHabhakukiZefaniyaHagaiZekariaMaraki--- --- ---MateuMakoRukaJohnMabasaVaRoma1 VaKorinte2 VaKorinteVaGaratiyaVaEfesoVaFiripiVaKorose1 VaTesaronika2 VaTesaronika1 Timoti2 TimotiTitoFirimoniVaHebheruJames1 Petro2 Petro1 Johani2 Johani3 JohaniJudhaZvakazarurwa1 1 1 1 1234567891011121314151617181920211 1 1 : 1 1234567891011121314151617181920212223242526272829303132333435363738394041424344454647484950511 1 1 Shona Bible 2009 John 1 Sevha Zvinyorwa 1Pakutanga Shoko wakanga aripo, Shoko wakanga anaMwari, Shoko wakanga ari Mwari.2Iyeyu wakanga anaMwari pakutanga.3Zvinhu zvose zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kunyange chinhu chimwe chakaitwa.4Upenyu bwaiva maari: upenyu bwaiva chiedza chavanhu,5nechiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kuchigamuchira.6Kwakanga kunomunhu wakatumwa kubva kunaMwari, zita rake \add richinzi\add* Johwani.7Iye wakavuyira vuchapupu, ape vuchapupu bwechiedza, kuti vose vatende naye.8Uyo wakanga asati ari icho chiedza, \add asi\add* wakatumwa kuzopupura pamusoro pechiedza.9Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe unovuya panyika.10Wakanga ari munyika nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.11Wakavuya kunezvake, asi vokwake havana kumugamuchira.12Asi vose vakamugamuchira, iye wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, kuna ivo vanotenda kuzita rake;13avo vakaberekwa kwete neropa, kana nokuda kwenyama. Kana nokuda komurume, asi naMwari.14Shoko wakazova nyama, akagara pakati pedu, tikavona kubwinya kwake, kubwinya sokowakaberekwa mumwe chete wababa, azere nenyasha nechokwadi.15Johwani akamupupurira, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti; uyu unouya shure kwangu wakavapo mberi kwangu; nokuti wakanditangira.16Nokuti pakuzara kwake isu tose takagamuchira nyasha pamusoro penyasha.17Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakavuya naJesu Kristu.18Hakunomunhu wakatongovona Mwari chero nguva ipi, mwanakomana wakaberekwa mumwe woga, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.19Ubwu ndibwo vuchapupu bwaJohwani, apo vaJudha vakatuma vaprista navaRevhi, kubva Jerusarema kundomubvunza kuti: Iwe ndiwe aniko?20Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, \add achiti\add*: Handizi Kristu.21Vakamubvunza \add vachiti\add*: Asi kudiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi. Ko uri uya muporofita here? Akapindura \add akati\add*: Kwete,22Zvino vakati kwaari: Ndiwe aniko? Kuti tigondopindura vakatituma; unozviti aniko?23Akati: Ini \add ndini\add* inzwi rounodana murenje: Ruramisai nzira yaShe; sezvakarebwa nomuporofita Isaya.24Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarisi,25Vakamubvunza vakati kwaari: Unogobhabhatidzireiko kana iwe usi Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?26Johwani akavapindura achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi;27ndiye unovuya shure kwangu, asi uri mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.28Izvozvi zvakaitika paBhetaniya, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.29Ava mangwana Johwani wakavona Jesu achivuya kwaari, akati: Tarirai, gwayana raMwari, rinobvisa rotakura zvivi zvenyika.30Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunovuya murume, wakavapo mberi kwangu, nokuti wakanditangira.31Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe vaIsraeri, ndizvo zvandakavuyira, ndichibhabhatidza nemvura.32Johwani akapupura, achiti: Ndakavona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.33Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunovona Mweya achiburuka pamusoro pake, nokugara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza noMweya Mutsvene.34Ini ndakavona ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.35Ava mangwanazve Johwani wakanga amire navadzidzi vake vaviri;36akatarisisa Jesu achifamba, akati: Tarirai, gwayana raMwari!37Vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu.38Ipapo Jesu akatendevuka akavavona vachitevera, akati kwavari: Munotswakeiko? Ivo Vakati kwaari: Rabhi (ndokuti Mudzidzisi, kana zvichishandurwa), munogarepiko?39Akati kwavari: Vuyai, muvone. Vakaenda vakandovona kwaaigara, vakagara naye zuva iroro; yakanga iri nguva inenge yegumi.40Mumwe wavaviri, vakanga vanzwa Johwani vakamutevera, vaiva Andiriyasi munun'una waSimoni Petro.41Akatanga kuwana mukoma wake Simoni, akati kwaari: Tawana Mesiasi (ndokuti Kristu, kana zvichishandurwa,)42Akamuisa kunaJesu. Jesu akati amutarira, akati: Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi (ndiko kuti dombo kana zvichishandurwa.)43Ava mangwana Jesu akada kuenda Gariri, akawana Firipi, akati kwaari: Nditevere.44Zvino Firipi wakanga ari weBhetisaidha, guta raAndiriyasi naPetro.45Firipi akawana Nataniyeri, akati kwaari: Tamuwana iye, wakanyorwa zvake naMozisi pamurairo navaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.46Nataniyeri akati kwaari: Kune chinhu chakanaka chingabuda muNazareta here? Firipi akati kwaari: Vuya uvone.47Jesu akavona Nataniyeri achivuya kwaari, akati pamusoro pake: Tarirai, muIsraeri wechokwadi, usinokunyengera maari.48Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi momuvonde, ndakakuvona.49Nataniyeri akapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, ndimwi Mwanakomana waMwari, ndimwi Ishe waIsraeri.50Jesu akapindura, akati kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri, ndakakuvona munyasi momuvonde here? Uchavona zvinhu zvikuru kunaizvozvi.51Akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchavona kudenga kwazarurwa, navatumwa vaMwari vachikwira, nokuburukira pamusoro poMwanakomana womunhu.Shona Bible 2009 Copyrighted: No Info 2009 Shona Bible 2009 John 1 00:00:00 00:00:00 0.5x 2.0x https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/john/001.mp3 21 1