× Mutauro Europe Russian Beraruzi Ukraine Polish Sebhiya Bulgarian Slovakian Czech Romanian Moldova Azabhaijani Armenian Georgian Albanian Avar Bhashkir Tatar Chechen Slovanian Croatian Estonian Latvian Ritunia Hungarian Finish Norwegian Swedish Icelandic Giriki Macedonian Jerimani Bavarian Dutch Danish Welsh Gaelic Irish French Basque Katarani Italian Galacian Romani Bosnian North America Rungu South America Spanish Putukezi Guarani Quechuan Aymara Central America Jamaican Nahuatl Kiche Qeqchi Haitian East Asia Chinese Japanese Korean Mongoria Ugwa Hmong Maodzanyemba Kumabvazuva kweAsia Malaysian Burmese Chin Nepali Cebuano Tagalog Cambodian Thai Indonesian Vietnamese Javanese Lao Iban IuMien Kachin Lahu Aceh Balinese Bugis Pampanga Sasak Shan Waray Maodzanyemba eAsia Hindi Оdia Awadhi Mizo Kannada Malayalam Marati Gujarati Tamil Telugu Punjabi Kurukh Assamese Maithili Bengali Urdu Sinhala Dogri Haryanvi Meitei Konkani Santali Sindhi Koya Thado Sanskrit Devanagari Adilabad Gondi Ahirani Balo Bundeli Chhattisgarhi Garhwali Kangri Kumaoni Mewari Munda Sadri Seraiki Shekhawati Sylheti Central Asia Kiyagizi Uzbek Tajik Teki Khazakisitani Karakalpak Middle East Turkish Hebhuru Arabic Persian Kedhi Pashito Coptic Africa Afrikaans Xhosa Zulu Ndebele Sotho Amharic Wolaytta Nigerian Mossi Ika Dinka Kabyle Ewe Swahili Moroko Somalian Shona Madhagasika Igbo Lingala Baoule Siswati Tsonga Tswana Gambian Yoruba Kamba Kinyarwanda Hausa Chewa Luo Makua Dyula Fulfulde Kalenjin Kikuyu Kikwango Kirundi Krio Nigerian Pidgin Oromo Tshiluba Tshivenda Twi Umbundu Lugbara Luguru Pular Gussi Maasai Turkana Moba Nuer Shilluk Tamasheq Makonde Bemba Fon Hadiyya Ibibio Kimbundu Kimiiru Lango Liberian Kreyol Lomwe Mende Morisyen Ndau Nyankole Sena Sidamo Soga Songe Sukuma Tarifit Teso Tiv Zande Australia Nyika Nyuzirendi Papa Nyu Gini Mitauro Yekare Aramaiki Ratini Esiperando 1 1 1 Contemporary BDSC 2005 2009Common SCLB 2008Contemporary BDSC 2005Union 2002Doke 19491 1 1 John GenesisiEkisodhoRevhitikoNumeriDheuteronomioJoshuaVatongiRute1 Samueri2 Samueri1 Madzimambo2 Madzimambo1 Makoronike2 MakoronikeEziraNehemiaEsteriJobhoMapisaremaZvirevoMuparidziRwiyo rwaSoromoniIsayaJeremiyaMariroEzekieriDhanyeriHosiyaJoeriAmosiObhadhiyaJonaMikaNahumiHabhakukiZefaniyaHagaiZekariaMaraki--- --- ---MateuMakoRukaJohnMabasaVaRoma1 VaKorinte2 VaKorinteVaGaratiyaVaEfesoVaFiripiVaKorose1 VaTesaronika2 VaTesaronika1 Timoti2 TimotiTitoFirimoniVaHebheruJames1 Petro2 Petro1 Johani2 Johani3 JohaniJudhaZvakazarurwa1 1 1 6 1234567891011121314151617181920211 1 1 : 27 12345678910111213141516171819202122232425262728293031323334353637383940414243444546474849505152535455565758596061626364656667686970711 1 1 Shona Bible (BDSC) 2005 John 6 Sevha Zvinyorwa 1Shure kwaizvozvi, Jesu akayambuka akaenda mhiri kumahombekombe eGungwa reGarirea (ndiro Gungwa reTibheriasi),2uye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere.3Ipapo Jesu akakwira pagomo akagara pasi navadzidzi vake.4Mutambo wavaJudha wePasika wakanga wava pedyo.5Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?”6Akabvunza izvi achida chete kumuedza, nokuti akanga atoziva kare mupfungwa dzake zvaakanga achizoita.7Firipi akamupindura akati, “Mubayiro unoshandirwa kwemwedzi misere haugoni kutenga chingwa chinokwana mumwe nomumwe hake, kuti awane chimedu!”8Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, munun'una waPetro, akati,9“Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?”10Jesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu.11Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove.12Vakati vadya vose, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvose zvasara. Musarega zvichiraswa.”13Saka vakazviunganidza zvikazara matengu gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvebhari zvishanu, zvakanga zvasiyiwa navaya vakanga vadya.14Vanhu vakati vaona chiratidzo chakanga chaitwa naJesu, vakatanga kuti, “Zvirokwazvo uyu ndiye muprofita aifanira kuuya panyika.”15Jesu, akaziva kuti vaida kumumanikidza kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda kugomo ari oga.16Nguva yamadekwana yakati yasvika, vadzidzi vake vakaburuka vakaenda kugungwa,17uko kwavakandopinda mugwa vakasimuka vakayambuka mhiri kwegungwa vakananga kuKapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati ava pavari.18Mhepo ine simba yakanga ichivhuvhuta uye kukava namafungu ane hasha.19Vakati vakwasva igwa kwamakiromita angaita mashanu kana matanhatu, vakaona Jesu achiuya kuigwa, achifamba pamusoro pemvura; uye vakatya zvikuru.20Asi iye akati kwavari, “Ndini; musatya.”21Ipapo vakafara kumugamuchira mugwa; pakarepo igwa rakasvika kumahombekombe kwavakanga vakananga.22Fume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga.23Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe.24Vazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu.25Vakati vamuwana ari mhiri kwegungwa vakamubvunza vakati, “Rabhi, makauya kuno riniko?”26Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta.27Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.”28Ipapo vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko kuti tiite mabasa anodikanwa naMwari?”29Jesu akapindura akati, “Basa raMwari nderiri: kuti mutende kuna iye waakatuma.”30Saka vakamubvunza vakati, “Muchatiradza chiratidzo cheiko chatingaona kuti tigokutendai? Muchaiteiko?31Madzibaba edu akadya mana murenje; sezvazvakanyorwa zvichinzi: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’ ”32Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga.33Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye achipa upenyu kunyika.”34Ivo vakati, “Ishe, kubva zvino zvichienda mberi, tipei chingwa ichi.”35Ipapo Jesu akataura achiti “Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.36Asi sezvandakakuudzai, makandiona uye hamutendi nazvino.37Zvose zvandinopiwa naBaba zvichauya kwandiri, uye ani naani anouya kwandiri handingatongomurasiri kure.38Nokuti ndakaburuka kudenga kuti ndirege kuzoita kuda kwangu asi kuda kwaiye akandituma.39Uye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira.40Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana anokutenda maari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”41Ipapo, vaJudha vakatanga kugunun'una pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.”42Vakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga’?”43Jesu akapindura akati, “Regai kugunun'una pakati penyu.44Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.45Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.46Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba.47Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.48Ndini chingwa choupenyu.49Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa.50Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi.51Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”52Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?”53Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.54Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari.55Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho.56Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari.57Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichararama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu.58Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”59Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume.60Pavakanzwa izvi, vadzidzi vake vazhinji vakati, “Kudzidzisa uku kwakaoma. Ndianiko angakugamuchira?”61Aiziva zvake kuti vadzidzi vake vakanga vachigunun'una pamusoro paizvozvi, Jesu akati kwavari, “Izvi zvinokugumburai here?62Muchaita sei kana mukaona Mwanakomana woMunhu achikwira achienda kwaaimbova kare!63Mweya ndiye anopa upenyu, nyama haina chainobatsira. Mashoko andataura kwamuri ndiwo mweya, uye ane upenyu.64Asi vamwe venyu varipo vasingatendi.” Nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani pakati pavo vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomupandukira.65Akaenderera mberi achiti, “Ndokusaka ndakakuudzai kuti hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge azvipiwa naBaba.”66Kubva panguva iyi vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure uye vakasazomutevera.67Jesu akabvunza vane gumi navaviri akati, “Nemiwo hamusi kuda kuenda here?”68Simoni akati, “Ishe, tichaenda kuna aniko? Imi mune mashoko oupenyu husingaperi.69Tinotenda uye tinoziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”70Ipapo Jesu akati, “Handina kukusarudzai, imi vane gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndidhiabhori!”71Akanga achireva Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti, uyo, kunyange akanga ari mumwe wavane gumi navaviri, aizomupandukira.Shona Bible (BDSC) 2005 Copyright © 2003, 2006, 2017 by Biblica, Inc.® Shona Bible (BDSC) 2005 John 6 00:00:00 00:00:00 0.5x 2.0x https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/john/006.mp3 21 6