× Mutauro Europe Russian Beraruzi Ukraine Polish Sebhiya Bulgarian Slovakian Czech Romanian Moldova Azabhaijani Armenian Georgian Albanian Avar Bhashkir Tatar Chechen Slovanian Croatian Estonian Latvian Ritunia Hungarian Finish Norwegian Swedish Icelandic Giriki Macedonian Jerimani Bavarian Dutch Danish Welsh Gaelic Irish French Basque Katarani Italian Galacian Romani Bosnian North America Rungu South America Spanish Putukezi Guarani Quechuan Aymara Central America Jamaican Nahuatl Kiche Qeqchi Haitian East Asia Chinese Japanese Korean Mongoria Ugwa Hmong Maodzanyemba Kumabvazuva kweAsia Malaysian Burmese Chin Nepali Cebuano Tagalog Cambodian Thai Indonesian Vietnamese Javanese Lao Iban IuMien Kachin Lahu Aceh Balinese Bugis Pampanga Sasak Shan Waray Maodzanyemba eAsia Hindi Оdia Awadhi Mizo Kannada Malayalam Marati Gujarati Tamil Telugu Punjabi Kurukh Assamese Maithili Bengali Urdu Sinhala Dogri Haryanvi Meitei Konkani Santali Sindhi Koya Thado Sanskrit Devanagari Adilabad Gondi Ahirani Balo Bundeli Chhattisgarhi Garhwali Kangri Kumaoni Mewari Munda Sadri Seraiki Shekhawati Sylheti Central Asia Kiyagizi Uzbek Tajik Teki Khazakisitani Karakalpak Middle East Turkish Hebhuru Arabic Persian Kedhi Pashito Coptic Africa Afrikaans Xhosa Zulu Ndebele Sotho Amharic Wolaytta Nigerian Mossi Ika Dinka Kabyle Ewe Swahili Moroko Somalian Shona Madhagasika Igbo Lingala Baoule Siswati Tsonga Tswana Gambian Yoruba Kamba Kinyarwanda Hausa Chewa Luo Makua Dyula Fulfulde Kalenjin Kikuyu Kikwango Kirundi Krio Nigerian Pidgin Oromo Tshiluba Tshivenda Twi Umbundu Lugbara Luguru Pular Gussi Maasai Turkana Moba Nuer Shilluk Tamasheq Makonde Bemba Fon Hadiyya Ibibio Kimbundu Kimiiru Lango Liberian Kreyol Lomwe Mende Morisyen Ndau Nyankole Sena Sidamo Soga Songe Sukuma Tarifit Teso Tiv Zande Australia Nyika Nyuzirendi Papa Nyu Gini Mitauro Yekare Aramaiki Ratini Esiperando 1 1 1 Common SCLB 2008 2009Common SCLB 2008Contemporary BDSC 2005Union 2002Doke 19491 1 1 Mapisarema GenesisiEkisodhoRevhitikoNumeriDheuteronomioJoshuaVatongiRute1 Samueri2 Samueri1 Madzimambo2 Madzimambo1 Makoronike2 MakoronikeEziraNehemiaEsteriJobhoMapisaremaZvirevoMuparidziRwiyo rwaSoromoniIsayaJeremiyaMariroEzekieriDhanyeriHosiyaJoeriAmosiObhadhiyaJonaMikaNahumiHabhakukiZefaniyaHagaiZekariaMaraki--- --- ---MateuMakoRukaJohnMabasaVaRoma1 VaKorinte2 VaKorinteVaGaratiyaVaEfesoVaFiripiVaKorose1 VaTesaronika2 VaTesaronika1 Timoti2 TimotiTitoFirimoniVaHebheruJames1 Petro2 Petro1 Johani2 Johani3 JohaniJudhaZvakazarurwa1 1 1 106 1234567891011121314151617181920212223242526272829303132333435363738394041424344454647484950515253545556575859606162636465666768697071727374757677787980818283848586878889909192939495969798991001011021031041051061071081091101111121131141151161171181191201211221231241251261271281291301311321331341351361371381391401411421431441451461471481491501 1 1 : 1 1234567891011121314151617181920212223242526272829303132333435363738394041424344454647481 1 1 Shona Bible SCLB Mapisarema 106 Sevha Zvinyorwa 1Areruya. Tendai TENZI nokuti wakanaka nokuti mwoyochena wake hauperi.2Ndiani angataure mabasa aTENZI esimba kana angaparidze mukurumbira wake?3Vakakomborerwa zvavo vanoita zvino ruenzaniso; vanoita zvakarurama nguva dzose.4Ndiyeukeiwo TENZI pamunoratidza vanhu venyu kuvada kwenyu. Ndiyamureiwo pamunovanunura5kuti ndiwanewo kubudirira kwavasarudzwi venyu kuti ndifarewo panofara vanhu venyu. Ndigopemberawo nenhaka yenyu.6Asi pamwechete namadzibaba edu takatadza. Takaita zvakaipa takaita zvisakarurama.7Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti havana kurangarira mabasa enyu anoshamisa. Havana kuyeuka kuita mwoyochena kwenyu kwakawanda asi vakatopandukira Wokumusorosoro paGungwa Dzvuku.8Zvakadaro zvazvo akavanunura pamusana pezita rake kuti aratidze simba rake guru.9Akakarira Gungwa Dzvuku rikava napakaoma; akavatungamirira napakadzika sokunge vaiva mugwenga.10Nokudaro akavanunura mumaoko omuvengi akavaponesa kusimba remhandu.11Mvura yakafukidza vaivarwisa hakuna kana mumwechete wavo akasara.12Ndipo pavakatenda mazwi ake vakaimba vachimurumbidza.13Asi havana kutana kukanganwa mabasa ake; havana kumirira mazano ake.14Asi vakaita makaro murenje, vakaedza Mwari mugwenga.15Akavapa zvavakakumbira asi akavatumira denda rinoparadza.16Vanhu pavakaitira Mosesi shanje pamatendhe naAroni mutsvene waTENZI.17Nyika yakabamuka ikamedza Dhatani ikafukidza vechikwata chokwaAbhiramu.18Moto wakabaka muchikwata chavo; rimi romoto rikapisa vakaipa.19Vakaumba chimhuru kuHorebhu vakagwadamira chifananidzo chakaumbwa.20Mbiri yavaifanira kupa Mwari vakaipa kuchifananidzo chemombe inodya uswa.21Vakakanganwa Mwari mununuri wavo akaita zvinhu zvikuru muIjipiti,22mabasa anoshamisa munyika yaHamu uye zvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.23Naizvozvo akati regai ndivaparadze pasina kuti Mosesi musarudzwi wake, akatovamiririra pamberi pake kuti adzore hasha dzake arege kuvaparadza.24Vakazvidza nyika yakanaka vasina chivimbo nezvaakatsidzira.25Vakanyunyuta mumatendhe avo havana kuteerera izwi raTENZI.26Nezvo akasimudza ruoko rwake akapika kuti vachatofira murenje imomo27uye kuti achamwararisa zvizukuru zvavo mukati mevechirudzi achivaita rumwe rumwe mudzinyika.28Vakazvibatanidza naBhaari wokuPeori vakadya zvibayiro zvakapirwa vakafa.29Vakavirutsa Mwari nehasha nezviito zvavo; denda rakamuka pakati pavo.30Fineasi ndiye akatozoipindira nyaya yacho, denda rikabva ramiswa.31Izvozvo zvakaita kuti anzi mururami pachizvarwa nechizvarwa nokusingaperi.32Vakamushatirisa paya pamvura yokuMeribha zvikaipira Mosesi nokuda kwavo33nokuti vakamusvibisa mwoyo akataura zvisina maturo nomuromo wake.34Havana kuparadza marudzi avanhu sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTENZI35asi vakavhengana namarudzi vakadzidza kuita zvavanoita.36Vakanamata zvifananidzo zvavo zvikava musungo kwavari37vakaita vana vavo vakomana navasikana chibayiro kumweya yakaipa.38Vakadeura ropa risina mhaka ropa ravanakomana vavo navanasikana vavo vavakapira kuzvifananidzo zvomuKenani nyika ikan'oreswa neropa.39Naizvozvo vakan'oreswa nezviito zvavo; vakaita unzenza nokuita kwavo.40Nezvowo TENZI akavirukira vanhu vake nehasha akavenga nhaka yake.41Akavaisa mumaoko evechirudzi zvokuti vaivavenga vakavatonga.42Vavengi vavo vakavadzvanyirira, vakapinda uranda pasi pavo.43Akavanunura kazhinji asi ivo zvavaironga ndezvokupanduka bedzi, vakadzikira kwazvo pamusana pouipi hwavo.44Asi aiona nhamo yavo paakanzwa kuchema kwavo.45Akarangarira chitenderano chake navo achitoitira zvake ivo, akadzora mwoyo pamusana pokuwanda kwemwoyochena wake.46Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakanga vavatapa.47Tinunureiwo TENZI Mwari wedu mutikokorodze kumarudzi kuitira kuti titende zita renyu rinoera tifare nomukurumbira wenyu.48TENZI Mwari waIsiraeri ngaarumbidzwe narini narini vanhu vose ngavati, “Ameni.” Areruya.Shona Bible SCLB Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 Shona Bible SCLB Mapisarema 106 00:00:00 00:00:00 0.5x 2.0x https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/106.mp3 150 106