× Mutauro Europe Russian Beraruzi Ukraine Polish Sebhiya Bulgarian Slovakian Czech Romanian Moldova Azabhaijani Armenian Georgian Albanian Avar Bhashkir Tatar Chechen Slovanian Croatian Estonian Latvian Ritunia Hungarian Finish Norwegian Swedish Icelandic Giriki Macedonian Jerimani Bavarian Dutch Danish Welsh Gaelic Irish French Basque Katarani Italian Galacian Romani Bosnian North America Rungu South America Spanish Putukezi Guarani Quechuan Aymara Central America Jamaican Nahuatl Kiche Qeqchi Haitian East Asia Chinese Japanese Korean Mongoria Ugwa Hmong Maodzanyemba Kumabvazuva kweAsia Malaysian Burmese Chin Nepali Cebuano Tagalog Cambodian Thai Indonesian Vietnamese Javanese Lao Iban IuMien Kachin Lahu Aceh Balinese Bugis Pampanga Sasak Shan Waray Maodzanyemba eAsia Hindi Оdia Awadhi Mizo Kannada Malayalam Marati Gujarati Tamil Telugu Punjabi Kurukh Assamese Maithili Bengali Urdu Sinhala Dogri Haryanvi Meitei Konkani Santali Sindhi Koya Thado Sanskrit Devanagari Adilabad Gondi Ahirani Balo Bundeli Chhattisgarhi Garhwali Kangri Kumaoni Mewari Munda Sadri Seraiki Shekhawati Sylheti Central Asia Kiyagizi Uzbek Tajik Teki Khazakisitani Karakalpak Middle East Turkish Hebhuru Arabic Persian Kedhi Pashito Coptic Africa Afrikaans Xhosa Zulu Ndebele Sotho Amharic Wolaytta Nigerian Mossi Ika Dinka Kabyle Ewe Swahili Moroko Somalian Shona Madhagasika Igbo Lingala Baoule Siswati Tsonga Tswana Gambian Yoruba Kamba Kinyarwanda Hausa Chewa Luo Makua Dyula Fulfulde Kalenjin Kikuyu Kikwango Kirundi Krio Nigerian Pidgin Oromo Tshiluba Tshivenda Twi Umbundu Lugbara Luguru Pular Gussi Maasai Turkana Moba Nuer Shilluk Tamasheq Makonde Bemba Fon Hadiyya Ibibio Kimbundu Kimiiru Lango Liberian Kreyol Lomwe Mende Morisyen Ndau Nyankole Sena Sidamo Soga Songe Sukuma Tarifit Teso Tiv Zande Australia Nyika Nyuzirendi Papa Nyu Gini Mitauro Yekare Aramaiki Ratini Esiperando 1 1 1 Common SCLB 2008 2009Common SCLB 2008Contemporary BDSC 2005Union 2002Doke 19491 1 1 2 VaKorinte GenesisiEkisodhoRevhitikoNumeriDheuteronomioJoshuaVatongiRute1 Samueri2 Samueri1 Madzimambo2 Madzimambo1 Makoronike2 MakoronikeEziraNehemiaEsteriJobhoMapisaremaZvirevoMuparidziRwiyo rwaSoromoniIsayaJeremiyaMariroEzekieriDhanyeriHosiyaJoeriAmosiObhadhiyaJonaMikaNahumiHabhakukiZefaniyaHagaiZekariaMaraki--- --- ---MateuMakoRukaJohnMabasaVaRoma1 VaKorinte2 VaKorinteVaGaratiyaVaEfesoVaFiripiVaKorose1 VaTesaronika2 VaTesaronika1 Timoti2 TimotiTitoFirimoniVaHebheruJames1 Petro2 Petro1 Johani2 Johani3 JohaniJudhaZvakazarurwa1 1 1 1 123456789101112131 1 1 : 1 1234567891011121314151617181920212223241 1 1 Shona Bible SCLB 2 VaKorinte 1 Sevha Zvinyorwa 1Ndini Pauro mupositori waKristu Jesu, ndakasarudzwa naMwari, ndinokunyorerai ini nehama yedu Timoti, imi vesangano raMwari riri kuKorinde pamwechete navatsvene vose vari muAkaya yose ndichiti2Mwari Baba wedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare.3Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose,4anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari.5Nokuti sokubatana zvakanyanya kwazvo kwatinoita naKristu mumatambudziko ake saizvozvowo nokuna Kristu tinonyaradzwawo zvikuru kwazvo.6Kana isu tichitambudzika, ndimi vatinotambudzikira kuti munyaradzwe nokuponeswa. Kana tikanyaradzwa imi munobva mawana kunyaradzwawo kwamunonzwa kana muchitirira nemwoyo murefu matambudziko mamwechetewo atinotambudzika.7Chivimbo chedu mamuri hachizunguzuki nokuti tinoziva kuti sokubatana kwatinoita nemi mumatambudziko edu, muchanyaradzwawo pamwechete nesu.8Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku.9Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa.10Akatinunura munyatwa yorufu uye achatinunura. Chivimbo chedu chiri maari chokuti achatinunurazve.11Imi mukatibatsirawo neminamato yenyu, vazhinji vachatenda nezvikomborero zvatinenge tapiwa pamusana peminamato yavazhinji yatinenge taitirwa.12Chatinodada nacho uye chinopupurwawo nehana yedu ndechichi chokuti takagarisana navamwe zvakanaka panyika asi zvikuru nemi, tiri vatsvene nokuva pachokwadi chaMwari. Hatina kuzviita noungwaru hwapasi pano asi nenyasha dzaMwari.13Hatikunyorerei zvamusingakwanisi kuverenga nokunzwisisa. Ndinotarisira kuti muchanyatsonzwisisa,14sokutinzwisisa kwamunoita zvishoma kuti munogonawo kudada nesu sokudadawo kwatinoita nemi pazuva raTenzi Jesu.15Ndaiva nechokwadi chaicho nazvo zvokuti ndakanga ndatoronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti muve norufaro rwakapetwa kaviri.16Ndaida kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia uye pakudzoka kwangu kuMasedhonia kuti mundibatsire parwendo rwangu kuJudhea.17Pandaironga izvozvi ndaisandukasanduka here? Ndinoronga zvinhu zvangu mukungozvifunga somunhu, ndichigona kuti, “Hungu” “Nakwete” panguva imwecheteyo here?18NaMwari chaiye akatendeka, shoko redu kwamuri harina kunge riri hungu nakwete,19nokuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari watakaparidza pakati penyu, ini naSirivhanusi naTimoti, akanga asiri hungu nakwete. Maari maingova nahungu.20Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari zvinowana hungu wazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, “Ameni” nemaari kuti Mwari arumbidzwe.21Mwari ndiye anoita kuti isu nemi tive nechokwadi muupenyu hwedu muna Kristu akatiita vaKristu.22Akaisa rupawo rwake patiri akatipa Mweya wake mumwoyo medu sorubatso.23Mwari ngaandipupurire kuti chandakaregerera kuuya kuKorinde kwaiva kuti ndirege kukunetsai.24Hatisi kukuudzai zvamunofanira kutenda asi tinoshanda pamwechete kuti muve norufaro nokuda kokuti mumire makasimba muchitendero chenyu.Shona Bible SCLB Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008 Shona Bible SCLB 2 VaKorinte 1 00:00:00 00:00:00 0.5x 2.0x https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/2corinthians/001.mp3 13 1