Bhaibheri mune rimwe gore Gumiguru 10Jeremiya 5:1-311. Mhanyai kwose‐kwose panzira dzomuguta reJerusarema, muʋone ɀino, muziʋe, mutȿake pamigwagwa mikuru yaro, kana muŋgawana munhu, kana ari’po, unoita ɀakarurama, unotȿaka ɀokwaɗi; ipapo ndicarikaŋganwira.2. Kunyaŋge ʋaciti haʋo: NaJehova mupenyu, ɀirokwaɀo ʋanopika nhema.3. Haiwa Jehova, meso enyu haazinotȿaka ɀokwaɗi here? Makaʋaroʋa, asi haʋana‐kunzwa kurwadziwa; makaʋapedza, asi ʋakaramba kurairwa; ʋakawomesa ɀiso ɀaʋo kupfuʋura ɗombo, ʋakaramba kudzoka.4. Ipapo ndikati: Ɀirokwaɀo, aʋa ʋarombo, mapenzi, nokuti haʋaziʋi nzira yaJehova, kana murairo waMŋari waʋo.5. Ndicaenda kuʋakuru, ndicataura naʋo; nokuti iʋo ʋanoziʋa nzira yaJehova, nomurairo waMŋari waʋo. Asi aʋa ʋose pamŋe cete ʋakaputsa joko, ʋakaɗambura ɀisuŋgo.6. Saka shumba inobva kuɗondo, icaʋaʋuraya, ɓere rokumarenje ricaʋaparadza, iŋgwe icaʋandira maguta aʋo, mumŋe nomumŋe, unoɓuɗa’mo, ucabvamburwa; nokuti kuɗarika kwaʋo kuzhinji, nokudzokera kwaʋo kwawedzerwa.7. Ndiŋgakukaŋganwira seiko? Ʋana ʋako ʋakandirasha, ʋakapika naʋasati ʋari ʋamŋari. Ŋguʋa yandakaʋagutsa kwaɀo, ʋakapombora, ʋakaʋuŋganira padzimba dzeɀifeʋe ʋaciita mapoka.8. Ʋakaŋga ʋakaita samabiza akagutswa, anoŋgoɀifambira; mumŋe nomumŋe wakaɗana mukadzi wowokwake.9. Ko handiŋgaroʋi pamsoro peɀinhu iɀi here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; Ko mŋeya waŋgu hauŋgaɀitsiʋiri parudzi rwakaɗai here?10. Kwirai pamaȿiŋgo aro, muparadze; asi musapedza cose; bvisai mataʋi aro, nokuti haazi aJehova.11. Nokuti imba yaIsraeri neimba yaJuda ʋakaita nokunyeŋgera kukuru kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.12. Ʋakaramba Jehova, ʋakati: Haazi iye; hakunecakaipa ciŋgatiwira, hatiŋgaʋoni munondo kana nzara;13. ʋaprofita ʋacashanduka mhepo, shoko raJehova harizi maʋari; ŋgaʋaitirwe saiɀoɀo.14. Naiɀoɀo ɀanzi naJehova, Mŋari wehondo: Ɀamunotaura shoko iri, tarirai, ndicaita mashoko aŋgu aʋe mŋoto mumiromo yenyu, naʋanhu aʋa ʋaʋe huni, ʋapedzwe nawo.15. Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaʋuyisa pamsoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsraeri; rudzi runesimba, rudzi rwakare‐kare, rudzi rwamusiŋgaziʋi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa ɀaʋanotaura.16. Goɓa raʋo bgiro bgakashama, ʋose ʋanhu ʋanesimba.17. Ʋacadya ɀamakakohwa neɀokudya ɀenyu ɀaifanira kudyiwa naʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu; ʋacadya makwai enyu neŋombe dzenyu; ʋacadya mizambiriŋga yenyu nemiʋonde yenyu; ʋacaputsira pasi neminondo maguta enyu akakomberedzwa, amaiʋimba nawo.18. Asi ɀanzi naJehova: Kunyaŋge napamazuʋa iwayo handiŋgakupedziyi cose.19. Ɀino kana muciŋge moti: Ko Jehova Mŋari weɗu wakatiitirei iɀeɀi ɀose? Ipapo uti kwaʋari: Seɀamakandirasha ini, mukashumira ʋamŋe ʋamŋari panyika yenyu, saiɀoɀo mucashumira ʋatorwa panyika isati iri yenyu.20. Taurai iɀoɀi paimba yaJakobo, muɀiparidzire paJuda, muciti:21. Ɀino cinzwai iɀoɀi, imi ʋanhu mapenzi, musinenjere; munameso, asi hamuʋoni, munenzeʋe, asi hamunzwi:22. Ɀanzi naJehova: Hamundityi here? Hamuɗeɗeri pamberi paŋgu here, ini ndakaisa jeca riʋe muganho weguŋgwa, ndikatema cireʋo cisiŋgaperi kuti rirege kuudarika? Ɀino kunyaŋge mafuŋgu aro acipeŋga, haaŋgakundi, kunyaŋge akaʋirima, haaŋgaɗariki.23. Asi ʋanhu aʋa ʋanomŋoyo wakasindimara unoramba kunzwa; ʋakatsauka, ndokuenda.24. Haʋati mumŋoyo yaʋo: Ɀino ŋgatitye Jehova Mŋari weɗu, unotipa paŋguʋa yaɀo mvura yokutaŋga neyokupedzisira, iye unoticeŋgetera maviki akatarwa okukohwa.25. Ɀakaipa ɀenyu ɀakatsausa iɀoɀi, kutadza kwenyu kwakadziʋisa kuti ɀinhu ɀakanaka ɀirege kuʋuya kwamuri.26. Nokuti ʋanhu ʋakaipa ʋari’po pakati paʋanhu ʋaŋgu; ʋanorindira, saʋanogarira shiri; ʋanoteya misuŋgo, ʋanoɓata ʋanhu.27. Seɗendere, rizere neshiri, saiɀoɀo dzimba dzaʋo dzizere nokunyeŋgera; nemhaka iyo ʋakura, ʋafuma.28. Ʋakora, ʋanobginya; ɀirokwaɀo ʋanokurira ʋamŋe namaɓasa akaipa; haʋatambi mhaka, iyo mhaka yenherera, kuti ʋagare ɀakanaka; haʋaruramisiri ʋanoshaiwa.29. Ko handiŋgaroʋi pamsoro peɀinhu iɀi here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ko mŋeya waŋgu hauŋgaɀitsiʋiri parudzi rwakaɗai here?30. Cinhu cinoshamisa cinosemesa cakaitwa panyika ino;31. ʋaprofita ʋanoprofita nhema, naʋaprista ʋanoɓata ʋushe ʋacirairwa naʋo; asi ʋanhu ʋaŋgu ʋanofarira iɀoɀo; ɀino pakupedzisira kwaɀo mucaiteiko?Jeremiya 6:1-301. Tizai, imi ʋana ʋaBenjamini, ibvai pakati peJerusarema, muridze hwamanda paTekoa, mumutse ciratidzo paBeti‐hakeremi; nokuti ɀakaipa ɀinoʋaʋarira ɀiri kurutiʋi rwokumsoro, nokuparadza kukuru.2. Ndicabvisa mukunda weZioni, iye wakanaka, unoʋuneŋgwe.3. Ʋafudzi ʋacaenda kwariri ʋanamapoka aʋo; ʋacaridzikira matente aʋo kumatiʋi ose, mumŋe nomumŋe ucafura panɀimbo yake.4. Ɀigadzirei kundorwa naro; simukai, tiende masikati. Tinenhamo, nokuti zuʋa roʋira, nokuti mimvuri yamaɗekwana yareɓa.5. Simukai, tiende ʋusiku, tindoparadza dzimba dzamadzimambo aro.6. Nokuti ɀakanzi naJehova wehondo: Temai miti, mututire Jerusarema murwi wokurwa nawo; ndiro guta rinofanira kurobga, mukati maro munoŋgoʋa nokumanikidza ɓedzi.7. Tsime seɀarinoɓuɗisa mvura yaro, saiɀoɀo rinoɓuɗisa ɀakaipa ɀaro; kuita nesimba nokuparadza ndiɀo ɀinonzwika mukati maro, pamberi paŋgu panoŋgoʋa nokurwara namaʋaŋga ŋguʋa dzose.8. Tenda kuraŋgwa, iwe Jerusarema, kuti mŋeya waŋgu urege kuparadzana newe, ndirege kukuita ɗoŋgo, nyika isiŋgagari ʋanhu.9. Ɀanzi naJehova wehondo: Ʋacatanha cose ɀakasara ɀaIsraeri, somuzambiriŋga; dzoserai ɀe ruʋoko rwenyu mumateŋgu, seɀinoita mutanhi wemizambiriŋga.10. Ndicataura nani nokuʋapupurira ʋanzwe? Tarirai, nzeʋe dzaʋo hadzina‐kudziŋgiswa, haʋagoni kunzwa; tarirai, shoko raJehova raʋa kwaʋari cinhu cinoɗaɗirwa, haʋarifariri.11. Naiɀoɀo ndizere nokutsamŋa kwaJehova, ndaneta kuɀidzora; cikuɗururai pamsoro paʋana ʋari munzira dzomuguta, napamsoro peʋuŋgano yamajaya; nokuti murume nomukadzi ʋacaɓatwa pamŋe cete, nomutana pamŋe cete nowaʋa namazuʋa mazhinji.12. Dzimba dzaʋo dzicapiwa ʋamŋe, minda yaʋo pamŋe cete naʋakadzi ʋaʋo; nokuti ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro paʋagere panyika — ndiɀo ɀinotaura Jehova.13. Nokuti kubva kuʋaɗuku pakati paʋo kuȿikira kuʋakuru pakati paʋo mumŋe nomumŋe unokarira fuma; ʋuye kubva kuʋaprofita kuȿikira kuʋaprista mumŋe nomumŋe unoita nokunyeŋgera.14. Ʋakaŋgopodza ʋaŋga raʋanhu ʋaŋgu ɀishoma ʋaciti: Rugare, rugare! iɀo hakunorugare.15. Ko ʋakanyadziswa ŋguʋa yaʋakaita ɀinonyaŋgadza here? Kwete haʋana‐kutoŋgonyara, ʋakakoniwa kuceneruka; naiɀoɀo ʋacawa pakati paʋanowa, paŋguʋa yandinoʋaroʋa ʋacagumburwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.16. Ɀanzi naJehova: Mirai panzira, muʋone; bvunzai nzira dzakare, kuti nzira yakanaka ndeipi; mufambe mairi, mugowanira mŋeya yenyu zororo; asi ʋakati: Hatiɗi kufamba mairi.17. Ndakagadza nharirire kukurindirai, ndikati: Tererai inzwi rehwamanda; asi iʋo ʋakati: Hatiɗi kuterera.18. Naiɀoɀo inzwai, imi marudzi, newe ʋuŋgano, muziʋe ɀiri pakati paʋo.19. Inzwa, iwe nyika, tarira, ndini ndinoʋuyisira ʋanhu aʋa ɀakaipa, iɀo ɀiɓereko ɀemifuŋgo yaʋo, nokuti haʋana‐kuterera mashoko aŋgu; kana uri murairo waŋgu, ʋakauramba.20. Ko ɀinonhuwira ɀinoʋuyirei kwandiri ɀicibva Sheba, nekaramusi inobva kunyika iri kure? Ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa handiɀiɗi, neɀiɓayiro ɀenyu haɀindifadzi.21. Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaisira ʋanhu aʋa ɀigumbuso, madziɓaɓa naʋanakomana ʋaʋo ʋacagumbuswa naɀo pamŋe cete; munhu neshamŋari yake ʋacaparara pamŋe cete.22. Ɀanzi naJehova: Tarirai, ʋanhu ʋacabva kunyika yokumsoro, rudzi rukuru rucamutswa, rucibva kumigumo yenyika.23. Ʋakaɓata ʋuta nepfumo, ʋanehasha haʋanenyasha; inzwi raʋo rinotinhira seguŋgwa; ʋanotaȿa mabiza, mumŋe nomumŋe wakaɀigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZioni.24. Takanzwa guhu raɀo, maʋoko eɗu oshaiwa simba, taɓatwa nokutambudzika, nokurwadziwa sokwomukadzi unosurumuka.25. Regai kuɓuɗira kuɓundo, kana kufamba nenzira; nokuti munondo womuʋeŋgi neɀinotyisa ɀiri kumatiʋi ose.26. Haiwa, mukunda waʋanhu ʋaŋgu, ɀisuŋge ciʋuno namakudza, uʋumburuke mumaɗota; cema, somunhu unocema mŋanakomana wake mumŋe cete, nokucema kukuru kwaɀo; nokuti muparadzi ucatiwira pakarepo.27. Ndakakuita mushori nenhare pakati paʋanhu ʋaŋgu, kuti uziʋe nokuidza nzira yaʋo.28. Ʋose ʋaʋo ʋamukiri ʋakaiȿo‐ipa, ʋanoŋgofamba‐famba ʋaciita makuhwa; indarira neɗare, ʋanoita ɀakashata ʋose.29. Mvuto inovutira kwaɀo, mutobvu wapera nomŋoto, ʋanoramba ʋacinatsa pasina, nokuti ʋakaipa haʋabviswi.30. Ʋacanzi sirveri yakarashwa, nokuti Jehova wakaʋaramba.Mapisarema 117:1-21. Rumbidzai Jehova, imi ndudzi dzose dzaʋanhu; Mukudzei, imi ʋanhu ʋose.2. Nokuti ŋgoni dzake kwatiri ihuru; Kutendeka kwaJehova kunogara nokusiŋgaperi. Hareruya!Zvirevo 27:3-43. Ibge rinorema, ʋuye jeca rinorema; Asi kutsamŋa kweɓenzi kunokurira ɀose nokurema.4. Hasha dzinokuʋadza, ʋuye kutsamŋa kunokukura; Asi ndiani uŋgamira pamberi pegoɗo.VaKorose 1:1-291. Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu,2. kuʋatȿene nehama dzakatendeka munaKristu ʋari paKorose: Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu.3. Tinoʋoŋga Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, ŋguʋa dzose kana ticikunyeŋgetererai,4. ɀatakanzwa ɀokutenda kwenyu munaKristu Jesu, noruɗo rwamunarwo kuʋatȿene ʋose,5. pamsoro petariro yamakaceŋgeterwa kuɗeŋga, yamakanzwa kare pashoko reɀokwaɗi reEvaŋgeri;6. iyo yakaȿika kwamuri, seɀa yakaȿika panyika yose ʋo; iciɓereka ɀiɓereko, icikura, seɀa inoita kwamuri ʋo, kubvira pazuʋa ramakanzwa nokuziʋa kwaɀo nyasha dzaMŋari muɀokwaɗi;7. seɀamakadzidza kunaEpafrasi, muranda pamŋe cete nesu, unoɗikanwa, mushumiri wakatendeka waKristu nokuɗa kwenyu,8. iye wakatiʋudza ʋo ɀoruɗo rwenyu muMŋeya.9. Saka nesu ʋo, kubvira pazuʋa ratakanzwa, hatiregi kukunyeŋgetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziʋa kwaɀo kuɗa kwake, pakucenjera nokunzwisisa kwose kwomŋeya;10. kuti mufambe seɀinofanira Ishe, muci mu fadza paɀose, muciɓereka ɀiɓereko pamaɓasa ose akanaka, mucikura pakuziʋa Mŋari kwaɀo;11. mucisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubginya kwake, muʋe nomŋoyo murefu, nomufaro;12. muʋoŋge Ƃaɓa, ʋakatikwanisa kuti tipiwe nhaka yaʋatȿene muciedza;13. ʋakatisunuŋgura pasimba rerima, ʋakatiisa muʋushe bgoMŋanakomana woruɗo rwaʋo;14. watinedzikinuro maari, ndiko kukaŋganwirwa kweɀiʋi ɀeɗu.15. Ndiye mufananidzo waMŋari usiŋgaʋonekwi, ɗaŋgwe reɀisikwa ɀose;16. nokuti maari ɀinhu ɀose ɀakasikwa, ɀiri kuɗeŋga napanyika, ɀinoʋonekwa neɀisiŋgaʋonekwi, kana ɀiri ɀigaro ɀoʋushe, kana ʋushe, kana ʋaɓati, kana masimba; ɀinhu ɀose ɀakasikwa naye, ɀiri’po nokuɗa kwake.17. Ndiye unotaŋgira ɀose, ɀose ɀakaɓatana maari.18. Ndiye musoro womuʋiri, ndiyo kereke; ndiye wokutaŋga, ɗaŋgwe raʋakamuka kuʋakafa; kuti iye aʋe mukuru paɀinhu ɀose.19. Nokuti Ƃaɓa ʋakafara naɀo, kuti kuzara kwose kugare maari,20. kuti naye ayananise ɀinhu ɀose kwaari, amboita rugare neropa romucinjikwa wake; naiye, kunyaŋge ɀiri panyika, kunyaŋge ɀiri kuɗeŋga.21. Nemi ʋo, kare maiʋa ʋaeni naʋaʋeŋgi pakufuŋga kwenyu pamaɓasa enyu akaipa,22. asi ɀino waka ku yananisai pamuʋiri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri ʋatȿene, musinemhoȿa, musiŋgapomerwi,23. kana muciŋgorambira pakutenda, makateyiwa, mumire makasimba, musiŋgabviswi patariro yeEvaŋgeri yamakanzwa, yakaparidzirwa ɀisikwa ɀose pasi pokuɗeŋga; iyo Eʋaŋgeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro.24. Ɀino ndinofara pakutambudzika kwaŋgu nokuɗa kwenyu, ndicizadzisa panyama yaŋgu ɀakasara pamaɗambudziko aKristu, nokuɗa kwomuʋiri wake, iyo kereke;25. iyo yandakaitwa mushumiri wayo seɀandakagoʋerwa naMŋari pamsoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMŋari;26. ndico cakaʋanzika, cakaŋga cakafukidzwa kubvira pakutaŋga kweŋguʋa nendudzi, asi ɀino cakaratidzwa ʋatȿene ʋake;27. kunaiʋo Mŋari waakaɗa kuʋaziʋisa ʋufumi bgokubginya kwecakaʋanzika icoci pakati paʋahedeni, cokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubginya;28. iye watinoparidza isu, ticiraira munhu mumŋe nomumŋe, ticidzidzisa munhu mumŋe nomumŋe noʋucenjeri bgose, kuti tiise munhu mumŋe nomumŋe akakwana munaKristu;29. ndiɀo ɀandinoɓatira ʋo, ndicirwa, ɀiciitwa nokuɓata kwake kunoɓata mukati maŋgu nesimba. Shona Bible 1949 © British and Foreign Bible Society 1949, 2018