|
|
| 1. Mŋeya waShe Jehova uri pamsoro paŋgu; nokuti Jehova wakandizodza kuti ndiparidzire ʋanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape ʋanemŋoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire ʋakatapxa kusunuŋgurwa, nokunaʋakasuŋgwa kuti ʋacazarurirwa; |
| 2. kuti ndiparidze gore reŋgoni dzaJehova, nezuʋa rokutsiʋa raMŋari weɗu; kuti ndinyaradze ʋose ʋanocema; |
| 3. kuti ndigadzirire ʋanocema paZioni ʋapiwe korona panɀimbo yamaɗota, mafuta omufaro panɀimbo yokucema, neŋguʋo yokurumbidza panɀimbo yomŋeya waziya; kuti ʋanzi miti yokururama, cakasimŋa caJehova, kuti iye akudzwe. |
| 4. Ipapo ʋacaʋaka matoŋgo akare, ʋacamutsa ɀe nɀimbo dzakaparadzwa dzokutaŋga, ʋacagadzira maguta akaŋga aitwa matoŋgo, ɀakaparadzwa ɀamarudzi namarudzi. |
| 5. Ʋatorwa ʋacamira ʋacifudza mapoka enyu amakwai, naʋaeni ʋacaʋa ʋarimi ʋenyu naʋagadziri ʋemizambiriŋga yenyu. |
| 6. Asi imi mucanzi ʋaprista ʋaJehova, ʋanhu ʋacakutumidzai ʋashumiri ʋaMŋari weɗu; mucadya fuma yamarudzi aʋanhu, mucaɀirumbidza nokukudzwa kwawo. |
| 7. Panɀimbo yokunyadziswa kwenyu, mucapiwa migoʋe miʋiri; panɀimbo yokushoʋorwa ʋacafarira mugoʋe waʋo; naiɀoɀo panyika yaʋo ʋacaʋa nemigoʋe miʋiri, ʋacaʋa nomufaro usiŋgaperi. |
| 8. Nokuti ini Jehova ndinoɗa ɀakarurama, ndinoʋeŋga kupamba pamŋe cete neɀakaipa; ndicaʋaripira ɀirokwaɀo, ʋuye ndicaita suŋgano isiŋgaperi naʋo. |
| 9. Ʋana ʋaʋo ʋacazikanwa pakati pamarudzi, neɀiɓereko ɀaʋo pakati paʋanhu; ʋose ʋanoʋaʋona ʋacaʋaziʋa, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehova. |
| 10. Ndicafarira Jehova kwaɀo, mŋeya waŋgu ucaʋa nomufaro munaMŋari waŋgu; nokuti wakandifukidza ŋguʋo dzoruponeso, wakandipfekedza cokufuka cokururama, secikomba cinoshoŋga korona, ʋuye somŋeŋga unoɀishoŋgedza noʋukomba bgake. |
| 11. Nokuti nyika seɀainoɓuɗisa miti yayo, nomunda seɀaunomeresa ɀakadɀarwa’mo, saiɀoɀo Ishe Jehova ucameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose. |
|
|
| 1. Nokuɗa kweZioni handiŋgarambi ndinyerere, nokuɗa kweJerusarema handiŋgazorori, kuȿikira kururama kwaro kuciɓuɗa secadzera, nokuponeswa kwaro somŋenje unopfuta. |
| 2. Marudzi aʋanhu acaʋona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; ucatumidzwa zita idɀa, ricarebga nomuromo waJehova. |
| 3. Iwe ucaʋa ʋo korona yakanaka muruʋoko rwaJehova, noʋukomba bgoʋumambo muruʋoko rwaMŋari wako. |
| 4. Haucazonzi, Musiyiwa; nenyika yako haicazonzi Ƌoŋgo; asi iwe ucatumidzwa zita rinonzi Hefziba, nenyika yako Beura; nokuti Jehova unokufarira, nenyika yako icawanikwa. |
| 5. Nokuti jaya seɀarinowana mhandara, saiɀoɀo ʋanakomana ʋako ʋacakuwana; ʋuye cikomba seɀacinofarira mŋeŋga, saiɀoɀo Mŋari wako ucakufarira. |
| 6. Ndakagadza nharirire pamsoro pamaȿiŋgo ako, iwe Jerusarema; haʋaŋgatoŋgonyarari masikati noʋusiku; imi ʋayeʋudziri ʋaJehova, regai kunyarara, |
| 7. ʋuye musamutendera kuzorora, kuȿikira asimbisa iɀoɀo, kuȿikira aita Jerusarema guta rinorumbidzwa panyika. |
| 8. Jehova wakapika noruʋoko rwake rworudyi, ʋuye noruʋoko rwake runesimba, aciti: Ɀirokwaɀo handicazopi ʋaʋeŋgi ʋako ɀiyo ɀako, ɀiʋe ɀokudya ɀaʋo, naʋatorwa haʋacazonwi waini yako itȿa, yawakatamburira; |
| 9. asi ʋakaɀikohwa ndiʋo ʋacaɀidya, ʋacirumbidza Jehova; ʋakaiʋuŋganidza ndiʋo ʋacainwa pamaʋazhe eimba yaŋgu tȿene. |
| 10. Pindai, pindai napamasuʋo, gadzirai nzira yaʋanhu; tutirai, tutirai mugwagwa, bvisai mabge, simudzirai ʋanhu mureza. |
| 11. Tarirai, Jehova wakaparidza shoko kuȿikira kumugumo wenyika, aciti: Ʋudzai mukunda weZioni, muti: Tarira, ruponeso rwako runoʋuya; tarira, muɓairo wake unawo, ɀaanoripira ɀiri pamberi pake. |
| 12. Ʋacaʋatumidza zita rinonzi Ʋanhu ʋatȿene, Ʋakadzikinurwa ʋaJehova; newe ucatumidzwa zita rinonzi Mutȿakwa, Guta risina‐kusiyiwa. |
|
|
| 9. Iwe Israeri, ʋimba naJehova; Ndiye muɓatsiri waʋo nenhoʋo yaʋo. |
| 10. Iwe imba yaAroni, ʋimba naJehova; Ndiye muɓatsiri waʋo nenhoʋo yaʋo. |
| 11. Imi munotya Jehova, ʋimbai naJehova; Ndiye muɓatsiri waʋo nenhoʋo yaʋo. |
| 12. Jehova wakatiraŋgarira; iye ucatiropafadza; Ucaropafadza imba yaIsraeri; Ucaropafadza imba yaAroni. |
| 13. Ucaropafadza ʋanotya Jehova, Ʋaɗuku naʋakuru ʋose. |
|
|
| 24. Muʋeŋgi unonyeŋgedzera nemiromo yake, Asi unoʋanza kunyeŋgedzera mumŋoyo make. |
| 25. Kana acitaura ɀinonaka, usamutenda; Nokuti mumŋoyo make muneɀinonyaŋgadza ɀinomŋe. |
| 26. Kunyaŋge kuʋeŋga kwake kuciɀiʋanza nokunyeŋgedzera, Kushata kwake kucaɓuɗiswa pacena pamberi peʋuŋgano. |
|
|
| 1. Imi ʋana, tererai ʋaɓereki ʋenyu munaShe; nokuti ndiɀo ɀakarurama. |
| 2. Kudza ɓaɓa ʋako namai — ndiwo murairo wokutaŋga unecipikirwa — |
| 3. kuti uitirwe ɀakanaka, ugare ŋguʋa refu panyika. |
| 4. Nemi madziɓaɓa, regai kutsamŋisa ʋana ʋenyu; asi ʋarerei pakuraŋga nokuraira kwaShe. |
| 5. Imi ʋaranda, tererai aʋo ʋari ʋatenzi ʋenyu panyama, nokutya nokuɗeɗera, nemŋoyo yakarurama, muciɀiita sokunaKristu; |
| 6. musiŋgaɓati kana muciʋonekwa ɓedzi, saʋafadzi ʋaʋanhu, asi saʋaranda ʋaKristu, ʋanoita kuɗa kwaMŋari nomŋoyo wose; |
| 7. muciɓata nomŋoyo wakanaka, muci ɀiita sokunaShe, musiŋgaitiri ʋanhu; |
| 8. muciziʋa kuti cinhu cipi necipi cakanaka, cinoitwa nomunhu mumŋe nomumŋe, ucacipiwa ɀe naShe, kana akasuŋgwa kana akasunuŋguka. |
| 9. Nemi madzishe, muʋaitire saiɀoɀo, murege kuʋatyisa; nokuti munoziʋa kuti Ishe waʋo nowenyu uri kuɗeŋga; haatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu. |
| 10. Pakupedzisira iʋai nesimba munaShe, nomusimba rake guru. |
| 11. Shoŋgai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, mugone kumira mucirwa namano aDiaborosi. |
| 12. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi naʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya yakaipa yeɗeŋga. |
| 13. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, kuti mugone kudziʋisa pazuʋa rakaipa, nokuramba mumire mapedza ɀose. |
| 14. Naiɀoɀo mirai makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu neɀokwaɗi, makapfeka cidzitiro cecifuʋa cokururama, |
| 15. makasuŋga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvaŋgeri yorugare; |
| 16. pamsoro paiɀoɀi makatora nhoʋo huru yokutenda, yamuŋgagona kudzima nayo miseʋe yose yomŋoto yowakaipa. |
| 17. Torai ŋgowani yoruponeso, nomunondo woMŋeya, iro Shoko raMŋari; |
| 18. munyeŋgetere ŋguʋa dzose nokunyeŋgetera kwose nokukumbira muMŋeya, mucirinda paɀinhu iɀi nokutsuŋga kwose nokukumbirira ʋatȿene ʋose, |
| 19. neni ʋo, kuti ndipiwe shoko kana ndicishamisa muromo waŋgu, kuti ndiɗudzire ndisiŋgatyi ɀakaʋanzika ɀeEvaŋgeri, |
| 20. yandiri nhume yayo yakasuŋgwa namatare; kuti ndiɀitaure ndisiŋgatyi, seɀandinofanira kutaura. |
| 21. Ɀino kuti muziʋe ʋo ɀaŋgu, kuti ndakaɗiniko, Tikiko, hama inoɗikanwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, ucakuziʋisai ɀose; |
| 22. ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muziʋe ɀinhu ɀeɗu, anyaradze mŋoyo yenyu. |
| 23. Rugare ŋgaruʋe nehama, noruɗo pamŋe cete nokutenda, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu. |
| 24. Nyasha ŋgadziʋe naʋose ʋanoɗa Ishe weɗu, Jesu Kristu, noruɗo rusiŋgaʋori |
|
|
| Shona Bible 1949 |
| © British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |