Bhaibheri mune rimwe gore
Gumiguru 5

1. Mŋeya waShe Jehova uri pamsoro paŋgu; nokuti Jehova wakandizodza kuti ndiparidzire ʋanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape ʋanemŋoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire ʋakatapxa kusunuŋgurwa, nokunaʋakasuŋgwa kuti ʋacazarurirwa;
2. kuti ndiparidze gore reŋgoni dzaJehova, nezuʋa rokutsiʋa raMŋari weɗu; kuti ndinyaradze ʋose ʋanocema;
3. kuti ndigadzirire ʋanocema paZioni ʋapiwe korona panɀimbo yamaɗota, mafuta omufaro panɀimbo yokucema, neŋguʋo yokurumbidza panɀimbo yomŋeya waziya; kuti ʋanzi miti yokururama, cakasimŋa caJehova, kuti iye akudzwe.
4. Ipapo ʋacaʋaka matoŋgo akare, ʋacamutsa ɀe nɀimbo dzakaparadzwa dzokutaŋga, ʋacagadzira maguta akaŋga aitwa matoŋgo, ɀakaparadzwa ɀamarudzi namarudzi.
5. Ʋatorwa ʋacamira ʋacifudza mapoka enyu amakwai, naʋaeni ʋacaʋa ʋarimi ʋenyu naʋagadziri ʋemizambiriŋga yenyu.
6. Asi imi mucanzi ʋaprista ʋaJehova, ʋanhu ʋacakutumidzai ʋashumiri ʋaMŋari weɗu; mucadya fuma yamarudzi aʋanhu, mucaɀirumbidza nokukudzwa kwawo.
7. Panɀimbo yokunyadziswa kwenyu, mucapiwa migoʋe miʋiri; panɀimbo yokushoʋorwa ʋacafarira mugoʋe waʋo; naiɀoɀo panyika yaʋo ʋacaʋa nemigoʋe miʋiri, ʋacaʋa nomufaro usiŋgaperi.
8. Nokuti ini Jehova ndinoɗa ɀakarurama, ndinoʋeŋga kupamba pamŋe cete neɀakaipa; ndicaʋaripira ɀirokwaɀo, ʋuye ndicaita suŋgano isiŋgaperi naʋo.
9. Ʋana ʋaʋo ʋacazikanwa pakati pamarudzi, neɀiɓereko ɀaʋo pakati paʋanhu; ʋose ʋanoʋaʋona ʋacaʋaziʋa, kuti ndirwo rudzi rwakaropafadzwa naJehova.
10. Ndicafarira Jehova kwaɀo, mŋeya waŋgu ucaʋa nomufaro munaMŋari waŋgu; nokuti wakandifukidza ŋguʋo dzoruponeso, wakandipfekedza cokufuka cokururama, secikomba cinoshoŋga korona, ʋuye somŋeŋga unoɀishoŋgedza noʋukomba bgake.
11. Nokuti nyika seɀainoɓuɗisa miti yayo, nomunda seɀaunomeresa ɀakadɀarwa’mo, saiɀoɀo Ishe Jehova ucameresa kururama nokurumbidzwa pamberi pamarudzi ose.
1. Nokuɗa kweZioni handiŋgarambi ndinyerere, nokuɗa kweJerusarema handiŋgazorori, kuȿikira kururama kwaro kuciɓuɗa secadzera, nokuponeswa kwaro somŋenje unopfuta.
2. Marudzi aʋanhu acaʋona kururama kwako, namadzimambo ose kurumbidzwa kwako; ucatumidzwa zita idɀa, ricarebga nomuromo waJehova.
3. Iwe ucaʋa ʋo korona yakanaka muruʋoko rwaJehova, noʋukomba bgoʋumambo muruʋoko rwaMŋari wako.
4. Haucazonzi, Musiyiwa; nenyika yako haicazonzi Ƌoŋgo; asi iwe ucatumidzwa zita rinonzi Hefziba, nenyika yako Beura; nokuti Jehova unokufarira, nenyika yako icawanikwa.
5. Nokuti jaya seɀarinowana mhandara, saiɀoɀo ʋanakomana ʋako ʋacakuwana; ʋuye cikomba seɀacinofarira mŋeŋga, saiɀoɀo Mŋari wako ucakufarira.
6. Ndakagadza nharirire pamsoro pamaȿiŋgo ako, iwe Jerusarema; haʋaŋgatoŋgonyarari masikati noʋusiku; imi ʋayeʋudziri ʋaJehova, regai kunyarara,
7. ʋuye musamutendera kuzorora, kuȿikira asimbisa iɀoɀo, kuȿikira aita Jerusarema guta rinorumbidzwa panyika.
8. Jehova wakapika noruʋoko rwake rworudyi, ʋuye noruʋoko rwake runesimba, aciti: Ɀirokwaɀo handicazopi ʋaʋeŋgi ʋako ɀiyo ɀako, ɀiʋe ɀokudya ɀaʋo, naʋatorwa haʋacazonwi waini yako itȿa, yawakatamburira;
9. asi ʋakaɀikohwa ndiʋo ʋacaɀidya, ʋacirumbidza Jehova; ʋakaiʋuŋganidza ndiʋo ʋacainwa pamaʋazhe eimba yaŋgu tȿene.
10. Pindai, pindai napamasuʋo, gadzirai nzira yaʋanhu; tutirai, tutirai mugwagwa, bvisai mabge, simudzirai ʋanhu mureza.
11. Tarirai, Jehova wakaparidza shoko kuȿikira kumugumo wenyika, aciti: Ʋudzai mukunda weZioni, muti: Tarira, ruponeso rwako runoʋuya; tarira, muɓairo wake unawo, ɀaanoripira ɀiri pamberi pake.
12. Ʋacaʋatumidza zita rinonzi Ʋanhu ʋatȿene, Ʋakadzikinurwa ʋaJehova; newe ucatumidzwa zita rinonzi Mutȿakwa, Guta risina‐kusiyiwa.
9. Iwe Israeri, ʋimba naJehova; Ndiye muɓatsiri waʋo nenhoʋo yaʋo.
10. Iwe imba yaAroni, ʋimba naJehova; Ndiye muɓatsiri waʋo nenhoʋo yaʋo.
11. Imi munotya Jehova, ʋimbai naJehova; Ndiye muɓatsiri waʋo nenhoʋo yaʋo.
12. Jehova wakatiraŋgarira; iye ucatiropafadza; Ucaropafadza imba yaIsraeri; Ucaropafadza imba yaAroni.
13. Ucaropafadza ʋanotya Jehova, Ʋaɗuku naʋakuru ʋose.
24. Muʋeŋgi unonyeŋgedzera nemiromo yake, Asi unoʋanza kunyeŋgedzera mumŋoyo make.
25. Kana acitaura ɀinonaka, usamutenda; Nokuti mumŋoyo make muneɀinonyaŋgadza ɀinomŋe.
26. Kunyaŋge kuʋeŋga kwake kuciɀiʋanza nokunyeŋgedzera, Kushata kwake kucaɓuɗiswa pacena pamberi peʋuŋgano.
1. Imi ʋana, tererai ʋaɓereki ʋenyu munaShe; nokuti ndiɀo ɀakarurama.
2. Kudza ɓaɓa ʋako namai — ndiwo murairo wokutaŋga unecipikirwa —
3. kuti uitirwe ɀakanaka, ugare ŋguʋa refu panyika.
4. Nemi madziɓaɓa, regai kutsamŋisa ʋana ʋenyu; asi ʋarerei pakuraŋga nokuraira kwaShe.
5. Imi ʋaranda, tererai aʋo ʋari ʋatenzi ʋenyu panyama, nokutya nokuɗeɗera, nemŋoyo yakarurama, muciɀiita sokunaKristu;
6. musiŋgaɓati kana muciʋonekwa ɓedzi, saʋafadzi ʋaʋanhu, asi saʋaranda ʋaKristu, ʋanoita kuɗa kwaMŋari nomŋoyo wose;
7. muciɓata nomŋoyo wakanaka, muci ɀiita sokunaShe, musiŋgaitiri ʋanhu;
8. muciziʋa kuti cinhu cipi necipi cakanaka, cinoitwa nomunhu mumŋe nomumŋe, ucacipiwa ɀe naShe, kana akasuŋgwa kana akasunuŋguka.
9. Nemi madzishe, muʋaitire saiɀoɀo, murege kuʋatyisa; nokuti munoziʋa kuti Ishe waʋo nowenyu uri kuɗeŋga; haatendi ɀinoʋonekwa ɀomunhu.
10. Pakupedzisira iʋai nesimba munaShe, nomusimba rake guru.
11. Shoŋgai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, mugone kumira mucirwa namano aDiaborosi.
12. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi naʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya yakaipa yeɗeŋga.
13. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMŋari, kuti mugone kudziʋisa pazuʋa rakaipa, nokuramba mumire mapedza ɀose.
14. Naiɀoɀo mirai makasuŋga ɀiʋuno ɀenyu neɀokwaɗi, makapfeka cidzitiro cecifuʋa cokururama,
15. makasuŋga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvaŋgeri yorugare;
16. pamsoro paiɀoɀi makatora nhoʋo huru yokutenda, yamuŋgagona kudzima nayo miseʋe yose yomŋoto yowakaipa.
17. Torai ŋgowani yoruponeso, nomunondo woMŋeya, iro Shoko raMŋari;
18. munyeŋgetere ŋguʋa dzose nokunyeŋgetera kwose nokukumbira muMŋeya, mucirinda paɀinhu iɀi nokutsuŋga kwose nokukumbirira ʋatȿene ʋose,
19. neni ʋo, kuti ndipiwe shoko kana ndicishamisa muromo waŋgu, kuti ndiɗudzire ndisiŋgatyi ɀakaʋanzika ɀeEvaŋgeri,
20. yandiri nhume yayo yakasuŋgwa namatare; kuti ndiɀitaure ndisiŋgatyi, seɀandinofanira kutaura.
21. Ɀino kuti muziʋe ʋo ɀaŋgu, kuti ndakaɗiniko, Tikiko, hama inoɗikanwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, ucakuziʋisai ɀose;
22. ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muziʋe ɀinhu ɀeɗu, anyaradze mŋoyo yenyu.
23. Rugare ŋgaruʋe nehama, noruɗo pamŋe cete nokutenda, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu.
24. Nyasha ŋgadziʋe naʋose ʋanoɗa Ishe weɗu, Jesu Kristu, noruɗo rusiŋgaʋori
Shona Bible 1949
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018